< Judges 20 >
1 Then all the sons of Israel went out. And the congregation was assembled as one man, from Dan even to Beersheba, with the land of Gilead, to Jehovah at Mizpah.
Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa.
2 And the chiefs of all the people, even of all the tribes of Israel, presented themselves in the assembly of the people of God, four hundred thousand footmen who drew a sword.
Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo.
3 (Now the sons of Benjamin heard that the sons of Israel had gone up to Mizpah.) And the sons of Israel said, Tell us, how was this wickedness brought to pass?
(VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwidza kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?”
4 And the Levite, the husband of the woman who was murdered, answered and said, I came into Gibeah that belongs to Benjamin, I and my concubine, to lodge.
Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo.
5 And the men of Gibeah rose against me, and beset the house round about me by night. They thought to have me slain, and they forced my concubine, and she is dead.
Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa.
6 And I took my concubine, and cut her in pieces, and sent her throughout all the country of the inheritance of Israel, for they have committed lewdness and folly in Israel.
Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri.
7 Behold, ye sons of Israel, all of you, give here your advice and counsel.
Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.”
8 And all the people arose as one man, saying, We will not any of us go to his tent, neither will we any of us turn to his house.
Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakati, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake.
9 But now this is the thing which we will do to Gibeah: We will go up against it by lot,
Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwidza kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya.
10 and we will take ten men of a hundred throughout all the tribes of Israel, and a hundred of a thousand, and a thousand out of ten thousand, to fetch provision for the people, that they may do, when they come to Gibeah of Benjamin, according to all the folly that they have wrought in Israel.
Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.”
11 So all the men of Israel were gathered against the city, knit together as one man.
Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta.
12 And the tribes of Israel sent men through all the tribe of Benjamin, saying, What wickedness is this that has come to pass among you?
Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu?
13 Now therefore deliver up the men, the base fellows, who are in Gibeah, that we may put them to death, and put away evil from Israel. But Benjamin would not hearken to the voice of their brothers the sons of Israel.
Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.” Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri.
14 And the sons of Benjamin gathered themselves together out of the cities to Gibeah, to go out to battle against the sons of Israel.
Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri.
15 And the sons of Benjamin were numbered on that day out of the cities twenty-six thousand men who drew a sword, besides the inhabitants of Gibeah, who were numbered seven hundred chosen men.
Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea.
16 Among all this people there were seven hundred chosen men left-handed. Every one could sling stones at a hair-breadth, and not miss.
Pakati pavarwi ava vose pakanga pane mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kupotsera ibwe kutsuro asingapotsi.
17 And the men of Israel, besides Benjamin, were numbered four hundred thousand men who drew a sword. All these were men of war.
KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.
18 And the sons of Israel arose, and went up to Bethel, and asked counsel of God. And they said, Who shall go up for us first to battle against the sons of Benjamin? And Jehovah said, Judah first.
VaIsraeri vakakwidza kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”
19 And the sons of Israel rose up in the morning, and encamped against Gibeah.
Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea.
20 And the men of Israel went out to battle against Benjamin. And the men of Israel set the battle in array against them at Gibeah.
Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea.
21 And the sons of Benjamin came forth out of Gibeah, and destroyed down to the ground of the Israelites on that day twenty-two thousand men.
VaBhenjamini vakabuda muGibhea vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro.
22 And the people, the men of Israel, encouraged themselves, and set the battle again in array in the place where they set themselves in array the first day.
Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga.
23 And the sons of Israel went up and wept before Jehovah until evening. And they asked of Jehovah, saying, Shall I again draw near to battle against the sons of Benjamin my brother? And Jehovah said, Go up against him.
VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”
24 And the sons of Israel came near against the sons of Benjamin the second day.
Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri.
25 And Benjamin went forth against them out of Gibeah the second day, and destroyed down to the ground of the sons of Israel again eighteen thousand men. All these drew the sword.
Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.
26 Then all the sons of Israel, and all the people, went up, and came to Bethel, and wept, and sat there before Jehovah, and fasted that day until evening, and they offered burnt offerings and peace offerings before Jehovah.
Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.
27 And the sons of Israel asked of Jehovah (for the ark of the covenant of God was there in those days,
Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo,
28 and Phinehas, the son of Eleazar, the son of Aaron, stood before it in those days), saying, Shall I yet again go out to battle against the sons of Benjamin my brother, or shall I cease? And Jehovah said, Go up, for tomorrow I will deliver him into thy hand.
Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”
29 And Israel set an ambushment against Gibeah round about.
Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea.
30 And the sons of Israel went up against the sons of Benjamin on the third day, and set themselves in array against Gibeah, as at other times.
Vakakwidza kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare.
31 And the sons of Benjamin went out against the people, and were drawn away from the city. And they began to smite and kill of the people as at other times, in the highways, of which one goes up to Bethel, and the other to Gibeah, in the field about thirty men of Israel.
VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.
32 And the sons of Benjamin said, They are smitten down before us as at the first. But the sons of Israel said, Let us flee, and draw them away from the city to the highways.
VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”
33 And all the men of Israel rose up out of their place, and set themselves in array at Baal-tamar, and the ambushment of Israel broke forth out of their place, even out of Maareh-geba.
Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea.
34 And there came opposite Gibeah ten thousand chosen men out of all Israel, and the battle was severe, but they knew not that evil was close upon them.
Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei.
35 And Jehovah smote Benjamin before Israel, and the sons of Israel destroyed of Benjamin that day twenty-five thousand and a hundred men. All these drew the sword.
Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete.
36 So the sons of Benjamin saw that they were smitten, for the men of Israel gave place to Benjamin because they trusted to the ambushment whom they had set against Gibeah.
Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa. Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea.
37 And the ambushment hastened, and rushed upon Gibeah. And the ambushment drew themselves along, and smote all the city with the edge of the sword.
Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo.
38 Now the appointed sign between the men of Israel and the ambushment was, that they should make a great cloud of smoke rise up out of the city.
Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti pavaizorwisa, vamwe vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta,
39 And the men of Israel turned in the battle, and Benjamin began to smite and kill of the men of Israel about thirty persons, for they said, Surely they are smitten down before us as in the first battle.
uye ipapo varume veIsraeri vaizovashandukira pakurwa. VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”
40 But when the cloud began to arise up out of the city in a pillar of smoke, the Benjamites looked behind them, and, behold, the whole of the city went up in smoke to heaven.
Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga.
41 And the men of Israel turned, and the men of Benjamin were dismayed, for they saw that evil had come upon them.
Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira.
42 Therefore they turned their backs before the men of Israel to the way of the wilderness. But the battle followed hard after them, and those who came out of the cities destroyed them in the midst of it.
Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo.
43 They enclosed the Benjamites round about, and chased them, and trod them down at their resting-place, as far as opposite Gibeah toward the sunrise.
Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva.
44 And there fell of Benjamin eighteen thousand men. All these were men of valor.
VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare.
45 And they turned and fled toward the wilderness to the rock of Rimmon. And they gleaned of them in the highways five thousand men, and followed hard after them to Gidom, and smote of them two thousand men.
Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri.
46 So that all who fell that day of Benjamin were twenty-five thousand men who drew the sword. All these were men of valor.
Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare.
47 But six hundred men turned and fled toward the wilderness to the rock of Rimmon, and abode in the rock of Rimmon four months.
Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina.
48 And the men of Israel turned again upon the sons of Benjamin, and smote them with the edge of the sword, both the entire city, and the cattle, and all that they found. Moreover they set on fire all the cities which they found.
Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.