< 1 Ba Kkolinto 9 >

1 Ani nsilimwangunuke? Ani nsili mutumwa? Te ndakamubona na Jesu Mwami wesu?
Handisi muapositori here? Handisi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?
2 Kuti nketali mutumwa kulibwami, pele ndilinguwe kulindinwe. Nkambo inywe mulichitondezyo chabutumwa bwangu muMwami.
Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zvirokwazvo ndiri iye kwamuri; nokuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.
3 Echi nchili kwabilizyo changu kulabo bandi lungulula:
Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.
4 Tatukwe chelelo na chakulya alubo aunywa?
Hatina simba here rekudya nekumwa?
5 Tatukwe chelelo na chakwenda antomwe amukazi nyina, mbuli mbuba chita boonse batumwa, alubo bananyina baMwami, alubo aKefasi?
Hatina simba rekutenderera nehanzvadzi mudzimai sevamwewo vaapositori, nevanin'ina vaIshe naKefasi here?
6 Na takuli Bbanabbasi andime abo batakwe chelelo chakubeleka?
Kana ndini ndega naBhanabhasi tisina kodzero yekusashanda here?
7 Ngwani ubeleka mbuli silumamba ulifozya? Ngwani ubyala munda wamasansa aboobo atalyi muchelo yawo? Kana ngwani wembela butanga aboobo katanywi malili kuzwa kubutanga?
Ndiani anomboshanda muchiuto achizviripira mubairo? Ndiani anorima munda wemizambiringa, ndokusadya zvechibereko chawo? Kana ndiani anofudza boka akasadya zvemukaka weboka?
8 Tandambi ezi zintu kazizwa kunguzu zyamuntu? Awalo mulawu tawambi obo na?
Kuti zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu? Kana murairo hautauriwo izvozvo here?
9 Nkambo kuli lembedwe mulawo waMozesi,” mutamwangi mulomo musune ulyatuka miila.” Alimwi musune na Leza ngwayanda.
Nokuti kwakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Kuti Mwari ane hanya nenzombe?
10 Talikwambula atala andiswe na? Zyakalembelwa ndiswe, kaambo oyo ulima welede kulima abulangilizi, pele upola welede abulangizi bwa kwabana mubutebuzi.
Kana anoreva zvirokwazvo nekuda kwedu? Nokuti kwakanyorwa nekuda kwedu, kuti anorima anofanira kurima mutariro, neanopura mutariro yake, kugoverwa mutariro.
11 Ikuti twakabyala zintu zyamuya akati kanu, zilindide na kuti tutyole zintu zijatika kuzwa kulindinywe?
Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana isu tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?
12 Kuti bamwi bakali kuchita zyelelo kuzwa kulindinwe, swebo tatwelede zyindilide na? Asi tetwakayanda echi chelelo. Asikuti twaka kkakatila zintu zyoonse kuti kutabi chikachizya makani aKkilisito. Sa tamuzi na kuti abo bachita milimo yamunganda yaLeza bajana kulya kwabo munganda yaLeza?
Kana vamwe vachigovana kodzero pamusoro penyu, isu hativadariki here? Asi hatina kushandisa kodzero iyi, asi tinoitira moyo murefu zvese, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.
13 Sa tamuzi na kuti abo babeleka kuchipayilo babilana ezyo nzibatula echipayililo?
Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanodya zvetembere, vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?
14 Munzila njiyeyo, Mwami wakalayilila kuti abo bakkambawuka makani mabotu belede kujana zyakuli gwasya kumakani mabotu.
Saizvozvo naIshe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.
15 Asi tendakayanda chimwi chezyelelo ezi. Alimwi nsilembeli kuti ndichitilwe chimwi chintu. Nizyakalikabotu mendifwe. Takwe muntu uyondisampawula kukulikankayizya oku!
Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi; uye handina kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti umwe ashaise kuzvikudza kwangu maturo.
16 Na kuti ndakambawuka makani mabotu, nsyelede kulisumpula, nkambo ndelede kuchita obo, alimwi maawe kuli ndime kuti tenda kambawuka makani mabotu!
Nokuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chekuzvikudza nacho, nokuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; asi ndine nhamo, kana ndisingaparidzi evhangeri.
17 Na kuti ndachita chakuyanda, ndila mpindu. Asi kuti chakutayanda ndichila bubanzi mbundakapegwa. Nimpindunzi yangu?
Nokuti kana ndichiita chinhu ichi ndichizvidira, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakabatiswa utariri.
18 Na kuti nekambawuka, ndipe vangeli katakwe mbadalo alimwi nsibwezi chelelo chizwide mumakani mabotu.
Ko mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa kodzero yangu zvakapfuurikidza muevhangeri.
19 Nikuba ndangunwidwe kulizyoonse, ndakaba muzike kuliboonse kuchitila kuti ndijane zyiingi.
Nokuti ndakasununguka kune vese, ndizviite muranda kune vese, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.
20 Kuba Juda ndakaba mbuli muJuda, kuchitila kuti ndijane abo balimunsi amulawu. Ndakachita echi nikuba kuti nsilimunsi amulawu. (ULB ula: Ndakachita ezi ime lwangu nketali munsi lyamuwa. Magwalo achi Giliki echindi kalimache alubo kayandika abumwi bupanduluzi bwachindi asiya kunze munchali oyu.)
Uye kuVaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane VaJudha; kune vari pasi pemurairo seari pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;
21 Kulabo balanze amulawu, ndakaba mbuli umwi ulanze amulawo, nekuba tendakali kunze amulawo waLeza lwangu asi kunsi amulawu waKkilisito. Ndakachita ezi kuchitila kuti ndijane abo balanze amulawu.
kune vasina murairo seasina murairo (ndisati ndiri asina murairo kuna Mwari, asi mumurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo;
22 Kuba teteete ndakaba muteteete, kuchitila kuti ndeete bateteete. Ndakaba zintu zyoonse kubantu boonse kuchitila kuti amwi anzila zimwi ndalikufutula bamwi.
kune vasina simba ndakava seasina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvese kune vese, kuti ndiponese vamwe nemitoo yese.
23 Ndichita zintu zyoonse nkambo kamakani mabotu kuchitila kuti ndikabe achabilo muzyolwe zyamakani mabotu.
Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pairi.
24 Tamuzi na kuti mumuzundano boonse bala chijana basikuchijana muzundano, asi omwe ngujana bulumbu.
Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi umwe anogamuchira mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
25 Umwi awumwi uchijana welede kulijata muzintu zyoonse. Balazichita kuti batambule musini umana, asi tulazichita kuti tutambule oyo utamani.
Uye umwe neumwe anokwikwidza anozvidzora pazvinhu zvese; zvino ivo vanozviita kuti vagamuchire korona inoparara, asi isu isingaparari.
26 Aboobo mbubobu mbundichijana, mbuli utakwe utakwe makanze; mbubobu mbewuma, katalimbuli uwuuma luwo.
Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seasina chokwadi; saizvozvo ndinorwa kwete seanorova mhepo;
27 Asi ndazunda mubili wangu alimwi nduuchita muzike, kuchitila kuti ndamana kukambawuka kuli bamwi, ime lwangu ntakajaniki abubi.
asi ndinotsikirira muviri wangu nekuuita muranda, kuti kana ndaparidzira vamwe, ini ndomene ndisaraswa.

< 1 Ba Kkolinto 9 >