< Matthew 17 >

1 After six days, Jesus took with him Peter, James, and John his brother, and brought them up into a high mountain by themselves.
Zvino shure kwemazuva matanhatu Jesu wakatora Petro naJakobho naJohwani munin'ina wake, akavakwidza mugomo refu vari vega.
2 He was changed before them. His face shone like the sun, and his garments became as white as the light.
Zvino akashandurwa chimiro pamberi pavo, uye chiso chake chikapenya sezuva, nenguvo dzake dzikachena sechiedza.
3 Behold, Moses and Elijah appeared to them talking with him.
Zvino tarira, kwakaonekwa kwavari Mozisi naEria vachitaura naye.
4 Peter answered and said to Jesus, “Lord, it is good for us to be here. If you want, let’s make three tents here: one for you, one for Moses, and one for Elijah.”
Zvino Petro akapindura akati kuna Jesu: Ishe, zvakatinakira kuva pano; kana muchida, ngatiite pano matumba matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria.
5 While he was still speaking, behold, a bright cloud overshadowed them. Behold, a voice came out of the cloud, saying, “This is my beloved Son, in whom I am well pleased. Listen to him.”
Wakati achataura, tarira, gore rinopenya rakavadzikatira; uye tarira, inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofara maari kwazvo; inzwai iye.
6 When the disciples heard it, they fell on their faces, and were very afraid.
Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawa nechiso chavo, vakatya zvikuru.
7 Jesus came and touched them and said, “Get up, and do not be afraid.”
Asi Jesu akaswedera akavabata, akati: Simukai, musatya.
8 Lifting up their eyes, they saw no one, except Jesus alone.
Vakati vachisimudza meso avo, havana kuona munhu, kunze kwaJesu chete.
9 As they were coming down from the mountain, Jesus commanded them, saying, “Do not tell anyone what you saw, until the Son of Man has risen from the dead.”
Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, achiti: Musaudza munhu chiratidzo ichi, kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.
10 His disciples asked him, saying, “Then why do the scribes say that Elijah must come first?”
Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti: Vanyori vanogotaurirei vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?
11 Jesus answered them, “Elijah indeed comes first, and will restore all things;
Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese.
12 but I tell you that Elijah has come already, and they did not recognize him, but did to him whatever they wanted to. Even so the Son of Man will also suffer by them.”
Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira zvese zvavakada; saizvozvowo Mwanakomana wemunhu achatambura navo.
13 Then the disciples understood that he spoke to them of John the Baptizer.
Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakataura kwavari zvaJohwani Mubhabhatidzi.
14 When they came to the multitude, a man came to him, kneeling down to him and saying,
Vakati vasvika kuchaunga, kwakauya kwaari munhu, akamufugamira, achiti:
15 “Lord, have mercy on my son, for he is epileptic and suffers grievously; for he often falls into the fire, and often into the water.
Ishe, donzwirai mwanakomana wangu tsitsi, nokuti ane zvipusha, anotambudzika kwazvo; nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura.
16 So I brought him to your disciples, and they could not cure him.”
Uye ndakamuuisa kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumuporesa.
17 Jesus answered, “Faithless and perverse generation! How long will I be with you? How long will I bear with you? Bring him here to me.”
Jesu akapindura akati: Haiwa zera risina rutendo nerakakombama, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuisei pano pandiri.
18 Jesus rebuked the demon, and it went out of him, and the boy was cured from that hour.
Zvino Jesu akaritsiura, dhimoni rikabuda kwaari, mwana akaporeswa kubva panguva iyo.
19 Then the disciples came to Jesus privately, and said, “Why were not we able to cast it out?”
Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari vega, vakati: Isu takange tisingagoni nei kuribudisa?
20 He said to them, “Because of your unbelief. For most certainly I tell you, if you have faith as a grain of mustard seed, you will tell this mountain, ‘Move from here to there,’ and it will move; and nothing will be impossible for you.
Jesu akati kwavari: Nemhaka yekusatenda kwenyu. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana mune rutendo rwakaita setsanga yemasitadha, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko; uye richabva; uye hakuna chinhu chingakukonai.
21 But this kind does not go out except by prayer and fasting.”
Asi zera iri haribudi kunze chete nekunyengetera nekutsanya.
22 While they were staying in Galilee, Jesus said to them, “The Son of Man is about to be delivered up into the hands of men,
Zvino vachakagara muGarirea, Jesu wakati kwavari: Mwanakomana wemunhu obva okumikidzwa mumaoko evanhu,
23 and they will kill him, and the third day he will be raised up.” They were exceedingly sorry.
uye vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswa. Uye vakashurukirwa zvikuru.
24 When they had come to Capernaum, those who collected the didrachma coins came to Peter, and said, “Does not your teacher pay the didrachma?”
Zvino vakati vachisvika Kapenaume, vaigamuchira mutero vakauya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haateri here?
25 He said, “Yes.” When he came into the house, Jesus anticipated him, saying, “What do you think, Simon? From whom do the kings of the earth receive toll or tribute? From their children, or from strangers?”
Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akamutangira achiti: Unofungei Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo kana mutero kuna vana ani? Kuvanakomana vavo kana kuvatorwa?
26 Peter said to him, “From strangers.” Jesus said to him, “Therefore the children are exempt.
Petro akati kwaari: Kuvatorwa. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
27 But, lest we cause them to stumble, go to the sea, cast a hook, and take up the first fish that comes up. When you have opened its mouth, you will find a stater coin. Take that, and give it to them for me and you.”
Asi kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore uvape, ive yangu neyako.

< Matthew 17 >