< Hebrews 11 >

1 Now faith is assurance of things hoped for, proof of things not seen.
Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
2 For by this, the elders obtained approval.
Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.
3 By faith, we understand that the ages (aiōn g165) have been aligned by the word of God, so that what is seen has not been made out of things which are visible.
Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa. (aiōn g165)
4 By faith Abel offered to God a more excellent sacrifice than Cain, through which he had testimony given to him that he was righteous, God testifying with respect to his gifts; and through it he, being dead, still speaks.
Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.
5 By faith Enoch was taken away, so that he would not see death, and he was not found, because God translated him. For he has had testimony given to him that before his translation he had been well pleasing to God.
Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari wakange amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari;
6 Without faith it is impossible to be well pleasing to him, for he who comes to God must believe that he exists, and that he is a rewarder of those who seek him.
asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.
7 By faith Noah, being warned about things not yet seen, moved with godly fear, prepared a ship for the saving of his house, through which he condemned the world and became heir of the righteousness which is according to faith.
Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.
8 By faith Abraham, when he was called, obeyed to go out to the place which he was to receive for an inheritance. He went out, not knowing where he went.
Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.
9 By faith he lived as an alien in the land of promise, as in a land not his own, dwelling in tents with Isaac and Jacob, the heirs with him of the same promise.
Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
10 For he was looking for the city which has foundations, whose builder and maker is God.
nokuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
11 By faith even Sarah herself received power to conceive, and she bore a child when she was past age, since she counted him faithful who had promised.
Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.
12 Therefore as many as the stars of the sky in multitude, and as innumerable as the sand which is by the sea shore, were fathered by one man, and him as good as dead.
Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo ndezvewakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
13 These all died in faith, not having received the promises, but having seen them and embraced them from afar, and having confessed that they were strangers and pilgrims on the earth.
Iva vese vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
14 For those who say such things make it clear that they are seeking a country of their own.
Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
15 If indeed they had been thinking of that country from which they went out, they would have had enough time to return.
Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
16 But now they desire a better country, that is, a heavenly one. Therefore God is not ashamed of them, to be called their God, for he has prepared a city for them.
Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
17 By faith, Abraham, being tested, offered up Isaac. Yes, he who had gladly received the promises was offering up his only born son,
Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo wakange agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe wega,
18 to whom it was said, “Your offspring will be accounted as from Isaac,”
kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;
19 concluding that God is able to raise up even from the dead. Figuratively speaking, he also did receive him back from the dead.
wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
20 By faith Isaac blessed Jacob and Esau, even concerning things to come.
Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
21 By faith Jacob, when he was dying, blessed each of the sons of Joseph, and worshiped, leaning on the top of his staff.
Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.
22 By faith Joseph, when his end was near, made mention of the departure of the children of Israel, and gave instructions concerning his bones.
Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.
23 By faith Moses, when he was born, was hidden for three months by his parents, because they saw that he was a beautiful child; and they were not afraid of the king’s commandment.
Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
24 By faith Moses, when he had grown up, refused to be called the son of Pharaoh’s daughter,
Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
25 choosing rather to share ill treatment with God’s people than to enjoy the pleasures of sin for a time,
akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wechivi kwechinguva;
26 considering the reproach of Christ greater riches than the treasures of Egypt; for he looked to the reward.
akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti wakange akatarira kumubairo.
27 By faith he left Egypt, not fearing the wrath of the king; for he endured, as seeing him who is invisible.
Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.
28 By faith he kept the Passover and the sprinkling of the blood, that the destroyer of the firstborn should not touch them.
Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.
29 By faith they passed through the Red Sea as on dry land. When the Egyptians tried to do so, they were swallowed up.
Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; VaEgipita vachizviidza vakanyura.
30 By faith the walls of Jericho fell down after they had been encircled for seven days.
Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvikira mazuva manomwe.
31 By faith Rahab the prostitute did not perish with those who were disobedient, having received the spies in peace.
Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.
32 What more shall I say? For the time would fail me if I told of Gideon, Barak, Samson, Jephthah, David, Samuel, and the prophets—
Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;
33 who through faith subdued kingdoms, worked out righteousness, obtained promises, stopped the mouths of lions,
avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
34 quenched the power of fire, escaped the edge of the sword, from weakness were made strong, grew mighty in war, and caused foreign armies to flee.
vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
35 Women received their dead by resurrection. Others were tortured, not accepting their deliverance, that they might obtain a better resurrection.
Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
36 Others were tried by mocking and scourging, yes, moreover by bonds and imprisonment.
vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;
37 They were stoned. They were sawn apart. They were tempted. They were slain with the sword. They went around in sheep skins and in goat skins; being destitute, afflicted, ill-treated—
vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
38 of whom the world was not worthy—wandering in deserts, mountains, caves, and the holes of the earth.
(nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.
39 These all, having been commended for their faith, did not receive the promise,
Neava vese, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira chivimbiso,
40 God having provided some better thing concerning us, so that apart from us they should not be made perfect.
sezvo Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.

< Hebrews 11 >