< Psalms 121 >

1 A Song of Ascents. I will lift up my eyes to the hills. Where does my help come from?
Rwiyo rworwendo. Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
2 My help comes from the LORD, who made heaven and earth.
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
3 He will not allow your foot to be moved. He who keeps you will not slumber.
Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri;
4 Behold, he who keeps Israel will neither slumber nor sleep.
zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata.
5 The LORD is your keeper. The LORD is your shade on your right hand.
Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
6 The sun will not harm you by day, nor the moon by night.
zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku.
7 The LORD will keep you from all evil. He will keep your soul.
Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako;
8 The LORD will keep your going out and your coming in, from this time forward, and forever more.
Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

< Psalms 121 >