< Tim Jo-Lawi 21 >
1 Jehova Nyasaye nowacho ne Musa niya, “Wuo kod jodolo ma yawuot Harun, kendo iwachnegi ni: ‘Kik jadolo tim gimoro ne ringre jadhodgi moro amora motho ma dimi obed mogak,
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaprista vanakomana vaAroni uti kwavari: ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa, achiitira kunyange ani zvake pakati pavanhu vake vanofa.
2 makmana kaponi ngʼat ma othoni en watne manie ot kaka min kata wuon kata wuode kata nyare kata owadgi,
Kunze kwehama yepedyo yakaita samai kana baba vake, mwanakomana kana mwanasikana wake, mukoma kana mununʼuna wake,
3 kata nyamin-gi manie lwete mapok okendi. Nyamin-gi mapok okendino kende ema nyalo miyo obed mogak.
kana hanzvadzi yake isina kuroorwa yaanochengeta sezvo asina murume nokuda kwaiyeyu angagona kuzvisvibisa.
4 Kik obed mogak kuom mulo ringre joma otho ma gin wedene kuom kend.
Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavanhu vano ukama naye hwokuwanana, akadaro azvisvibisa.
5 “‘Jodolo ok oyienegi mondo giliel wigi, kata tito yie tikgi bende kik gisar dendgi.
“‘Vaprista havafaniri kuveurwa misoro kana kudimburira ndebvu dzavo kana kutema miviri yavo nyora.
6 Nyaka gibed jomaler e nyim Nyasachgi, kendo kik gicha nying Nyasachgi. Nikech gin ema gichiwo misengini miwangʼo e mach ni Jehova Nyasaye, ma en chiemb Nyasachgi, omiyo nyaka gibed maler.
Vanofanira kuva vatsvene kuna Mwari wavo uye havafaniri kumhura zita raMwari wavo. Nokuti vanouyisa kuna Jehovha zvipiriso zvinoitwa nomoto, nezvokudya zvaMwari wavo; naizvozvo vanofanira kuva vatsvene.
7 “‘Jodolo ok oyienegi kendo nyako mochot kata nyako mosewere gi chwore, nikech jodolo nyaka bed maler e nyim Nyasachgi.
“‘Havafaniri kuwana vakadzi vakasvibiswa noufeve kana kuti vakarambwa navarume vavo nokuti muprista mutsvene kuna Mwari wake.
8 Kwan-giuru kaka jomaler, nikech gin ema gichiwo chiemo ni Nyasachu. Kawgiuru kaka jomaler nikech an Jehova Nyasaye aler; an mamiyo ubedo maler.
Mutsaurei somutsvene nokuti ndiye anouya nezvokudya zvaMwari wenyu. Mutsaurei somutsvene nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ini ndinokuitai vatsvene.
9 “‘Ka nyar jadolo olokore ochot, to nyakoni okuodo wi wuon-gi, omiyo nyaka wangʼe gi mach.
“‘Kana mwanasikana womuprista akazvisvibisa nokuva chifeve, anonyadzisa baba vake; anofanira kupiswa mumoto.
10 “‘Jadolo maduongʼ e kind owetene, kendo moseol mor pwodhruok e wiye, kendo owal mondo orwak lep dolo, kik owe wiye obed mogar, kata kik orwak law moyiech.
“‘Muprista mukuru, uyo ari pakati pamadzikoma ake navanunʼuna vake, akadirwa mafuta okuzodzwa pamusoro pake uye akagadzwa kuti apfeke nguo dzouprista, haafaniri kurega bvudzi rake risina kukamiwa, kana kubvarura nguo dzake.
11 Jadolono ok oyiene donjo e ot ma ngʼato othoe. Kik obed mogak kata bedni ngʼatno en wuon mare kata min mare,
Haafaniri kupinda munzvimbo ine chitunha. Haafaniri kuzvisvibisa kunyange nokuda kwababa vake kana mai vake,
12 kata kik owuogi koa kama ler mar lemo mar Nyasache, kata miyo kanyo bedo mogak, nikech en ngʼama owal kendo owir gi mor pwodhruok mar Nyasache. An e Jehova Nyasaye.
kana kubva munzvimbo tsvene yaMwari kana kuisvibisa, nokuti akakumikidzwa namafuta okuzodza aMwari wake. Ndini Jehovha.
13 “‘Nyako mokendo nyaka bed nyako ngili.
“‘Mukadzi waanowana anofanira kunge ari mhandara izere.
14 Kik okend dhako ma chwore otho, kata dhako mowere gi chwore, kata dhako mochot, makmana nyako ngili,
Haafaniri kuwana chirikadzi, mukadzi akarambwa kana mukadzi akasvibiswa noufeve asi mhandara yakazara bedzi kubva kuvanhu vokwake,
15 mondo omi kik onywol nyithindo mogak e kind ogandane. An e Jehova Nyasaye mamiyo obedo maler.’”
kuitira kuti arege kuzosvibisa zvizvarwa zvake pakati pavanhu vokwake. Ndini Jehovha ndinomuita mutsvene.’”
16 Jehova Nyasaye nowacho ne Musa niya,
Jehovha akati kuna Mozisi,
17 “Nyis Harun ni: ‘Kuom tiengeu duto, onge ngʼama ongʼol ma oyiene mondo ochiw chiemo ni Nyasache.
“Uti kuna Aroni, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera hakuna mumwe wezvizvarwa zvako akaremara angaswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
18 Ngʼato angʼata man-gi songa kik sud machiegni gi Nyasaye, obed ni en muofu kata rangʼol, kata ma dende kamoro otimo mbala,
Hapana munhu ano urema hupi zvahwo angaswedera pedyo: hakuna bofu kana anokamhina kana akaremara;
19 kata ka tiende kata bade ongʼol,
hakuna munhu ane gumbo rakaremara kana ruoko rwakaremara,
20 kata ka en rakuom kata othwogo, kata ka en rachiero, kata ka wangʼe chwero pi, kata ka en gi adhola monyaa kata ka en bwoch.
kana ane musana wakakombama, munhu akapfupikisa kana ano urema hwamaziso kana ane mamota kana ane mhezi, kana akakuvara manhu ake.
21 Nyakwar Harun moro amora man-gi songa kik sud machiegni mar timo ne Jehova Nyasaye misango miwangʼo. Nikech en gi songa ok onego osud machiegni mondo ochiw chiemo ne Nyasache.
Hapana wechizvarwa chaAroni akaremara neipi nzira angaswedera pedyo kuzopa zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto. Ano urema; haafaniri kuswedera pedyo kuzopa zvokudya zvaMwari wake.
22 Onyalo chamo chiemb Nyasache, bedni ogol chiemono kuom gik maler kata kuom gik maler moloyo;
Angadya hake zvokudya zvitsvene-tsvene zvaMwari wake, pamwe chete nezvokudya zvitsvene;
23 to nikech ngʼol mare ok onego osud machiegni gi Pasia kata gi kendo mar misango, nikech dipo ka omiyo kara maler mar lemo obedo mogak nimar en gi songa. An e Jehova Nyasaye mapwodhogi.’”
asi nokuda kwourema hwake, haafaniri kusvika pedyo nechidzitiro kana kusvika paaritari, agosvibisa nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.’”
24 Kuom mano Musa nonyiso Harun gi yawuote kod jo-Israel duto wachno.
Saka Mozisi akataura izvi kuna Aroni navanakomana vake nokuvaIsraeri vose.