< Kwan 26 >

1 Bangʼ masirano Jehova Nyasaye nowacho ne Musa kod Eliazar wuod Harun jadolo niya,
Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista,
2 “Kwan ogendini mag jo-Israel duto kaluwore gi anywolagi, mago mahikgi piero ariyo kadhi nyime manyalo bedo jolweny e Israel.”
“Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.”
3 Musa kod Eliazar jadolo nowuoyo kod jo-Israel e pewe mag Moab mantiere e loka Jordan kod Jeriko mowachonegi niya,
Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati,
4 “Kwanuru jogo mahikgi romo piero ariyo kadhi nyime, mana kaka Jehova Nyasaye nochiko Musa.” Jo-Israel mane owuok Misri e magi:
“Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:
5 Nyikwa Reuben, ma en wuod Israel makayo, ne gin: kokadho kuom Hanok, ne gin joka Hanok; kokadho kuom Palu, ne gin joka Palu;
Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu;
6 kokadho kuom Hezron, ne gin joka Hezron; kokadho kuom Karmi, ne gin joka Karmi.
Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami.
7 Magi ema ne joka Reuben; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero angʼwen mia abiriyo gi piero adek.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.
8 Wuod Palu ne en Eliab,
Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi,
9 to yawuot Eliab ne gin Nemuel, Dathan kod Abiram. Dathan-no kod Abiram ne jotend oganda, to kata kamano negikwedo Musa kod Harun kendo gijiwo joma ne luwo Kora kuom kwedo Jehova Nyasaye.
uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha.
10 Piny nongʼamo dhoge mi omwonyogi kaachiel gi Kora, ma joma ne luwo bangʼe ji mia ariyo gi piero abich notho e mach. Jogi nobedo kaka ranyisi mar siemo ji.
Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro.
11 To kata kamano, joka Kora ne ok orumo.
Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.
12 Nyikwa Simeon kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Nemuel, joka Nemuel; koa kuom Jamin, joka Jamin; koa kuom Jakin, joka Jakin;
Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
13 koa kuom Zera, joka Zera; koa kuom Shaul, joka Shaul.
Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Shauri kwakabva mhuri yavaShauri.
14 Magi ema ne joka Simeon; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero ariyo gariyo mia ariyo.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.
15 Nyikwa Gad kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Zefon, joka Zefon; koa kuom Hagai, joka Hagi; koa kuom Shuni, joka Shuni;
Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;
16 koa kuom Ozni, joka Ozni; koa kuom Eri, joka Eri;
Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri;
17 koa kuom Arodi, joka Arodi; koa kuom Areli, joka Areli.
Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri.
18 Magi ema ne joka Gad; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero angʼwen mia abich.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.
19 Yawuot Juda ma Er kod Onan notho Kanaan.
Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.
20 Nyikwa Juda kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Shela, joka Shela; koa kuom Perez, joka Perez; koa kuom Zera, joka Zera.
Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera;
21 Nyikwa Perez ne gin: koa kuom Hezron, joka Hezron; koa kuom Hamul, kod joka Hamul.
Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
22 Magi ema ne joka Juda; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero abiriyo gauchiel gi mia abich.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.
23 Nyikwa Isakar kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Tola, joka Tola; koa kuom Pua, joka Pua;
Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua;
24 koa kuom Jashub, joka Jashub; koa kuom Shimron, joka Shimron.
Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.
25 Magi ema ne joka Isakar, ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero auchiel angʼwen gi mia adek.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.
26 Nyikwa Zebulun kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Sered, joka Sered; koa kuom Elon, joka Elon; koa kuom Jalel, joka Jalel.
Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
27 Magi ema ne joka Zebulun, ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero auchiel gi mia abich.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.
28 Nyikwa Josef kaluwore gi anywola margi kokalo kuom Manase kod Efraim ne gin:
Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:
29 Nyikwa Manase ne gin: koa kuom Makir, joka Makir (Makir ne en wuod Gilead); koa kuom Gilead, joka Gilead.
Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.
30 Nyikwa Gilead e magi: koa kuom Iezer, joka Iezer; koa kuom Helek, joka Helek;
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
31 koa kuom Asriel, joka Asriel; koa kuom Shekem, joka Shekem;
Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
32 koa kuom Shemida, joka Shemida; koa kuom Hefer, joka Hefer.
Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
33 (Kata kamano Zelofehad wuod Hefer ne onge yawuowi; to ne en mana gi nyiri kende, ma nyingegi ne gin Mala, Nowa, Hogla, Milka gi Tirza.)
(Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)
34 Magi ema ne joka Manase; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero abich gariyo mia abiriyo.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.
35 Nyikwa Efraim kaluwore gi anywola margi e magi: koa kuom Shuthela, joka Shuthela; koa kuom Beker, joka Beker; koa kuom Tahan, joka Tahan.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.
36 Magi ema ne nyikwa Shuthela: kokadho kuom Eran, ne gin joka Eran.
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani.
37 Magi ema ne joka Efraim; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero adek mia abich. Magi duto ne gin nyikwa Josef kaluwore gi anywola mag-gi.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.
38 Nyikwa Benjamin kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Bela, joka Bela; koa kuom Ashbel, joka Ashbel; koa kuom Ahiram, joka Ahiram;
Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;
39 koa kuom Shufam, joka Shufam; koa kuom Hufam, joka Hufam.
Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
40 Nyikwa Bela kokalo kuom Ard gi Naaman ne gin: koa kuo Ard, joka Ard; koa kuom Naaman, joka Naaman.
Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.
41 Magi ema ne joka Benjamin; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero angʼwen gabich mia auchiel.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.
42 Nyikwa Dan kaluwore gi anywolagi ne gin: koa kuom Shulam, joka Shuham. Magi ema ne anywola mag Dan:
Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:
43 Anywola jo-Shuham duto kar kwan-gi ne romo ji alufu piero auchiel gangʼwen mia angʼwen.
Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.
44 Nyikwa Asher kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Imna, joka Imna; koa kuom Ishvi, joka Ishvi; koa kuom Beria, joka Beria;
Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;
45 kendo koa kuom nyikwa Beria ne gin: joka Heber; kod joka Malkiel.
uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.
46 To Asher ne nigi nyako ma nyinge Sera.
Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera.
47 Magi ema ne joka Asher; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero abich gadek mia angʼwen.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
48 Nyikwa Naftali kaluwore gi anywola margi ne gin: koa kuom Jazel, joka Jazel; koa kuom Guni, joka Guni;
Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;
49 koa kuom Jezer, joka Jezer; koa kuom Shilem, joka Shilem.
Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
50 Magi ema ne joka Naftali; ma kar kwan-gi ne romo ji alufu piero angʼwen gabich mia angʼwen.
Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.
51 Kar kwan jo-Israel duto ne romo ji alufu mia auchiel gachiel, mia abiriyo gi piero adek.
Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.
52 Jehova Nyasaye nowacho ne Musa niya,
Jehovha akati kuna Mozisi,
53 “Nyaka pog jo-Israel pinyni kaka girkeni kaluwore gi kar kwan-gi.
“Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa.
54 Dhoot maduongʼ imi lowo maduongʼ to dhoot matin to imi lowo matin; dhoot ka dhoot mondo oyud pok maromre gi kar kwan-gi.
Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo.
55 Nyaka ine ni lopegi opog gi ombulu. Pok mar oganda ka oganda biro bedo kaluwore gi nying kweregi.
Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo.
56 Pok moro ka moro nyaka pog gi ombulu e kind dhoudi madongo gi matindo.”
Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”
57 Jo-Lawi mane okwan kaluwore gi anywola ne gin: koa kuom Gershon, joka Gershon; koa kuom Kohath, joka Kohath; koa kuom Merari, joka Merari.
Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
58 Jo-Lawi mamoko mane okwan ne gin: joka Libni, joka Hebron, joka Mali, joka Mushi, joka Kora. (Kohath ne kwar Amram;
Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami;
59 kendo jaod Amram ne nyinge Jokebed, ma nyakwar Lawi, mane onywol ne jo-Lawi e Piny Misri. Amram nonywolo Harun, Musa kod nyamin-gi Miriam.
zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.
60 Harun ne en wuon Nadab gi Abihu, Eliazar kod Ithamar.
Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.
61 To kata kamano Nadab gi Abihu notho kane gichiwo misango e nyim Jehova Nyasaye gi mach ma ok oyiego.)
Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)
62 Kar kwan jo-Lawi machwo ma ja-dwe achiel kadhi nyime kwan-gi ne romo ji alufu piero ariyo gadek. Ne ok okwan-gi gi jo-Israel mamoko nikech ne ok opog-gi lowo.
Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.
63 Magi e joma ne okwan gi Musa kod Eliazar jadolo e kinde mane okwan jo-Israel e paw Moab mantiere e loka Jordan koa Jeriko.
Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
64 Onge moro amora kuomgi mane okwan gi Musa kod Harun jadolo e kinde mane gikwano jo-Israel e Thim mar Sinai.
Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai.
65 Nimar Jehova Nyasaye ne owachone jo-Israelgo ni nyaka githo e thim, kendo onge kata ngʼata achiel kuomgi mane otony makmana Kaleb wuod Jefune kod Joshua wuod Nun.
Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.

< Kwan 26 >