< Deuteronomy 9 >

1 Hear, O Israel: Thou are to pass over the Jordan this day, to go in to dispossess nations greater and mightier than thyself, cities great and fortified up to heaven,
Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo.
2 a people great and tall, the sons of the Anakim, whom thou know, and of whom thou have heard say, Who can stand before the sons of Anak?
Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?”
3 Know therefore this day, that Jehovah thy God is he who goes over before thee as a devouring fire. He will destroy them, and he will bring them down before thee. So thou shall drive them out, and make them to perish quickly, as Jehovah has spoken to thee.
Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.
4 Do not speak thou in thy heart, after Jehovah thy God has thrust them out from before thee, saying, For my righteousness Jehovah has brought me in to possess this land. Whereas for the wickedness of these nations Jehovah drives them out from before thee.
Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo.
5 Not for thy righteousness, or for the uprightness of thy heart, do thou go in to possess their land, but for the wickedness of these nations Jehovah thy God drives them out from before thee, and that he may establish the word which Jehovah swore to thy fathers, to Abraham, to Isaac, and to Jacob.
Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho.
6 Know therefore, that Jehovah thy God does not give thee this good land to possess it for thy righteousness, for thou are a stiff-necked people.
Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu.
7 Remember, do not thou forget how thou provoked Jehovah thy God to wrath in the wilderness. From the day that thou went forth out of the land of Egypt, until ye came to this place, ye have been rebellious against Jehovah.
Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha.
8 Also in Horeb ye provoked Jehovah to wrath, and Jehovah was angry with you to destroy you.
PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai.
9 When I was gone up onto the mount to receive the tablets of stone, even the tablets of the covenant which Jehovah made with you, then I abode on the mount forty days and forty nights. I neither ate bread nor drank water.
Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura.
10 And Jehovah delivered to me the two tablets of stone written with the finger of God. And on them was according to all the words, which Jehovah spoke with you in the mount out of the midst of the fire in the day of the assembly.
Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano.
11 And it came to pass, at the end of forty days and forty nights, that Jehovah gave me the two tablets of stone, even the tablets of the covenant.
Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano.
12 And Jehovah said to me, Arise, get thee down quickly from here, for thy people that thou have brought forth out of Egypt have corrupted themselves. They have quickly turned aside out of the way which I commanded them. They have made them a molten image.
Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.”
13 Furthermore Jehovah spoke to me, saying, I have seen this people, and, behold, it is a stiff-necked people.
Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo!
14 Let me alone, that I may destroy them, and blot out their name from under heaven, and I will make of thee a nation mightier and greater than they.
Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.”
15 So I turned and came down from the mount, and the mount was burning with fire. And the two tablets of the covenant were in my two hands.
Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu.
16 And I looked, and, behold, ye had sinned against Jehovah your God. Ye had made you a molten calf. Ye had turned aside quickly out of the way which Jehovah had commanded you.
Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha.
17 And I took hold of the two tablets, and cast them out of my two hands, and broke them before your eyes.
Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona.
18 And I fell down before Jehovah, as at the first, forty days and forty nights. I neither ate bread nor drank water, because of all your sin which ye sinned, in doing that which was evil in the sight of Jehovah, to provoke him to anger.
Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake.
19 For I was afraid of the anger and hot displeasure with which Jehovah was angry against you to destroy you. But Jehovah hearkened to me that time also.
Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa.
20 And Jehovah was very angry with Aaron to destroy him. And I prayed for Aaron also at the same time.
Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni.
21 And I took your sin, the calf which ye had made, and burnt it with fire, and stamped it, grinding it very small, until it was as fine as dust. And I cast the dust of it into the brook that descended out of the mount.
Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo.
22 And at Taberah, and at Massah, and at Kibroth-hattaavah, ye provoked Jehovah to wrath.
Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hataavha.
23 And when Jehovah sent you from Kadesh-barnea, saying, Go up and possess the land which I have given you, then ye rebelled against the commandment of Jehovah your God, and ye did not believe him, nor hearken to his voice.
Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera.
24 Ye have been rebellious against Jehovah from the day that I knew you.
Makagara muchimukira Jehovha kubvira pazuva randakatanga kukuzivai.
25 So I fell down before Jehovah the forty days and forty nights that I fell down, because Jehovah had said he would destroy you.
Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai.
26 And I prayed to Jehovah, and said, O lord Jehovah, destroy not thy people and thine inheritance, that thou have redeemed through thy greatness, that thou have brought forth out of Egypt with a mighty hand.
Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa kubva kuIjipiti noruoko rune simba.
27 Remember thy servants, Abraham, Isaac, and Jacob. Look not to the stubbornness of this people, nor to their profaneness, nor to their sin,
Rangarirai varanda venyu Abhurahama, Isaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo.
28 lest the land from where thou brought us out say, Because Jehovah was not able to bring them into the land which he promised to them, and because he hated them, he has brought them out to kill them in the wilderness.
Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’
29 Yet they are thy people and thine inheritance, which thou brought out by thy great power and by thine outstretched arm.
Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.”

< Deuteronomy 9 >