< Ezra 10 >

1 Now while Ezra prayed and made confession, weeping and casting himself down before the house of God, there was gathered together to him out of Israel a very great assembly of men and women and children, for the people wept very much.
Ezira paakanga achinyengetera achireurura, achichema uye achizviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, ungano huru huru yavarume, vakadzi navana vavaIsraeri yakaungana paari. Naivowo vakachema zvikuru kwazvo.
2 And Shecaniah the son of Jehiel, one of the sons of Elam, answered and said to Ezra, We have trespassed against our God, and have married foreign women of the peoples of the land. Yet now there is hope for Israel concerning this thing.
Ipapo Shekania mwanakomana waJehieri, mumwe wezvizvarwa zvaEramu, akati kuna Ezira, “Takatadzira Mwari wedu nokuwana vakadzi vatorwa kubva kundudzi dzakatipoteredza. Asi kunyange zvakadaro, Israeri ichine tariro.
3 Now therefore let us make a covenant with our God to put away all the wives, and such as are born of them, according to the counsel of my lord, and of those who tremble at the commandment of our God, and let it be done according to the law.
Zvino ngatiitei sungano pamberi paMwari wedu kuti tidzinge vakadzi ava vose navana vavo, maererano nezvakarayirwa naishe wangu naavo vanotya mirayiro yaMwari wedu. Ngazviitwe maererano nomurayiro.
4 Arise, for the matter belongs to thee, and we are with thee. Be of good courage, and do it.
Simuka; nyaya iyi yava mumaoko ako. Tichamira newe, saka, tsunga mwoyo uzviite.”
5 Then Ezra arose, and made the chiefs of the priests, the Levites, and all Israel, to swear that they would do according to this word. So they swore.
Saka Ezira akasimuka akaisa pamhiko vaprista vaitungamira navaRevhi uye navaIsraeri vose kuti vaite zvakanga zvarehwa. Uye vakaita mhiko.
6 Then Ezra rose up from before the house of God, and went into the chamber of Jehohanan the son of Eliashib. And when he came there, he ate no bread, nor drank water, for he mourned because of the trespass of those of the captivity.
Ipapo Ezira akabva pamberi peimba yaMwari akaenda kukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi. Paakanga ari ikoko haana kudya zvokudya kana kunwa mvura nokuti akaramba achichema nokuda kwokusatendeka kwavatapwa.
7 And they made proclamation throughout Judah and Jerusalem to all the sons of the captivity, that they should gather themselves together to Jerusalem.
Chiziviso chakadanidzirwa muJudha mose nomuJerusarema kuti vatapwa vose vaungane muJerusarema.
8 And that whoever did not come within three days, according to the counsel of the rulers and the elders, all his substance should be forfeited, and himself separated from the assembly of the captivity.
Ani naani aizokundikana kusvika mumazuva matatu aizotorerwa pfuma yake yose, maererano nokurayira kwamachinda navakuru, uye naiyewo aibva adzingwa kubva paungano yavatapwa.
9 Then all the men of Judah and Benjamin gathered themselves together to Jerusalem within the three days. It was the ninth month, on the twentieth day of the month, and all the people sat in the broad place before the house of God, trembling because of this matter, and for the great rain.
Mukati mamazuva matatu, varume vose veJudha neBhenjamini vakanga vaungana muJerusarema. Uye pazuva ramakumi maviri romwedzi wechinomwe, vanhu vose vakagara pachivara pamberi peimba yaMwari, vakasuwa zvikuru nokuda kwechiitiko ichi uye nokuda kwemvura yakanga ichinaya.
10 And Ezra the priest stood up, and said to them, Ye have trespassed, and have married foreign women to increase the guilt of Israel.
Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.
11 Now therefore make confession to Jehovah, the God of your fathers, and do his pleasure, and separate yourselves from the peoples of the land, and from the foreign women.
Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”
12 Then all the assembly answered and said with a loud voice, As thou have said concerning us, so must we do.
Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.
13 But the people are many, and it is a time of much rain, and we are not able to stand outside. Neither is this a work of one day or two, for we have greatly transgressed in this matter.
Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.
14 Let now our rulers be appointed for all the assembly, and let all those who are in our cities who have married foreign women come at appointed times, and with them the elders of every city, and the judges thereof, until the fierce wrath of our God be turned from us, until this matter be dispatched.
Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”
15 Only Jonathan the son of Asahel and Jahzeiah the son of Tikvah stood up against this, and Meshullam and Shabbethai the Levite helped them.
Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.
16 And the sons of the captivity did so. And Ezra the priest, with certain heads of fathers, after their fathers' houses, and all of them by their names, were set apart. And they sat down in the first day of the tenth month to examine the matter.
Nokudaro vakanga vambotapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kuferefeta nyaya idzi,
17 And they made an end with all the men who had married foreign women by the first day of the first month.
uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.
18 And among the sons of the priests there were found who had married foreign women, namely, of the sons of Jeshua, the son of Jozadak, and his brothers, Maaseiah, and Eliezer, and Jarib, and Gedaliah.
Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.
19 And they gave their hand that they would put away their wives. And being guilty, they offered a ram of the flock for their guilt.
(Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondobwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.)
20 And of the sons of Immer: Hanani and Zebadiah.
Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadhia.
21 And of the sons of Harim: Maaseiah, and Elijah, and Shemaiah, and Jehiel, and Uzziah.
Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.
22 And of the sons of Pashhur: Elioenai, Maaseiah, Ishmael, Nethanel, Jozabad, and Elasah.
Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.
23 And of the Levites: Jozabad, and Shimei, and Kelaiah (the same is Kelita), Pethahiah, Judah, and Eliezer.
Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.
24 And of the singers: Eliashib. And of the porters: Shallum, and Telem, and Uri.
Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.
25 And of Israel: Of the sons of Parosh, Ramiah, and Izziah, and Malchijah, and Mijamin, and Eleazar, and Malchijah, and Benaiah.
Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikiya, Mijamini, Ereazari, Marikiya naBhenaya.
26 And of the sons of Elam: Mattaniah, Zechariah, and Jehiel, and Abdi, and Jeremoth, and Elijah.
Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.
27 And of the sons of Zattu: Elioenai, Eliashib, Mattaniah, and Jeremoth, and Zabad, and Aziza.
Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.
28 And of the sons of Bebai: Jehohanan, Hananiah, Zabbai, Athlai.
Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.
29 And of the sons of Bani: Meshullam, Malluch, and Adaiah, Jashub, and Sheal, Jeremoth.
Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.
30 And of the sons of Pahath-moab: Adna, and Chelal, Benaiah, Maaseiah, Mattaniah, Bezalel, and Binnui, and Manasseh.
Kubva kuzvizvarwa zvaPahati Moabhu: Adhima, Kerari, Bhenaya, Maaseya, Matania, Bhezareri, Bhinui naManase.
31 And of the sons of Harim: Eliezer, Isshijah, Malchijah, Shemaiah, Shimeon,
Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,
32 Benjamin, Malluch, Shemariah.
Bhenjamini, Maruki naShemaria,
33 Of the sons of Hashum: Mattenai, Mattattah, Zabad, Eliphelet, Jeremai, Manasseh, Shimei.
Kubva kuzvizvarwa zvaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase naShimei.
34 Of the sons of Bani: Maadai, Amram, and Uel,
Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Maadhai, Amurami, Ueri,
35 Benaiah, Bedeiah, Cheluhi,
Bhenaya, Bhedheya, Keruhi,
36 Vaniah, Meremoth, Eliashib,
Vhania, Meremoti, Eriashibhi,
37 Mattaniah, Mattenai, and Jaasu,
Matania, Matenai naJaasu.
38 and Bani, and Binnui, Shimei,
Kubva kuzvizvarwa zvaBhinui: Shimei,
39 and Shelemiah, and Nathan, and Adaiah,
Sheremia, Natani, Adhaya,
40 Machnadebai, Shashai, Sharai,
Makinadhebhai, Shashai, Sharai,
41 Azarel, and Shelemiah, Shemariah,
Azareri, Sheremia, Shemaria,
42 Shallum, Amariah, Joseph.
Sharumi, Amaria naJosefa.
43 Of the sons of Nebo: Jeiel, Mattithiah, Zabad, Zebina, Iddo, and Joel, Benaiah.
Kubva kuzvizvarwa zvaNebho: Jeyeri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, Joere naBhenaya.
44 All these had taken foreign wives, and some of them had wives by whom they had sons.
Vose ava vakanga vawana vakadzi vatorwa, uye vamwe vavo vakanga vava navana navakadzi ava.

< Ezra 10 >