< Jeremiah 26 >

1 In the beginning of the reign of Jehoiakim the son of Josiah, king of Judah, this word came from the LORD:
Pamazuva okutanga kubata ushe kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, shoko iri rakabva kuna Jehovha richiti,
2 “The LORD says: ‘Stand in the court of the LORD’s house, and speak to all the cities of Judah which come to worship in the LORD’s house, all the words that I command you to speak to them. Do not omit a word.
“Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete,
3 It may be they will listen, and every man turn from his evil way, that I may relent from the evil which I intend to do to them because of the evil of their doings.’”
Zvimwe vachanzwa mumwe nomumwe akadzoka panzira dzake dzakaipa. Ipapo ndichazvidemba ndikarega kuisa pamusoro pavo njodzi yandanga ndichifunga kuvaitira nokuda kwezvakaipa zvavakaita.
4 You shall tell them, “The LORD says: ‘If you will not listen to me, to walk in my law which I have set before you,
Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: Kana musinganditeereri, uye musingateveri murayiro wangu, wandakaisa pamberi penyu,
5 to listen to the words of my servants the prophets whom I send to you, even rising up early and sending them—but you have not listened—
uye kana musingateereri mashoko avaranda vangu ivo vaprofita, vandakatuma ndikatumazve kwamuri (Kunyange musina kuteerera),
6 then I will make this house like Shiloh, and will make this city a curse to all the nations of the earth.’”
ipapo ndichaita kuti imba ino ive seShiro uye guta rino kuti rive chinhu chinotukwa pakati pendudzi dzose dzepanyika.’”
7 The priests and the prophets and all the people heard Jeremiah speaking these words in the LORD’s house.
Vaprista navaprofita navanhu vose vakanzwa Jeremia achitaura mashoko aya ari mumba maJehovha.
8 When Jeremiah had finished speaking all that the LORD had commanded him to speak to all the people, the priests and the prophets and all the people seized him, saying, “You shall surely die!
Asi Jeremia akati achangopedza kuudza vanhu vose zvose zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataure, vaprista navaprofita navanhu vose vakamubata vakati, “Unofanira kufa!
9 Why have you prophesied in the LORD’s name, saying, ‘This house will be like Shiloh, and this city will be desolate, without inhabitant’?” All the people were crowded around Jeremiah in the LORD’s house.
Unoprofitirei muzita raJehovha uchiti imba ino ichava seShiro uye guta rino richava dongo uye richashaya anogaramo?” Vanhu vose vakaunganira Jeremia mumba maJehovha.
10 When the princes of Judah heard these things, they came up from the king’s house to the LORD’s house; and they sat in the entry of the new gate of the LORD’s house.
Machinda eJudha akati anzwa nezvezvinhu izvi, vakakwidza vachibva kumuzinda wamambo vakaenda kuimba yaJehovha vakandogara pamukova wepaSuo Idzva weimba yaJehovha.
11 Then the priests and the prophets spoke to the princes and to all the people, saying, “This man is worthy of death, for he has prophesied against this city, as you have heard with your ears.”
Ipapo vaprista navaprofita vakati kumachinda nokuvanhu vose, “Munhu uyu anofanira kutongerwa rufu nokuti akaprofita zvakaipa pamusoro peguta rino. Mazvinzwira imi nenzeve dzenyu!”
12 Then Jeremiah spoke to all the princes and to all the people, saying, “The LORD sent me to prophesy against this house and against this city all the words that you have heard.
Ipapo Jeremia akati kumachinda ose nokuvanhu vose, “Jehovha akandituma kuzoprofita pamusoro peimba ino napamusoro peguta rino, zvinhu zvose zvamakanzwa.
13 Now therefore amend your ways and your doings, and obey the LORD your God’s voice; then the LORD will relent from the evil that he has pronounced against you.
Zvino, chinatsai nzira dzenyu nezviito zvenyu muteerere Jehovha Mwari wenyu. Ipapo Jehovha achazvidemba akarega kuuyisa pamusoro penyu njodzi yaakareva.
14 But as for me, behold, I am in your hand. Do with me what is good and right in your eyes.
Asi kana ndirini, ndiri mumaoko enyu; itai henyu zvamunofunga pamusoro pangu sezvamunoona zvakanaka uye zvakarurama.
15 Only know for certain that if you put me to death, you will bring innocent blood on yourselves, on this city, and on its inhabitants; for in truth the LORD has sent me to you to speak all these words in your ears.”
Kunyange zvakadaro hazvo, zivai kuti, kana mukandiuraya muchamisa mhosva yeropa risina mhaka pamusoro penyu uye napamusoro peguta rino, nepamusoro pevose vanogara mariri, nokuti zvirokwazvo Jehovha akandituma kwamuri kuti nditaure mashoko ose aya munzeve dzenyu.”
16 Then the princes and all the people said to the priests and to the prophets: “This man is not worthy of death; for he has spoken to us in the name of the LORD our God.”
Ipapo machinda navanhu vose vakati kuvaprista nokuvaprofita, “Munhu uyu haafaniri kutongerwa rufu! Ataura kwatiri muzita raJehovha Mwari wedu.”
17 Then certain of the elders of the land rose up, and spoke to all the assembly of the people, saying,
Vamwe vavakuru venyika vakasimuka vakati kuungano yose yavanhu,
18 “Micah the Morashtite prophesied in the days of Hezekiah king of Judah; and he spoke to all the people of Judah, saying, ‘The LORD of Armies says: “‘Zion will be plowed as a field, and Jerusalem will become heaps, and the mountain of the house as the high places of a forest.’
“Mikaya wokuMorasheti akaprofita pamazuva aHezekia mambo weJudha. Akaudza vanhu vose veJudha kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “‘Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, negomo retemberi richava chikomo chakamera miti.’
19 Did Hezekiah king of Judah and all Judah put him to death? Did not he fear the LORD, and entreat the favor of the LORD, and the LORD relented of the disaster which he had pronounced against them? We would commit great evil against our own souls that way!”
Ko, Hezekia mambo weJudha kana mumwewo zvake weJudha ndiye akamuuraya here? Ko, Hezekia haana kutya Jehovha akatsvaka nyasha dzake here? Uye Jehovha haana kuzvidemba, akarega kuuyisa njodzi yaakanga ataura pamusoro pavo here? Tava kuda kuzviunzira dambudziko rakaipisisa pamusoro pedu!”
20 There was also a man who prophesied in the LORD’s name, Uriah the son of Shemaiah of Kiriath Jearim; and he prophesied against this city and against this land according to all the words of Jeremiah.
(Zvino Uria mwanakomana waShemaya aibva kuKiriati Tearimi ndiye mumwe murume akaprofita muzita raJehovha; akaprofita zvinhu zvimwe chetezvo pamusoro peguta rino nenyika ino sezvakangoitwawo naJeremia.
21 When Jehoiakim the king, with all his mighty men and all the princes heard his words, the king sought to put him to death; but when Uriah heard it, he was afraid, and fled, and went into Egypt.
Mambo Jehoyakimi namakurukota ake ose namachinda ake vakati vanzwa mashoko ake, mambo akatsvaka kumuuraya. Asi Uria akazvinzwa akatya ndokubva atizira kuIjipiti.
22 Then Jehoiakim the king sent Elnathan the son of Achbor and certain men with him into Egypt.
Kunyange zvakadaro, mambo Jehoyakimi akatuma Erinatani mwanakomana waAkibhori kuIjipiti, pamwe chete navamwe varume.
23 They fetched Uriah out of Egypt and brought him to Jehoiakim the king, who killed him with the sword and cast his dead body into the graves of the common people.
Vakabudisa Uria kubva kuIjipiti vakamuendesa kuna Mambo Jehoyakimi uyo akaita kuti aurayiwe uye mutumbi wake ukakandwa kunzvimbo yaivigirwa vanhuwo zvavo).
24 But the hand of Ahikam the son of Shaphan was with Jeremiah, so that they did not give him into the hand of the people to put him to death.
Pamusoro paizvozvo Ahikami mwanakomana waShafani akatsigira Jeremia, nokudaro haana kuzoiswa mumaoko avanhu kuti aurayiwe.

< Jeremiah 26 >