< Job 10 >

1 “My soul is weary of my life. I will give free course to my complaint. I will speak in the bitterness of my soul.
“Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.
2 I will tell God, ‘Do not condemn me. Show me why you contend with me.
Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.
3 Is it good to you that you should oppress, that you should despise the work of your hands, and smile on the counsel of the wicked?
Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?
4 Do you have eyes of flesh? Or do you see as man sees?
Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?
5 Are your days as the days of mortals, or your years as man’s years,
Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,
6 that you inquire after my iniquity, and search after my sin?
kuti muongorore mhosva yangu uye mutsvage chivi changu,
7 Although you know that I am not wicked, there is no one who can deliver out of your hand.
kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
8 “‘Your hands have framed me and fashioned me altogether, yet you destroy me.
“Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here?
9 Remember, I beg you, that you have fashioned me as clay. Will you bring me into dust again?
Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here?
10 Have not you poured me out like milk, and curdled me like cheese?
Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi,
11 You have clothed me with skin and flesh, and knit me together with bones and sinews.
mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?
12 You have granted me life and loving kindness. Your visitation has preserved my spirit.
Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
13 Yet you hid these things in your heart. I know that this is with you:
“Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.
14 if I sin, then you mark me. You will not acquit me from my iniquity.
Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.
15 If I am wicked, woe to me. If I am righteous, I still will not lift up my head, being filled with disgrace, and conscious of my affliction.
Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.
16 If my head is held high, you hunt me like a lion. Again you show yourself powerful to me.
Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.
17 You renew your witnesses against me, and increase your indignation on me. Changes and warfare are with me.
Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
18 “‘Why, then, have you brought me out of the womb? I wish I had given up the spirit, and no eye had seen me.
“Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.
19 I should have been as though I had not been. I should have been carried from the womb to the grave.
Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!
20 Are not my days few? Stop! Leave me alone, that I may find a little comfort,
Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,
21 before I go where I will not return from, to the land of darkness and of the shadow of death;
ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzama,
22 the land dark as midnight, of the shadow of death, without any order, where the light is as midnight.’”
kunyika yerima guru, yomumvuri wakadzama nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”

< Job 10 >