< Acts 21 >
1 After we had torn ourselves away from them, we sailed directly to Cos, and the next day on to Rhodes, and from there to Patara.
Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;
2 Finding a ship crossing over to Phoenicia, we boarded it and set sail.
ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.
3 After sighting Cyprus and passing south of it, we sailed on to Syria and landed at Tyre, where the ship was to unload its cargo.
Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
4 We sought out the disciples in Tyre and stayed with them seven days. Through the Spirit they kept telling Paul not to go up to Jerusalem.
zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.
5 But when our time there had ended, we set out on our journey. All the disciples, with their wives and children, accompanied us out of the city and knelt down on the beach to pray with us.
Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.
6 And after we had said our farewells, we went aboard the ship, and they returned home.
Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
7 When we had finished our voyage from Tyre, we landed at Ptolemais, where we greeted the brothers and stayed with them for a day.
Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.
8 Leaving the next day, we went on to Caesarea and stayed at the home of Philip the evangelist, who was one of the Seven.
Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
9 He had four unmarried daughters who prophesied.
Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
10 After we had been there several days, a prophet named Agabus came down from Judea.
Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
11 Coming over to us, he took Paul’s belt, bound his own feet and hands, and said, “The Holy Spirit says: ‘In this way the Jews of Jerusalem will bind the owner of this belt and hand him over to the Gentiles.’”
ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.
12 When we heard this, we and the people there pleaded with Paul not to go up to Jerusalem.
Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
13 Then Paul answered, “Why are you weeping and breaking my heart? I am ready not only to be bound, but also to die in Jerusalem for the name of the Lord Jesus.”
Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
14 When he would not be dissuaded, we fell silent and said, “The Lord’s will be done.”
Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.
15 After these days, we packed up and went on to Jerusalem.
Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
16 Some of the disciples from Caesarea accompanied us, and they took us to stay at the home of Mnason the Cypriot, an early disciple.
Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.
17 When we arrived in Jerusalem, the brothers welcomed us joyfully.
Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.
18 The next day Paul went in with us to see James, and all the elders were present.
Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo.
19 Paul greeted them and recounted one by one the things that God had done among the Gentiles through his ministry.
Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.
20 When they heard this, they glorified God. Then they said to Paul, “You see, brother, how many thousands of Jews have believed, and all of them are zealous for the law.
Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo;
21 But they are under the impression that you teach all the Jews who live among the Gentiles to forsake Moses, telling them not to circumcise their children or observe our customs.
zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
22 What then should we do? They will certainly hear that you have come.
Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.
23 Therefore do what we advise you. There are four men with us who have taken a vow.
Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;
24 Take these men, purify yourself along with them, and pay their expenses so they can have their heads shaved. Then everyone will know that there is no truth to these rumors about you, but that you also live in obedience to the law.
vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.
25 As for the Gentile believers, we have written to them our decision that they must abstain from food sacrificed to idols, from blood, from the meat of strangled animals, and from sexual immorality.”
Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
26 So the next day Paul took the men and purified himself along with them. Then he entered the temple to give notice of the date when their purification would be complete and the offering would be made for each of them.
Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.
27 When the seven days were almost over, some Jews from the province of Asia saw Paul at the temple. They stirred up the whole crowd and seized him,
Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari.
28 crying out, “Men of Israel, help us! This is the man who teaches everywhere against our people and against our law and against this place. Furthermore, he has brought Greeks into the temple and defiled this holy place.”
Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.
29 For they had previously seen Trophimus the Ephesian with him in the city, and they assumed that Paul had brought him into the temple.
Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.
30 The whole city was stirred up, and the people rushed together. They seized Paul and dragged him out of the temple, and at once the gates were shut.
Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.
31 While they were trying to kill him, the commander of the Roman regiment received a report that all Jerusalem was in turmoil.
Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa.
32 Immediately he took some soldiers and centurions and ran down to the crowd. When the people saw the commander and the soldiers, they stopped beating Paul.
Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
33 The commander came up and arrested Paul, ordering that he be bound with two chains. Then he asked who he was and what he had done.
Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.
34 Some in the crowd were shouting one thing, and some another. And since the commander could not get at the truth because of the uproar, he ordered that Paul be brought into the barracks.
Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.
35 When Paul reached the steps, he had to be carried by the soldiers because of the violence of the mob.
Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;
36 For the crowd that followed him kept shouting, “Away with him!”
nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!
37 As they were about to take Paul into the barracks, he asked the commander, “May I say something to you?” “Do you speak Greek?” he replied.
Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?
38 “Aren’t you the Egyptian who incited a rebellion some time ago and led four thousand members of the ‘Assassins’ into the wilderness?”
Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
39 But Paul answered, “I am a Jew from Tarsus in Cilicia, a citizen of no ordinary city. Now I beg you to allow me to speak to the people.”
Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.
40 Having received permission, Paul stood on the steps and motioned to the crowd. A great hush came over the crowd, and he addressed them in Hebrew:
Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti: