< 2 Chronicles 5 >

1 So all the work that Solomon had performed for the house of the LORD was completed. Then Solomon brought in the items his father David had dedicated—the silver, the gold, and all the furnishings—and he placed them in the treasuries of the house of God.
Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.
2 At that time Solomon assembled in Jerusalem the elders of Israel—all the tribal heads and family leaders of the Israelites—to bring up the ark of the covenant of the LORD from Zion, the City of David.
Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi.
3 So all the men of Israel came together to the king at the feast in the seventh month.
Uye varume vose veIsraeri vakauya pamwe chete kuna mambo panguva yomutambo mumwedzi wechinomwe.
4 When all the elders of Israel had arrived, the Levites took up the ark,
Vakuru vose vaIsraeri pavakasvika, vaRevhi vakasimudza areka,
5 and they brought up the ark and the Tent of Meeting with all its sacred furnishings. The Levitical priests carried them up.
uye vakauyisa areka neTende Rokusangana nemidziyo inoyera yaivamo. Vaprista ava vaiva vaRevhi vakazvitakura vakakwira nazvo;
6 There, before the ark, King Solomon and the whole congregation of Israel who had assembled with him sacrificed so many sheep and oxen that they could not be counted or numbered.
uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka.
7 Then the priests brought the ark of the covenant of the LORD to its place in the inner sanctuary of the temple, the Most Holy Place, beneath the wings of the cherubim.
Ipapo vaprista vakauya neareka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo munzira tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene vakaiisa pasi pemapapiro emakerubhi.
8 For the cherubim spread their wings over the place of the ark and overshadowed the ark and its poles.
Makerubhi akanga akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akanga akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.
9 The poles of the ark extended far enough that their ends were visible from in front of the inner sanctuary, but not from outside the Holy Place; and they are there to this day.
Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo, kubva paareka, aigona kuonekwa kubva nechemberi kwomukati menzvimbo tsvene, asi kwete uri kunze kweNzvimbo Tsvene. Uye achiripo nanhasi.
10 There was nothing in the ark except the two tablets that Moses had placed in it at Horeb, where the LORD had made a covenant with the Israelites after they had come out of Egypt.
Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha pavakaita sungano neIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
11 Now all the priests who were present had consecrated themselves regardless of their divisions. And when the priests came out of the Holy Place,
Ipapo vaprista vakabuda kubva muNzvimbo Tsvene. Vaprista vose vakanga varipo vakanga vazvinatsa zvisinei kuti vaiva vamapoka api.
12 all the Levitical singers—Asaph, Heman, Jeduthun, and their sons and relatives—stood on the east side of the altar, dressed in fine linen and playing cymbals, harps, and lyres, accompanied by 120 priests sounding trumpets.
VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda.
13 The trumpeters and singers joined together to praise and thank the LORD with one voice. They lifted up their voices, accompanied by trumpets, cymbals, and musical instruments, in praise to the LORD: “For He is good; His loving devotion endures forever.” And the temple, the house of the LORD, was filled with a cloud
Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza uye vachivonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore,
14 so that the priests could not stand there to minister because of the cloud; for the glory of the LORD filled the house of God.
uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari.

< 2 Chronicles 5 >