< 2 Samuel 1 >

1 After the death of Saul, when David had returned from the slaughter of the Amalekites, and David had stayed two days in Ziklag,
Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri.
2 on the third day, behold, a man came out of the camp from Saul, with his clothes torn and earth on his head. When he came to David, he fell to the earth and showed respect.
Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo.
3 David said to him, “Where do you come from?” He said to him, “I have escaped out of the camp of Israel.”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?” Iye akapindura akati, “Ndapunyuka kumisasa yavaIsraeri.”
4 David said to him, “How did it go? Please tell me.” He answered, “The people have fled from the battle, and many of the people also have fallen and are dead. Saul and Jonathan his son are dead also.”
Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.” Iye akati, “Vanhu vatiza kubva pavanga vachirwira. Vazhinji vavo vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa.”
5 David said to the young man who told him, “How do you know that Saul and Jonathan his son are dead?”
Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?”
6 The young man who told him said, “As I happened by chance on Mount Gilboa, behold, Saul was leaning on his spear; and behold, the chariots and the horsemen followed close behind him.
Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvichivirima zvotosvika paari.
7 When he looked behind him, he saw me and called to me. I answered, ‘Here I am.’
Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’
8 He said to me, ‘Who are you?’ I answered him, ‘I am an Amalekite.’
“Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’ “Ndakamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’
9 He said to me, ‘Please stand beside me, and kill me, for anguish has taken hold of me because my life lingers in me.’
“Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’
10 So I stood beside him and killed him, because I was sure that he could not live after he had fallen. I took the crown that was on his head and the bracelet that was on his arm, and have brought them here to my lord.”
“Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”
11 Then David took hold on his clothes and tore them; and all the men who were with him did likewise.
Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura.
12 They mourned, wept, and fasted until evening for Saul and for Jonathan his son, and for the people of the LORD, and for the house of Israel, because they had fallen by the sword.
Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.
13 David said to the young man who told him, “Where are you from?” He answered, “I am the son of a foreigner, an Amalekite.”
Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?” Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.”
14 David said to him, “Why were you not afraid to stretch out your hand to destroy the LORD’s anointed?”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?”
15 David called one of the young men and said, “Go near, and cut him down!” He struck him so that he died.
Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa.
16 David said to him, “Your blood be on your head, for your mouth has testified against you, saying, ‘I have slain the LORD’s anointed.’”
Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’”
17 David lamented with this lamentation over Saul and over Jonathan his son
Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani,
18 (and he commanded them to teach the children of Judah the song of the bow; behold, it is written in the book of Jashar):
uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwokuchema rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):
19 “Your glory, Israel, was slain on your high places! How the mighty have fallen!
“Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei!
20 Do not tell it in Gath. Do not publish it in the streets of Ashkelon, lest the daughters of the Philistines rejoice, lest the daughters of the uncircumcised triumph.
“Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera.
21 You mountains of Gilboa, let there be no dew or rain on you, and no fields of offerings; for there the shield of the mighty was defiled and cast away, the shield of Saul was not anointed with oil.
“Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta.
22 From the blood of the slain, from the fat of the mighty, Jonathan’s bow did not turn back. Saul’s sword did not return empty.
Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa.
23 Saul and Jonathan were lovely and pleasant in their lives. In their death, they were not divided. They were swifter than eagles. They were stronger than lions.
“Sauro naJonatani, muupenyu vaidikanwa uye vakanaka, nomurufu havana kuparadzaniswa. Vaimhanya kupfuura makondo, vaiva vakasimba kupfuura shumba.
24 You daughters of Israel, weep over Saul, who clothed you delicately in scarlet, who put ornaments of gold on your clothing.
“Haiwa vanasikana veIsraeri, chemai nokuda kwaSauro, iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka, aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe.
25 How the mighty have fallen in the middle of the battle! Jonathan was slain on your high places.
“Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete, aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira.
26 I am distressed for you, my brother Jonathan. You have been very pleasant to me. Your love to me was wonderful, surpassing the love of women.
Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani mununʼuna wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi.
27 How the mighty have fallen, and the weapons of war have perished!”
“Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”

< 2 Samuel 1 >