< Job 19 >

1 Then Job answered:
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “How long will you torment me and crush me with your words?
“Mucharamba muchinditambudza uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?
3 Ten times now you have reproached me; you shamelessly mistreat me.
Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
4 Even if I have truly gone astray, my error concerns me alone.
Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.
5 If indeed you would exalt yourselves above me and use my disgrace against me,
Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,
6 then understand that it is God who has wronged me and drawn His net around me.
zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akandikomberedza nomumbure wake.
7 Though I cry out, ‘Violence!’ I get no response; though I call for help, there is no justice.
“Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
8 He has blocked my way so I cannot pass; He has veiled my paths with darkness.
Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
9 He has stripped me of my honor and removed the crown from my head.
Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10 He tears me down on every side until I am gone; He uproots my hope like a tree.
Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
11 His anger burns against me, and He counts me among His enemies.
Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
12 His troops advance together; they construct a ramp against me and encamp around my tent.
Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
13 He has removed my brothers from me; my acquaintances have abandoned me.
“Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
14 My kinsmen have failed me, and my friends have forgotten me.
Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
15 My guests and maidservants count me as a stranger; I am a foreigner in their sight.
Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
16 I call for my servant, but he does not answer, though I implore him with my own mouth.
Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.
17 My breath is repulsive to my wife, and I am loathsome to my own family.
Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
18 Even little boys scorn me; when I appear, they deride me.
Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
19 All my best friends despise me, and those I love have turned against me.
Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
20 My skin and flesh cling to my bones; I have escaped by the skin of my teeth.
Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa; ndangopunyuka napaburi retsono.
21 Have pity on me, my friends, have pity, for the hand of God has struck me.
“Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
22 Why do you persecute me as God does? Will you never get enough of my flesh?
Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
23 I wish that my words were recorded and inscribed in a book,
“Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo mubhuku,
24 by an iron stylus on lead, or chiseled in stone forever.
dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!
25 But I know that my Redeemer lives, and in the end He will stand upon the earth.
Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
26 Even after my skin has been destroyed, yet in my flesh I will see God.
Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
27 I will see Him for myself; my eyes will behold Him, and not as a stranger. How my heart yearns within me!
ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!
28 If you say, ‘Let us persecute him, since the root of the matter lies with him,’
“Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
29 then you should fear the sword yourselves, because wrath brings punishment by the sword, so that you may know there is a judgment.”
munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”

< Job 19 >