< Acts 19 >
1 While Apollos was at Corinth, Paul passed through the interior and came to Ephesus. There he found some disciples
Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo
2 and asked them, “Did you receive the Holy Spirit when you became believers?” “No,” they answered, “we have not even heard that there is a Holy Spirit.”
akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?” Vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”
3 “Into what, then, were you baptized?” Paul asked. “The baptism of John,” they replied.
Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?” Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”
4 Paul explained: “John’s baptism was a baptism of repentance. He told the people to believe in the One coming after him, that is, in Jesus.”
Pauro akati, “Rubhabhatidzo rwaJohani rwaiva rubhabhatidzo rwokutendeuka. Akaudza vanhu kuti vatende kuna iye aizouya mumashure make, iye Jesu.”
5 On hearing this, they were baptized into the name of the Lord Jesus.
Vakati vanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
6 And when Paul laid his hands on them, the Holy Spirit came upon them, and they spoke in tongues and prophesied.
Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo, uye vakataura nendimi vakaprofita.
7 There were about twelve men in all.
Vakanga vari varume vanenge gumi navaviri vose.
8 Then Paul went into the synagogue and spoke boldly there for three months, arguing persuasively about the kingdom of God.
Pauro akapinda musinagoge akataura asingatyi imomo kwemwedzi mitatu, achikakavadzana navo zvinyoronyoro pamusoro poumambo hwaMwari.
9 But when some of them stubbornly refused to believe and publicly maligned the Way, Paul took his disciples and left the synagogue to conduct daily discussions in the lecture hall of Tyrannus.
Asi vamwe vavo vakaomesa mwoyo yavo; vakaramba kutenda uye vakatsoropodza Nzira iyo pamberi pavanhu. Saka Pauro akabva pavari. Akatora vadzidzi akaenda navo akandoita hurukuro navo zuva nezuva pachikoro chaTirano.
10 This continued for two years, so that everyone who lived in the province of Asia, Jews and Greeks alike, heard the word of the Lord.
Izvi zvakaramba zvichiitwa kwamakore maviri, zvokuti vaJudha vose navaGiriki vaigara munyika yeEzhia vakanzwa shoko raShe.
11 God did extraordinary miracles through the hands of Paul,
Mwari akaita mabasa anoshamisa kubudikidza naPauro,
12 so that even handkerchiefs and aprons that had touched him were taken to the sick, and the diseases and evil spirits left them.
zvokuti kunyange nehangachepfu namaapuroni akanga ari pamuviri wake zvakaendeswa kuvarwere, zvirwere zvavo zvikaporeswa uye mweya yakaipa ikabva pavari.
13 Now there were some itinerant Jewish exorcists who tried to invoke the name of the Lord Jesus over those with evil spirits. They would say, “I bind you by Jesus, whom Paul proclaims.”
Vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga mweya yakaipa vakaedza kudana zita raJesu pamusoro paavo vakanga vakabatwa namadhimoni vachiti, “Muzita raJesu, anoparidzwa naPauro, ndinokurayira kuti ubude.”
14 Seven sons of Sceva, a Jewish chief priest, were doing this.
Vanakomana vanomwe vaSikevha muprista mukuru wavaJudha, vakanga vachiita izvozvo.
15 Eventually, one of the evil spirits answered them, “Jesus I know, and I know about Paul, but who are you?”
Rimwe zuva mweya wakaipa wakavapindura ukati, “Jesu ndinomuziva, uye ndinoziva nezvaPauro, asi imi ndimi vanaaniko?”
16 Then the man with the evil spirit jumped on them and overpowered them all. The attack was so violent that they ran out of the house naked and wounded.
Ipapo murume akanga ane mweya wakaipa akasvetukira pavari akavakurira vose. Akavarova zvokuti vakamhanya vachibuda mumba vasina kupfeka uye vachibuda ropa.
17 This became known to all the Jews and Greeks living in Ephesus, and fear came over all of them. So the name of the Lord Jesus was held in high honor.
Izvi zvakati zvazivikanwa navaJudha navaGiriki vaigara muEfeso, vose vakabatwa nokutya, uye zita raIshe Jesu rakakudzwa nokukudzwa kukuru.
18 Many who had believed now came forward, confessing and disclosing their deeds.
Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakauya vakareurura pachena mabasa avo akanga akaipa.
19 And a number of those who had practiced magic arts brought their books and burned them in front of everyone. When the value of the books was calculated, the total came to fifty thousand drachmas.
Vazhinji vakanga vachiita zvounʼanga vakaunganidza mabhuku avo pamwe chete vakaapisa pamberi pavanhu. Vakati vaverenga mutengo wamabhuku acho, mari ikasvika madhirakema zviuru makumi mashanu.
20 So the word of the Lord powerfully continued to spread and prevail.
Nenzira iyi shoko raMwari rakapararira kwazvo uye rikakura musimba.
21 After these things had happened, Paul resolved in the Spirit to go to Jerusalem after he had passed through Macedonia and Achaia. “After I have been there,” he said, “I must see Rome as well.”
Shure kwokunge zvose izvi zvaitika, Pauro akafunga zvokuenda kuJerusarema achipfuura nokuMasedhonia, nokuAkaya achiti, “Kana ndambosvika ikoko, ndinofanira kushanyirawo Roma.”
22 He sent two of his helpers, Timothy and Erastus, to Macedonia, while he stayed for a time in the province of Asia.
Akatuma vabatsiri vake vaviri, Timoti naErastasi, kuMasedhonia, iye achimbosara munyika yeEzhia kwechinguva.
23 About that time there arose a great disturbance about the Way.
Nenguva yakaita saiyoyo bope guru rakamuka pamusoro peNzira iyi.
24 It began with a silversmith named Demetrius who made silver shrines of Artemis, bringing much business to the craftsmen.
Mumwe mupfuri wesirivha ainzi Dhemetiri akanga achigadzira zvitemberi zvesirivha zvaAritemisi, zvakanga zvichipfumisa zvikuru mhizha dzavo.
25 Demetrius assembled the craftsmen, along with the workmen in related trades. “Men,” he said, “you know that this business is our source of prosperity.
Akavaunganidza vose, pamwe chete navabati vaishanda mabasa akadaro, akati kwavari, “Varume, imi munoziva kuti takanga tichiwana pfuma yakanaka nebasa iri.
26 And you can see and hear that not only in Ephesus, but in nearly the whole province of Asia, Paul has persuaded a great number of people to turn away. He says that man-made gods are no gods at all.
Zvino munozvionawo nokuzvinzwira kuti murume uyu Pauro akadzidzisa uye akatsausa vanhu vazhinji muno muEfeso, uye zviri pachena kuti nomunyika yose yeEzhia zvayo, anoti vamwari vakaitwa navanhu havasi vamwari chaivo.
27 There is danger not only that our business will fall into disrepute, but also that the temple of the great goddess Artemis will be discredited and her majesty deposed—she who is worshiped by all the province of Asia and the whole world.”
Zvino njodzi iripo ndeyokuti harizi basa redu bedzi richarasikirwa nembiri yaro, asiwo temberi yamwari wedu mukuru, Aritemisi, ichazvidzwa uye iye mwarikadzi pachake, anova ndiye ari kunamatwa munyika yose yeEzhia uye nenyika yose, achatorerwa ukuru hwake.”
28 When the men heard this, they were enraged and began shouting, “Great is Artemis of the Ephesians!”
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa vakatanga kudanidzira vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
29 Soon the whole city was in disarray. They rushed together into the theatre, dragging with them Gaius and Aristarchus, Paul’s traveling companions from Macedonia.
Pakarepo guta rose rakanyonganiswa. Vanhu vakabata Gayo naAristakusi, shamwari dzaPauro dzaaifamba nadzo dzaibva kuMasedhonia, vakamhanya navo nomwoyo mumwe vakapinda navo munhandare.
30 Paul wanted to go before the assembly, but the disciples would not allow him.
Pauro akanga achida kuzviratidza pamberi pemhomho, asi vadzidzi vakamudzivisa.
31 Even some of Paul’s friends who were officials of the province of Asia sent word to him, begging him not to venture into the theatre.
Kunyange vamwe vakuru veEzhia, shamwari dzaPauro, vakamutumira shoko vachimukumbirisa kuti arege kuedza kupinda munhandare.
32 Meanwhile the assembly was in turmoil. Some were shouting one thing and some another, and most of them did not even know why they were there.
Ungano yakanga yanyonganiswa: vamwe vaidaidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe. Vazhinji vavanhu vakanga vasingatongozivi kuti sei vakanga varipo.
33 The Jews in the crowd pushed Alexander forward to explain himself, and he motioned for silence so he could make his defense to the people.
VaJudha vakasundidzira Arekizanda mberi, uye vamwe vazhinji vaidanidzira vachimurayira zvokuita. Akaninira vanhu kuti vanyarare kuitira kuti agone kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34 But when they realized that he was a Jew, they all shouted in unison for about two hours: “Great is Artemis of the Ephesians!”
Asi pavakaona kuti iye aiva muJudha, vose vakadanidzira pamwe chete kwenguva dzinenge maawa maviri vachiti, “Mukuru ndiAritemisi wavaEfeso!”
35 Finally the city clerk quieted the crowd and declared, “Men of Ephesus, doesn’t everyone know that the city of Ephesus is guardian of the temple of the great Artemis and of her image, which fell from heaven?
Munyori weguta akanyaradza vanhu akati, “Varume veEfeso, ko, nyika yose haizivi here kuti guta reEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAritemisi mukuru nomufananidzo wake, uyo wakawa uchibva kudenga?
36 Since these things are undeniable, you ought to be calm and not do anything rash.
Naizvozvo, sezvo izvi zvisingagoni kurambika, munofanira kuti munyarare murege kumhanyira kuita chinhu.
37 For you have brought these men here, though they have neither robbed our temple nor blasphemed our goddess.
Mauya navarume ava pano, kunyange zvavo vasina kuba temberi dzedu kana kumhura mwarikadzi wedu.
38 So if Demetrius and his fellow craftsmen have a complaint against anyone, the courts are open and proconsuls are available. Let them bring charges against one another there.
Zvino, kana Dhemetiri nedzimwe mhizha dzaanadzo vakange vane mhosva naani zvake, matare edzimhosva akazarurwa uye vatongi varimo. Vanogona kuvakwirira havo.
39 But if you are seeking anything beyond this, it must be settled in a legal assembly.
Kana pane chimwe chinhuzve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.
40 For we are in jeopardy of being charged with rioting for today’s events, and we have no justification to account for this commotion.”
Asi sezvazviri izvi, tiri panjodzi yokuti tingangopiwa mhosva yokumutsa bongozozo nokuda kwezvaitika nhasi. Kana pane chimwezve chamungada kutaura, chinofanira kutaurwa paungano iri pamutemo.”
41 After he had said this, he dismissed the assembly.
Akati ataura izvi, akarayira kuti ungano iparare.