< 2 Corinthians 2 >
1 So I made up my mind not to make another painful visit to you.
Asi ndakazvipira izvi, kusauyazve kwamuri mukusuwa.
2 For if I grieve you, who is left to cheer me but those whom I have grieved?
Nokuti kana ini ndichikusuwisai, ndiani zvino anondifadza, kunze kwaiye wakasuruvadzwa neni?
3 I wrote as I did so that on my arrival I would not be saddened by those who ought to make me rejoice. I had confidence in all of you, that you would share my joy.
Zvino ndakakunyorerai chinhu ichi chakadai kuti ndasvika, ndirege kusuwiswa naivo vanofanira kundifadza, ndine chivimbo mamuri mese, kuti mufaro wangu ndewenyu mese.
4 For through many tears I wrote you out of great distress and anguish of heart, not to grieve you but to let you know how much I love you.
Nokuti kubva mudambudziko guru nekusuruvara kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukurusa rwandinarwo kwamuri.
5 Now if anyone has caused grief, he has not grieved me but all of you—to some degree, not to overstate it.
Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukutakudzai mutoro) mese.
6 The punishment imposed on him by the majority is sufficient for him.
Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji;
7 So instead, you ought to forgive and comfort him, so that he will not be overwhelmed by excessive sorrow.
kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukanganwire nekunyaradza, zvimwe wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo nekusuruvara kukuru.
8 Therefore I urge you to reaffirm your love for him.
Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.
9 My purpose in writing you was to see if you would stand the test and be obedient in everything.
Nokuti ndizvo zvandakanyorerawo, kuti ndizive kuedzwa kwenyu, kana muchiteerera pazvinhu zvese.
10 If you forgive anyone, I also forgive him. And if I have forgiven anything, I have forgiven it in the presence of Christ for your sake,
Zvino iye wamunokanganwira chinhu, neni ndinomukanganwira; nokuti kana neni ndichikanganwira chinhu, uyo wandinenge ndakakanganwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi pechiso chaKristu,
11 in order that Satan should not outwit us. For we are not unaware of his schemes.
kuti tirege kushandiswa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.
12 Now when I went to Troas to preach the gospel of Christ and a door stood open for me in the Lord,
Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe,
13 I had no peace in my spirit, because I did not find my brother Titus there. So I said goodbye to them and went on to Macedonia.
handina kuwana zororo pamweya wangu, pakusawana kwangu Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabva ndikaenda kuMakedhonia.
14 But thanks be to God, who always leads us triumphantly as captives in Christ and through us spreads everywhere the fragrance of the knowledge of Him.
Zvino ngaavongwe Mwari, anotikundisa nguva dzese muna Kristu, uye anoratidza nesu panzvimbo dzese hwema hweruzivo rwake.
15 For we are to God the sweet aroma of Christ among those who are being saved and those who are perishing.
Nokuti tiri hwema hunonhuhwira hwaKristu kuna Mwari pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara;
16 To the one, we are an odor of death and demise; to the other, a fragrance that brings life. And who is qualified for such a task?
kune vamwe hwema hwerufu mukufa, nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani angakwanira zvinhu izvi?
17 For we are not like so many others, who peddle the word of God for profit. On the contrary, in Christ we speak before God with sincerity, as men sent from God.
Nokuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi sevanobva pauchokwadi, asi sezvinobva kuna Mwari pamberi paMwari tinotaura muna Kristu.