< Zaburi 18 >
1 Kuom jatend wer. Zaburi mar Daudi jatich Jehova Nyasaye. Nowerone Jehova Nyasaye weche mag wendni kinde mane Jehova Nyasaye orese e lwet wasike duto kendo e lwet Saulo. Nowacho niya: Aheri, yaye Jehova Nyasaye, in e tekra.
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha. Akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva mumaoko avavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
2 Jehova Nyasaye en lwandana, en kar pondo mara kendo en jawarna; Nyasacha en lwandana ma apondo kuome. En okumbana, en tungʼ mar warruokna, kendo en ohingana.
Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
3 Aluongo Jehova Nyasaye, en mowinjore gi pak, kendo oresa e lwet wasika.
Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
4 Tonde mag tho ne orida matek; kendo ohula mangʼongo mar tho nouma.
Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza.
5 Tonde mag liel ne orida kendo odhoga matek; obadho mag tho ne ochoma tir. (Sheol )
Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. (Sheol )
6 E chandruok ne aluongo Jehova Nyasaye; ne aywak ne Nyasaye mondo okonya. Ne owinjo dwonda gie hekalu mare; ywakna nochopo e nyime, modonjo e ite.
Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake.
7 Piny notetni kendo oyiengni; kendo mise mag gode notetni; ne gikirni nikech ne okecho.
Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika;
8 Iro nodum koa e otuchi mag ume; mach mangʼangʼni nodhuolore kawuok e dhoge, kendo makaa maliel mager nobebni kawuok kuome.
Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta.
9 Nobaro polo mobiro e piny; rumbi molil ti nonyono gi tiende.
Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
10 Noidho kerubi eka ofuyo; ne ofuyo matek komoko e bwomb yamo.
Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo.
11 Noloko mudho kaka raum mare, mudhono nobedo hema molwore, kendo nokawo rumbi mar koth moloko raumne.
Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga.
12 Boche nowuok e ler marieny mane aa kuome, kaachiel gi pe madongo dongo kod mil polo ma tiarore.
Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni.
13 Jehova Nyasaye nomor gie polo; dwond Nyasaye Man Malo Moloyo nowinjore.
Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika.
14 Nodiro asernige mokeyo wasigu, mor polo gi mil polo noriembogi.
Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa.
15 Holni manie bwo nembe noelore kendo mise mag piny nowe nono, kane ikwerogi, yaye Jehova Nyasaye, kane teko mar muya mowuok e otuchi mag umi ogoyogi.
Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.
16 Nochopo ira piny koa malo mi okawa; ne ogola oko e kude mag pi matut.
Akadzika pasi achibva kumusoro akanditora; akandibudisa pamvura zhinji yakadzika.
17 Noresa e lwet jasika maratego, kuom jowasika, mane tek moloya.
Akandinunura kubva kuvavengi vangu vane simba, kubva kuvadzivisi vangu, vakanga vakasimba zvikuru kwandiri.
18 Negimonja e kinde mane an gi masira, to Jehova Nyasaye ema nokonya.
Vakandinanga pazuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu.
19 Ne okela moketa kama lach; ne oresa nikech chunye ne mor koda.
Akandibudisa akandiisa panzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira.
20 Jehova Nyasaye osetimona maber ka oluwore gi timna makare; osechiwona ka oluwore gi ler mar lwetena.
Jehovha akandiitira zvakafanira kururama kwangu; nokuchena kwamaoko angu.
21 Nikech aserito yore Jehova Nyasaye; pok atimo marach kuom lokora weyo Nyasacha.
Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita zvakaipa nokubva pana Mwari wangu.
22 Chikene duto ni e nyima; pok alokora aweyo buchene.
Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka pazvirevo zvake.
23 Asebedo ka aonge ketho e nyime kendo aseritora mondo kik atim richo.
Ndakanga ndisina chandingapomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndigare kure nechivi.
24 Jehova Nyasaye osechiwona kaluwore gi timna makare, osechiwona kaluwore gi ler mar lwetena e nyime.
Jehovha akandipa mubayiro zvakaringana nokururama kwangu, zvakaringana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake.
25 Ne joma jo-adiera, inyisori kaka ja-adiera, kendo ne joma longʼo, inyisori kaka ngʼama longʼo,
Kuna vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kuna vasina chavangapomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu,
26 ne jomaler, inyisori kaka ngʼama ler, to ne joma yoregi obam, inyisori kaka ngʼama rach.
kuna vakachena munoratidza kuchena kwenyu, asi kuna vakatsauka munoratidza hasha dzenyu.
27 Ireso joma muol to joma wengegi tek idwoko piny.
Munoponesa vanozvininipisa, asi muchideredza vane meso anozvikudza.
28 In ema imiyo tacha siko kaliel, yaye Jehova Nyasaye; Nyasacha loko mudho mouma doko ler.
Imi, iyemi Jehovha, munoita kuti mwenje wangu urambe uchipfuta; Mwari wangu anoshandura rima rangu richiva chiedza.
29 Ka ikonya to anyalo loyo jolweny momonja; ka an gi Nyasacha to anyalo lwenyo ohinga.
Norubatsiro rwenyu ndichaenda kundorwa hondo; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo.
30 Nyasaye to yore longʼo chuth; wach Jehova Nyasaye onge rem moro amora. En okumba ne ji duto ma pondo kuome.
Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
31 Nikech en Nyasaye mane minyalo pimo gi Jehova Nyasaye? Koso en ngʼa ma en Lwanda, ka ok Nyasachwa?
Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu?
32 Nyasaye ema miya teko kendo omiyo yora bedo mokwe.
NdiMwari anondishongedza nesimba uye anokwanisa nzira yangu.
33 Omiyo tiendena bedo mayot ka tiende mwanda; kendo en ema omiyo achungʼ kuonde man malo maboyo.
Anoita kuti tsoka dzangu dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira.
34 Otiego lwetena ne lweny; momiyo bedena nyalo dolo atung nyinyo.
Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira.
35 Isemiya okumba mar warruokni, kendo lweti korachwich osesira; kony mari osemiyo abedo gi duongʼ.
Munondipa nhoo yenyu yokukunda, uye ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira; munokotama pasi kuti mundiite mukuru.
36 Imiyo yo mawuothoe bedo malach, mondo tiendena kik ba yo.
Munondiitira nzira yakapamhama pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutedzemuka.
37 Ne alawo wasika mi ajukogi; kendo ne ok alokora aweyogi nyaka ne atiekogi pep.
Ndakatevera vavengi vangu ndikavabata; handina kudzokera shure kusvikira vaparadzwa.
38 Ne atiekogi, mane ok ginyal chungʼ; negipodho e tienda.
Ndakavapwanya kuti vakoniwe kusimuka; vakawira pasi petsoka dzangu.
39 Ne imiya teko mar kedo lweny; ne imiyo jomamon koda kulore e nyima.
Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vapfugame patsoka dzangu.
40 Ne imiyo wasika oringo kadhi, mine atieko joma ok dwara.
Makaita kuti vavengi vangu vatize, uye ndakaparadza vavengi vangu.
41 Ne giywak mondo okonygi to onge ngʼama ne nyalo resogi; ne giywakne Jehova Nyasaye to ne ok odwokogi.
Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
42 Ne agoyogi adunya ka buru ma yamo tero, ne achodhogi oko ka chwodho mag yore mag dala.
Ndakavapura vakatsetseka seguruva ratakurwa nemhepo; ndakavadururira pasi sedope renzira dzomumusha.
43 Ne iresa e ywaruok gi ji. Ne iketa jatend ogendini; joma ne ok angʼeyo chon notiyona.
Makandirwira pakurwisa kwavanhu; makandiita musoro wendudzi; vanhu vandakanga ndisingazivi vava varanda vangu.
44 Kane giwinjo humba, ne giwinja; jopinje mamoko nobiro motwere kuoma.
Pavanongondinzwa, vanonditeerera; vatorwa vanokotama pamberi pangu.
45 Negibiro ka gitetni; kendo ka chunygi ool, ka gia kuondegi mag pondo.
Vose vanoora mwoyo; vanouya vachibva panhare dzavo vachidedera.
46 Jehova Nyasaye ngima! Lwandana mondo ogwedhi. Kendo Nyasaye mar Warruokna mondo otingʼ malo!
Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari Muponesi wangu!
47 Nyasaye mane ochulo kuor kara kendo oloyo ogendini e bwoya;
Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu,
48 mane oresa e lwet wasika; ne itingʼa malo e kind wasika ne iresa e lwet jo-mahundu.
anondiponesa pavavengi vangu. Makandisimudzira pamusoro pavavengi vangu. Makandinunura kubva kuvanhu vechisimba.
49 Emomiyo anapaki e kind ogendini, yaye Jehova Nyasaye, kendo anawer wende mapako nyingi.
Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pendudzi, imi Jehovha; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza.
50 Jehova Nyasaye kelo resruok maduongʼ ne ruoth moketo, onyiso (hera) mogundho ma ok rum ne ngʼate mowir, ni Daudi gi nyikwaye nyaka chiengʼ.
Anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake husingaperi kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nokuvana vake nokusingaperi.