< John 16 >
1 “I have told you these things so that you will not fall away.
Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
2 They will put you out of the synagogues. In fact, a time is coming when anyone who kills you will think he is offering a service to God.
Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
3 They will do these things because they have not known the Father or Me.
Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
4 But I have told you these things so that when their hour comes, you will remember that I told you about them. I did not tell you these things from the beginning, because I was with you.
Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
5 Now, however, I am going to Him who sent Me; yet none of you asks Me, ‘Where are You going?’
Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
6 Instead, your hearts are filled with sorrow because I have told you these things.
Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
7 But I tell you the truth, it is for your benefit that I am going away. Unless I go away, the Advocate will not come to you; but if I go, I will send Him to you.
Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8 And when He comes, He will convict the world in regard to sin and righteousness and judgment:
Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
9 in regard to sin, because they do not believe in Me;
zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
10 in regard to righteousness, because I am going to the Father and you will no longer see Me;
uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
11 and in regard to judgment, because the prince of this world has been condemned.
uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
12 I still have much to tell you, but you cannot yet bear to hear it.
Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
13 However, when the Spirit of truth comes, He will guide you into all truth. For He will not speak on His own, but He will speak what He hears, and He will declare to you what is to come.
asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
14 He will glorify Me by taking from what is Mine and disclosing it to you.
Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
15 Everything that belongs to the Father is Mine. That is why I said that the Spirit will take from what is Mine and disclose it to you.
Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
16 In a little while you will see Me no more, and then after a little while you will see Me.”
Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
17 Then some of His disciples asked one another, “Why is He telling us, ‘In a little while you will not see Me, and then after a little while you will see Me’ and ‘Because I am going to the Father’?”
Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
18 They kept asking, “Why is He saying, ‘a little while’? We do not understand what He is saying.”
Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
19 Aware that they wanted to question Him, Jesus said to them, “Are you asking one another why I said, ‘In a little while you will not see Me, and then after a little while you will see Me’?
Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
20 Truly, truly, I tell you, you will weep and wail while the world rejoices. You will grieve, but your grief will turn to joy.
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
21 A woman has pain in childbirth because her time has come; but when she brings forth her child, she forgets her anguish because of her joy that a child has been born into the world.
Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
22 So also you have sorrow now, but I will see you again and your hearts will rejoice, and no one will take away your joy.
Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
23 In that day you will no longer ask Me anything. Truly, truly, I tell you, whatever you ask the Father in My name, He will give you.
Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
24 Until now you have not asked for anything in My name. Ask and you will receive, so that your joy may be complete.
Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
25 I have spoken these things to you in figures of speech. An hour is coming when I will no longer speak to you this way, but will tell you plainly about the Father.
Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
26 In that day you will ask in My name. I am not saying that I will ask the Father on your behalf.
Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
27 For the Father Himself loves you, because you have loved Me and have believed that I came from God.
nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
28 I came from the Father and entered the world. In turn, I will leave the world and go to the Father.”
Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
29 His disciples said, “See, now You are speaking plainly and without figures of speech.
Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
30 Now we understand that You know all things and that You have no need for anyone to question You. Because of this, we believe that You came from God.”
Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
31 “Do you finally believe?” Jesus replied.
Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
32 “Look, an hour is coming and has already come when you will be scattered, each to his own home, and you will leave Me all alone. Yet I am not alone, because the Father is with Me.
Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
33 I have told you these things so that in Me you may have peace. In the world you will have tribulation. But take courage; I have overcome the world!”
Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.