< Zaburi 102 >

1 Lamo mar ngʼat mawinjo marach kendo machiwo ywakne e nyim Jehova Nyasaye. Winj lamona, yaye Jehova Nyasaye; yie irwak lamona ma akwayigo kony.
Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri.
2 Kik ipandna wangʼi sa ma chunya lit. Chikna iti; ka aluongi to dwoka mapiyo.
Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza.
3 Nimar ndalona rumo piyo ka iro; chokena rewni ka kit kendo maliet.
Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta.
4 Chunya orewore kendo oner ka lum; wiya wil kata mana gi chamo chiemba.
Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
5 Chur ma achurgo matek omiyo adhero alokora choke lilo.
Nokuda kwokugomera kwangu kukuru ndaonda zvokuti ganda rangu ranamatira pamapfupa.
6 Achalo gi tula mar bungu, achalo gi tula modak e gunda.
Ndafanana nezizi romugwenga, sezizi riri pakati pamatongo.
7 Asiko aneno anena, achalo gi winyo man kende ewi osuri.
Ndinovata ndakasvinura, ndava seshiri iri yoga pamusoro pedenga remba.
8 Odiechiengʼ duto wasika kinya ka gijara; joma dhawona konyore gi nyinga kaka gir kwongʼruok.
Zuva rose vavengi vangu vanondishungurudza; avo vanondipengera vanoshandisa zita rangu sechituko.
9 Nimar achamo buch kendo kaka chiemba kendo ariwo mathna gi pi wangʼa,
Nokuti ndinodya madota sechokudya changu, uye ndinovhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi,
10 nikech mirimbi maduongʼ, nimar isekawa mi iwita gichien.
nokuda kwehasha dzenyu huru, nokuti makandisimudza mukandikanda parutivi.
11 Ndalona chalo gi tipo modhiambo; aner adwaro two ka lum.
Mazuva angu akaita somumvuri wamadekwana; ndinosvava souswa.
12 In to ibet e kom lochni nyaka chiengʼ, yaye Jehova Nyasaye; humbi osiko e tienge duto.
Asi imi, iyemi Jehovha, munogara pachigaro choushe nokusingaperi; mukurumbira wenyu uripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
13 Ibiro aa malo mi ikech Sayun, nimar sa osechopo monego ongʼwonee; sa mochanne osechopo.
Imi muchasimuka mugonzwira Zioni tsitsi, nokuti ndiyo nguva yokurinzwira nyasha; nguva yakatarwa yasvika.
14 Nimar kitene beyo gi lala ne jotichni, kata mana buru madum kuome miyo ji keche.
Nokuti matombo aro anokosha kuvaranda venyu; guruva raro chairo rinovaendesa kugomba.
15 Ogendini biro luoro nying Jehova Nyasaye, ruodhi duto mag piny biro luoro duongʼni.
Ndudzi dzichatya zita raJehovha, madzimambo ose enyika achatya kubwinya kwenyu.
16 Nimar Jehova Nyasaye biro gero Sayun kendo obiro thinyore e lela e duongʼne.
Nokuti Jehovha achavakazve Zioni, agozviratidza pakubwinya kwake.
17 Obiro dwoko lamo mar ngʼama ok nyal kendo ok obi chayo lamogi.
Achadavira minyengetero yavanotambura; haangazvidzi chikumbiro chavo.
18 Wachni mondo ondik piny ne tiengʼ mabiro, mondo joma pok onywol opak Jehova Nyasaye:
Izvi ngazvinyorerwe zvizvarwa zvamangwana, kuti vanhu vasati vasikwa vagorumbidza Jehovha vachiti,
19 “Jehova Nyasaye nongʼiyo piny gie kare maler man malo, nongʼiyo piny gie polo,
“Jehovha akatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira, ari kudenga akacherechedza pasi,
20 mondo owinj ywak joma otwe kendo ogony joma ongʼadnegi buch tho.”
kuti anzwe kugomera kwavasungwa agosunungura avo vakatongerwa rufu.”
21 Kuom mano nying Jehova Nyasaye ibiro hul e Sayun, ibiro pake e Jerusalem,
Saka zita raJehovha richaparidzwa muZioni, nokurumbidzwa kwake muJerusarema,
22 ka joma odak e pinjeruodhi ochokore mondo olam Jehova Nyasaye.
panoungana marudzi noushe kuti vanamate Jehovha.
23 Ka noyudo ngimana dhi maber to nomiyo tekona odok chien kendo nongʼado ngimana odoko machiek.
Panguva youpenyu hwangu akatapudza simba rangu; akaita kuti mazuva angu ave mashoma.
24 Omiyo ne awacho niya, “Kik ikaw ngimana, yaye Nyasacha, kapod an e chuny ngima; in to isiko ingima nyaka tienge duto.
Saka ndakati, “Regai kundibvisa, imi Mwari wangu, pakati pamazuva angu; makore enyu anoramba aripo kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25 Kar chakruok ne iketo mise mag piny, kendo polo bende gin tij lweti.
Pamavambo makateya nheyo dzenyika, uye matenga ibasa basa ramaoko enyu.
26 Gin to ginilal nono in to isiko manyaka chiengʼ; giduto giniti mana kaka law ti. Ibiro lokogi kaka iloko law kendo ibiro witgi.
Izvo zvichaparara, asi imi munogara muripo; zvose zvichasakara senguo. Senguo muchavabvisa uye vacharaswa.
27 In to isiko ichalri mana kaka in, kendo hiki ok norum.
Asi imi mucharamba makadaro, uye makore enyu haatongogumi.
28 Nyithind jotichni biro dak buti machiegni; nyikwagi nodhi maber e nyimi.”
Vana vavaranda venyu vachagara pamberi penyu; zvizvarwa zvavo zvichasimbiswa pamberi penyu.”

< Zaburi 102 >