< 1 Kings 18 >

1 After many days, the LORD’s word came to Elijah, in the third year, saying, “Go, show yourself to Ahab; and I will send rain on the earth.”
Zvino mushure menguva huru, mugore rechitatu, shoko raJehovha rakauya kuna Eria richiti, “Enda undozviratidza kuna Ahabhu, uye ini ndichanayisa mvura panyika.”
2 Elijah went to show himself to Ahab. The famine was severe in Samaria.
Saka Eria akaenda kundozviratidza kuna Ahabhu. Zvino nzara yakanga yanyanya kwazvo muSamaria,
3 Ahab called Obadiah, who was over the household. (Now Obadiah feared the LORD greatly;
uye Ahabhu akanga adana Obhadhia uyo akanga ari mutariri womuzinda wake. (Obhadhia akanga achitenda kuna Jehovha zvikuru kwazvo.
4 for when Jezebel cut off the LORD’s prophets, Obadiah took one hundred prophets, and hid them fifty to a cave, and fed them with bread and water.)
Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha, Obhadhia akanga atora vaprofita zana akavaviga mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe. Uye akavapa kudya nemvura.)
5 Ahab said to Obadiah, “Go through the land, to all the springs of water, and to all the brooks. Perhaps we may find grass and save the horses and mules alive, that we not lose all the animals.”
Ahabhu akanga ati kuna Obhadhia, “Enda munyika umu kuzvitubu zvose nemipata yose. Zvimwe tingawana uswa tiraramise mabhiza namanyurusi kuitira kuti tirege kuzouraya kana chimwe chete chezvipfuwo zvedu.”
6 So they divided the land between them to pass throughout it. Ahab went one way by himself, and Obadiah went another way by himself.
Saka vakagovana nzvimbo dzavaizoenda, Ahabhu achienda kune rimwe divi, Obhadhia kune rimwewo divi.
7 As Obadiah was on the way, behold, Elijah met him. He recognized him, and fell on his face, and said, “Is it you, my lord Elijah?”
Obhadhia akati achifamba, Eria akasangana naye. Obhadhia akamuziva akakotamira pasi, akati, “Chaizvoizvo chokwadi, ndimi here ishe wangu Eria?”
8 He answered him, “It is I. Go, tell your lord, ‘Behold, Elijah is here!’”
Akapindura akati, “Hongu. Enda undoudza ishe wako kuti, ‘Eria ari kuno.’”
9 He said, “How have I sinned, that you would deliver your servant into the hand of Ahab, to kill me?
Obhadhia akabvunza akati, “Ndatadzeiko zvamava kuendesa muranda wenyu kuna Ahabhu kuti andourayiwa?
10 As the LORD your God lives, there is no nation or kingdom where my lord has not sent to seek you. When they said, ‘He is not here,’ he took an oath of the kingdom and nation that they did not find you.
Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, hakuna rudzi kana nyika, ishe wangu, kwaasina kutuma mumwe munhu kuti andokutsvagai. Uye kana pane nyika kana rudzi vaiti makanga musiko, aitovamanikidza kuti vapike kuti vakanga vakushayai.
11 Now you say, ‘Go, tell your lord, “Behold, Elijah is here.”’
Asi zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’
12 It will happen, as soon as I leave you, that the LORD’s Spirit will carry you I do not know where; and so when I come and tell Ahab, and he cannot find you, he will kill me. But I, your servant, have feared the LORD from my youth.
Ini handizivi kuti Mweya waJehovha uchakuendesai kupi kana ndabva pano pamuri. Kana ndikaenda kundoudza Ahabhu, iye akazokushayai, anondiuraya. Asi ini muranda wenyu ndakashumira Jehovha kubvira pauduku hwangu.
13 Was not it told my lord what I did when Jezebel killed the LORD’s prophets, how I hid one hundred men of the LORD’s prophets with fifty to a cave, and fed them with bread and water?
Ishe wangu, hamuna kunzwa here zvandakaita, Jezebheri paakanga achiuraya vaprofita vaJehovha? Ndakaviga vaprofita vaJehovha zana mumapako maviri, makumi mashanu mune rimwe nerimwe uye ndakavapa kudya nemvura.
14 Now you say, ‘Go, tell your lord, “Behold, Elijah is here”.’ He will kill me.”
Zvino mava kundiudza kuti ndiende kuna ishe wangu ndinoti, ‘Eria ari kuno.’ Anondiuraya!”
15 Elijah said, “As the LORD of Armies lives, before whom I stand, I will surely show myself to him today.”
Eria akati, “NaJehovha Wamasimba Ose mupenyu, wandinoshandira, zvirokwazvo ndichazvipira kuna Ahabhu nhasi.”
16 So Obadiah went to meet Ahab, and told him; and Ahab went to meet Elijah.
Saka Obhadhia akaenda kundosangana naAhabhu akamuudza, uye Ahabhu akaenda kundosangana naEria.
17 When Ahab saw Elijah, Ahab said to him, “Is that you, you troubler of Israel?”
Paakaona Eria, akati kwaari, “Ndiwe here, iwe mutambudzi weIsraeri?”
18 He answered, “I have not troubled Israel, but you and your father’s house, in that you have forsaken the LORD’s commandments and you have followed the Baals.
Eria akapindura akati, “Handina kuuyisa dambudziko kuIsraeri, asi imi nemhuri yenyu ndimi makadaro. Makasiya mirayiro yaJehovha mukatevera Bhaari.
19 Now therefore send, and gather to me all Israel to Mount Carmel, and four hundred fifty of the prophets of Baal, and four hundred of the prophets of the Asherah, who eat at Jezebel’s table.”
Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”
20 So Ahab sent to all the children of Israel, and gathered the prophets together to Mount Carmel.
Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri.
21 Elijah came near to all the people, and said, “How long will you waver between the two sides? If the LORD is God, follow him; but if Baal, then follow him.” The people did not say a word.
Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura.
22 Then Elijah said to the people, “I, even I only, am left as a prophet of the LORD; but Baal’s prophets are four hundred fifty men.
Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu.
23 Let them therefore give us two bulls; and let them choose one bull for themselves, and cut it in pieces, and lay it on the wood, and put no fire under; and I will dress the other bull, and lay it on the wood, and put no fire under it.
Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto.
24 You call on the name of your god, and I will call on the LORD’s name. The God who answers by fire, let him be God.” All the people answered, “What you say is good.”
Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.”
25 Elijah said to the prophets of Baal, “Choose one bull for yourselves, and dress it first, for you are many; and call on the name of your god, but put no fire under it.”
Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.”
26 They took the bull which was given them, and they dressed it, and called on the name of Baal from morning even until noon, saying, “Baal, hear us!” But there was no voice, and nobody answered. They leaped about the altar which was made.
Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira. Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita.
27 At noon, Elijah mocked them, and said, “Cry aloud, for he is a god. Either he is deep in thought, or he has gone somewhere, or he is on a journey, or perhaps he sleeps and must be awakened.”
Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.”
28 They cried aloud, and cut themselves in their way with knives and lances until the blood gushed out on them.
Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera.
29 When midday was past, they prophesied until the time of the evening offering; but there was no voice, no answer, and nobody paid attention.
Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya.
30 Elijah said to all the people, “Come near to me!”; and all the people came near to him. He repaired the LORD’s altar that had been thrown down.
Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa.
31 Elijah took twelve stones, according to the number of the tribes of the sons of Jacob, to whom the LORD’s word came, saying, “Israel shall be your name.”
Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.”
32 With the stones he built an altar in the LORD’s name. He made a trench around the altar large enough to contain two seahs of seed.
Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu.
33 He put the wood in order, and cut the bull in pieces and laid it on the wood. He said, “Fill four jars with water, and pour it on the burnt offering and on the wood.”
Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.”
34 He said, “Do it a second time;” and they did it the second time. He said, “Do it a third time;” and they did it the third time.
Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.”
35 The water ran around the altar; and he also filled the trench with water.
Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero.
36 At the time of the evening offering, Elijah the prophet came near and said, “LORD, the God of Abraham, of Isaac, and of Israel, let it be known today that you are God in Israel and that I am your servant, and that I have done all these things at your word.
Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira.
37 Hear me, LORD, hear me, that this people may know that you, LORD, are God, and that you have turned their heart back again.”
Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.”
38 Then the LORD’s fire fell and consumed the burnt offering, the wood, the stones, and the dust; and it licked up the water that was in the trench.
Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero.
39 When all the people saw it, they fell on their faces. They said, “The LORD, he is God! The LORD, he is God!”
Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”
40 Elijah said to them, “Seize the prophets of Baal! Do not let one of them escape!” They seized them; and Elijah brought them down to the brook Kishon, and killed them there.
Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.
41 Elijah said to Ahab, “Get up, eat and drink; for there is the sound of abundance of rain.”
Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”
42 So Ahab went up to eat and to drink. Elijah went up to the top of Carmel; and he bowed himself down on the earth, and put his face between his knees.
Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.
43 He said to his servant, “Go up now and look toward the sea.” He went up and looked, then said, “There is nothing.” He said, “Go again” seven times.
Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa. Akati, “Hakuna chiriko uku.” Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe.
44 On the seventh time, he said, “Behold, a small cloud, like a man’s hand, is rising out of the sea.” He said, “Go up, tell Ahab, ‘Get ready and go down, so that the rain does not stop you.’”
Kechinomwe muranda akati, “Gore duku rakaenzana nechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.” Saka Eria akati, “Enda undoudza Ahabhu kuti, ‘Sunga ngoro yako uburuke usati wadzivirirwa nemvura.’”
45 In a little while, the sky grew black with clouds and wind, and there was a great rain. Ahab rode, and went to Jezreel.
Panguva imwe cheteyo denga rakasviba namakore, mhepo ikavhuvhuta, mvura zhinji ikauya, Ahabhu akaenda nengoro kuJezireeri.
46 The LORD’s hand was on Elijah; and he tucked his cloak into his belt and ran before Ahab to the entrance of Jezreel.
Simba raJehovha rakauya pana Eria, akasunga jasi rake nebhanhire, akamhanya pamberi paAhabhu nzira yose kusvika kuJezireeri.

< 1 Kings 18 >