< Isaiah 26 >
1 In that day this song will be sung in the land of Judah: We have a strong city; salvation is established as its walls and ramparts.
Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro.
2 Open the gates so a righteous nation may enter— one that remains faithful.
Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda.
3 You will keep in perfect peace the steadfast of mind, because he trusts in You.
Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.
4 Trust in the LORD forever, because GOD the LORD is the Rock eternal.
Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.
5 For He has humbled those who dwell on high; He lays the lofty city low. He brings it down to the ground; He casts it into the dust.
Anoderedza avo vagere pakakwirira, anodzikisa pasi guta rapamusoro; anorideredza kusvikira pavhu uye anorikanda muguruva.
6 Feet trample it down— the feet of the oppressed, the steps of the poor.
Tsoka dzicharitsikirira pasi, tsoka dzavakamanikidzwa, idzo tsoka dzavarombo.
7 The path of the righteous is level; You clear a straight path for the upright.
Nzira yavakarurama yakati chechetere; imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere.
8 Yes, we wait for You, O LORD; we walk in the path of Your judgments. Your name and renown are the desire of our souls.
Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu, tinokumirirai; zita renyu nemukurumbira wenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu.
9 My soul longs for You in the night; indeed, my spirit seeks You at dawn. For when Your judgments come upon the earth, the people of the world learn righteousness.
Mwoyo wangu unokushuvai pausiku; mangwanani, mweya wangu unokupangai. Kutonga kwenyu pakunouya panyika, vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.
10 Though grace is shown to the wicked man, he does not learn righteousness. In the land of righteousness he acts unjustly and fails to see the majesty of the LORD.
Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama; kunyange munyika yokururama, vanongoramba vachiita zvakaipa, uye havana hanya noukuru hwaJehovha.
11 O LORD, Your hand is upraised, but they do not see it. They will see Your zeal for Your people and be put to shame. The fire set for Your enemies will consume them!
Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro, asi havaruoni. Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa; moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze.
12 O LORD, You will establish peace for us. For all that we have accomplished, You have done for us.
Jehovha, imi munotigadzirira rugare; zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira.
13 O LORD our God, other lords besides You have had dominion, but Your name alone do we confess.
Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga, asi zita renyu ndiro ratinokudza chete.
14 The dead will not live; the departed spirits will not rise. Therefore You have punished and destroyed them; You have wiped out all memory of them.
Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo.
15 You have enlarged the nation, O LORD; You have enlarged the nation. You have gained glory for Yourself; You have extended all the borders of the land.
Makakurisa rudzi, imi Jehovha; makakurisa rudzi. Makazviwanira mukurumbira; mukakurisa miganhu yose yenyika.
16 O LORD, they sought You in their distress; when You disciplined them, they poured out a quiet prayer.
Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo; pamakavarova, havana kugona kuzevezera munyengetero.
17 As a woman with child about to give birth writhes and cries out in pain, so were we in Your presence, O LORD.
Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka, anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agochema kwazvo, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha.
18 We were with child; we writhed in pain; but we gave birth to wind. We have given no salvation to the earth, nor brought any life into the world.
Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa, asi takabereka mhepo. Hatina kuvigira nyika ruponeso; hatina chatakaberekera vanhu venyika.
19 Your dead will live; their bodies will rise. Awake and sing, you who dwell in the dust! For your dew is like the dew of the morning, and the earth will bring forth her dead.
Asi vakafa venyu vachararama; miviri yavo ichamuka. Imi mugere muguruva, mukai mupembere. Dova renyu rakaita sedova ramangwanani; nyika ichabudisa vakafa vayo.
20 Go, my people, enter your rooms and shut your doors behind you. Hide yourselves a little while until the wrath has passed.
Chiendai, vanhu vangu, pindai mumakamuri enyu, mugopfiga mikova shure kwenyu; muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura.
21 For behold, the LORD is coming out of His dwelling to punish the inhabitants of the earth for their iniquity. The earth will reveal her bloodshed and will no longer conceal her slain.
Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.