< 2 Corinthians 4 >
1 Therefore, since God in His mercy has given us this ministry, we do not lose heart.
Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;
2 Instead, we have renounced secret and shameful ways. We do not practice deceit, nor do we distort the word of God. On the contrary, by open proclamation of the truth, we commend ourselves to every man’s conscience in the sight of God.
asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yese yevanhu pamberi paMwari.
3 And even if our gospel is veiled, it is veiled to those who are perishing.
Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;
4 The god of this age has blinded the minds of unbelievers so they cannot see the light of the gospel of the glory of Christ, who is the image of God. (aiōn )
kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari. (aiōn )
5 For we do not proclaim ourselves, but Jesus Christ as Lord, and ourselves as your servants for Jesus’ sake.
Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.
6 For God, who said, “Let light shine out of darkness,” made His light shine in our hearts to give us the light of the knowledge of the glory of God in the face of Jesus Christ.
Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.
7 Now we have this treasure in jars of clay to show that this surpassingly great power is from God and not from us.
Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri;
8 We are hard pressed on all sides, but not crushed; perplexed, but not in despair;
tinodzvanyidzirwa pamativi ese, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi;
9 persecuted, but not forsaken; struck down, but not destroyed.
tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;
10 We always carry around in our body the death of Jesus, so that the life of Jesus may also be revealed in our body.
tichipota takatakura nguva dzese kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.
11 For we who are alive are always consigned to death for Jesus’ sake, so that the life of Jesus may also be revealed in our mortal body.
Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
12 So then, death is at work in us, but life is at work in you.
Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri.
13 And in keeping with what is written: “I believed, therefore I have spoken,” we who have the same spirit of faith also believe and therefore speak,
Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura;
14 knowing that the One who raised the Lord Jesus will also raise us with Jesus and present us with you in His presence.
tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi.
15 All this is for your benefit, so that the grace that is extending to more and more people may overflow in thanksgiving, to the glory of God.
Nokuti zvinhu zvese zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari.
16 Therefore we do not lose heart. Though our outer self is wasting away, yet our inner self is being renewed day by day.
Naizvozvo hatineti, asi kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva.
17 For our light and momentary affliction is producing for us an eternal weight of glory that is far beyond comparison. (aiōnios )
Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi; (aiōnios )
18 So we fix our eyes not on what is seen, but on what is unseen. For what is seen is temporary, but what is unseen is eternal. (aiōnios )
tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi. (aiōnios )