< Isaiah 51 >
1 Hearken to me, ye who follow after righteousness, ye who seek Jehovah. Look to the rock from where ye were hewn, and to the hold of the pit from where ye were dug.
Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa;
2 Look to Abraham your father, and to Sarah who bore you. For when he was but one I called him, and I blessed him, and made him many.
tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji.
3 For Jehovah has comforted Zion. He has comforted all her waste places, and has made her wilderness like Eden, and her desert like the garden of Jehovah. Joy and gladness shall be found therein, thanksgiving, and the voice of melody.
Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
4 Attend to me, O my people, and give ear to me, O my nation. For a law shall go forth from me, and I will establish my justice for a light of the peoples.
“Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi.
5 My righteousness is near. My salvation has gone forth, and my arms shall judge the peoples. The isles shall wait for me, and on my arm they shall trust.
Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.
6 Lift up your eyes to the heavens, and look upon the earth beneath. For the heavens shall vanish away like smoke, and the earth shall grow old like a garment, and those who dwell in it shall die in like manner. But my salvation shall be forever, and my righteousness shall not be abolished.
Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.
7 Hearken to me, ye who know righteousness, the people in whose heart is my law. Fear ye not the reproach of men, nor be ye dismayed at their revilings.
“Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
8 For the moth shall eat them up like a garment, and the worm shall eat them like wool. But my righteousness shall be forever, and my salvation to all generations.
Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kuzvizvarwa zvose.”
9 Awake, awake, put on strength, O arm of Jehovah. Awake, as in the days of old, the generations of ancient times. Is it not thou who cut Rahab in pieces, who pierced the monster?
Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sepamazuva akare, sepazvizvarwa zvakare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here?
10 Is it not thou who dried up the sea, the waters of the great deep, who made the depths of the sea a way for the redeemed to pass over?
Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?
11 And the ransomed of Jehovah shall return, and come with singing to Zion, and everlasting joy shall be upon their heads. They shall obtain gladness and joy, and sorrow and sighing shall flee away.
Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.
12 I, even I, am he who comforts you. Who are thou, that thou are afraid of man who shall die, and of the son of man who shall be made as grass,
“Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,
13 and have forgotten Jehovah thy maker, who stretched forth the heavens, and laid the foundations of the earth, and fear continually all the day because of the fury of the oppressor, when he makes ready to destroy? And where is the fury of the oppressor?
kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi?
14 The captive exile shall speedily be loosed, and he shall not die in the pit, nor shall his bread fail.
Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa.
15 For I am Jehovah thy God, who stirs up the sea so that the waves of it roar. Jehovah of hosts is his name.
Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
16 And I have put my words in thy mouth, and have covered thee in the shadow of my hand, that I may plant the heavens, and lay the foundations of the earth, and say to Zion, Thou are my people.
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’”
17 Awake, awake, stand up, O Jerusalem, who have drunk at the hand of Jehovah the cup of his wrath. Thou have drunk the bowl of the cup of staggering, and drained it.
Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.
18 There is none to guide her among all the sons whom she has brought forth, nor is there any who takes her by the hand among all the sons that she has brought up.
Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake.
19 These two things have befallen thee (Who shall bemoan thee?): Desolation and destruction, and the famine and the sword. How shall I comfort thee?
Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza? Dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza?
20 Thy sons have fainted. They lie at the head of all the streets, as an antelope in a net. They are full of the wrath of Jehovah, the rebuke of thy God.
Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
21 Therefore hear now this, thou afflicted, and drunken, but not with wine.
Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini.
22 Thus says thy lord Jehovah, and thy God who pleads the cause of his people: Behold, I have taken out of thy hand the cup of staggering, even the bowl of the cup of my wrath. Thou shall no more drink it again.
Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve.
23 And I will put it into the hand of those who afflict thee, who have said to thy soul, Bow down, that we may go over, and thou have laid thy back as the ground, and as the street, to those who go over.
Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”