< Jeremia 38 >
1 Shefatia wuod Matan, Gedalia wuod Pashur, Jehukal wuod Shelemia, kod Pashur wuod Malkija nowinjo gima Jeremia ne nyiso ji duto sa mane owacho ni,
Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati,
2 “Ma e gima Jehova Nyasaye wacho: ‘Ngʼato angʼata modak e dala maduongʼni noneg gi ligangla, kech kata masira, to ngʼato angʼata manodhi ir jo-Babulon nobed mangima. Notony gi ngimane; mi nobed mangima.’
“Zvanzi naJehovha: ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; achararama.’
3 Kendo ma e gima Jehova Nyasaye wacho: ‘Dala maduongʼni nyaka chiwne jolweny mar ruodh Babulon ma nokawe.’”
Zvakare, zvanzi naJehovha: ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’”
4 Eka jotelo nowachone ruoth niya, “Ngʼatni onego negi. Onyoso chuny jolweny modongʼ e dala maduongʼ ni, kaachiel gi ji duto, gi gigo mowachonegi. Ngʼatni ok dwar dhi maber mar jogi to mana kethruokgi.”
Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”
5 Ruoth Zedekia nowacho niya, “En e lwetu. Onge gima ruoth nyalo timo mondo okwed wachu.”
Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”
6 Omiyo negikawo Jeremia ma giketo e bur mar Malkija, wuod ruoth, mane nitiere e laru mar jarito. Ne giloro Jeremia gi tonde ei burno; ne onge pi e iye, chwodho ema ne nitie, kendo Jeremia nonimo ei chwodho.
Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikiya, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.
7 To Ebed-Melek, ja-Kush, ma jatelo e kar dak ruoth, nowinjo nine giseketo Jeremia ei bur. Ka ruoth ne obet e Dhoranga Benjamin,
Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,
8 Ebed-Melek nowuok oa e kar dak ruoth kendo owachone ni,
Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavaita kumuprofita Jeremia.
9 “Jaduongʼ ma ruodha, jogi osetimo gima mono kuom gigo duto magisetimone janabi Jeremia. Giwite e bur, kama kech biro nege motho ka makati duto orumo e dala maduongʼ.”
Vamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”
10 Eka ruoth nomiyo Ebed-Melek ja-Kush chik, “Kaw chwo piero adek koa kae kendo ugol janabi Jeremia e bur kapok otho.”
Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo munobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”
11 Omiyo Ebed-Melek nokawo jogo kendo odhigo e agola manie bwo kar keno mar dala ruoth. Ne okawo lewni moyiech kod lewni moti kanyo kendo nolorogi piny gi tol ne Jeremia ei bur.
Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.
12 Ebed-Melek ja-Kush nowacho ne Jeremia niya, “Ket lewni mokengoregi kod lewni moti e yuothi mondo kik tol ridhi.” Jeremia notimo kamano,
Ebhedhi-Mereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo,
13 mine giywaye gi tol ma gigole oko mar bur. Kendo Jeremia nodongʼ e laru mar jarito.
ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi.
14 Eka Ruoth Zedekia nooro wach mondo okelne janabi Jeremia kendo nokelnego e kar donjo mar adek mar hekalu mar Jehova Nyasaye. Ruoth nowachone niya, “Adhi penji gimoro. Kik ipanda wach.”
Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”
15 Jeremia nowachone Zedekia niya, “Ka adwoki, donge ibiro nega? Kata ka anangʼadni rieko, bende iniwinja.”
Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.”
16 To Ruoth Zedekia nokwongʼore gi kwongʼruokni lingʼ-lingʼ ne Jeremia: “Akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima, mosemiyowa muya, ok ananegi kata chiwi ne jogo madwaro ngimani.”
Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko eavo vanotsvaka kukuuraya.”
17 Eka Jeremia nowachone Zedekia niya, “Ma e gima Jehova Nyasaye Maratego, ma Nyasach Israel, wacho: ‘Ka ichiwori ne jotelo mag ruodh Babulon, ngimani noweni kendo dala maduongʼni ok nowangʼ, in kod joodi unubed mangima.
Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama.
18 To ka ok ichiwori ne jotend ruodh Babulon, dala maduongʼni nomi jo-Babulon kendo giniwangʼe; un uwegi ok unutony e lwetgi.’”
Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’”
19 Ruoth Zedekia nowachone Jeremia niya, “Aluoro jo-Yahudi mosedhi ir jo-Babulon, nimar jo-Babulon nyalo chiwa e lwetgi mi gisanda.”
Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.”
20 Jeremia nodwoke niya, “Ok ginichiwi.” Luor Jehova Nyasaye kitimo gima anyisi. Eka inine maber, kendo ngimani noweni.
Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa.
21 To ka itamori chiwori, ma e gima Jehova Nyasaye osefwenyona:
Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha.
22 Mon duto mane odongʼ kar dak mar ruodh Juda nokelne jotelo mar ruodh Babulon. Mon-go nowachni ni: Osiepegi mane igenogo nowuondi kendo noloyi. Tiendegi oselingʼore e chwodho; osiepegi oseweyi.
Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’
23 “Mondeu duto kod nyithindu nokelne jo-Babulon. Un uwegi ok unutony e lwetgi to enomaku gi ruodh Babulon; kendo dala maduongʼni nowangʼ mapodhi.”
“Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.”
24 Eka Zedekia nowachone Jeremia niya, “Kik iwe ngʼato ongʼe twak-wani, ka ok kamano to inyalo tho.
Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti ungafa.
25 Ka jotelo owinjo nine awuoyo kodi, kendo gibiro iri ma giwacho, ‘Nyiswa gima ne iwachone ruoth kendo gima ruoth nowachoni; kik ipandwa ka ok kamano to wabiro negi,’
Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’
26 to nyisgi ni, ‘Ne asayo ruoth mondo kik oora adog e od Jonathan mondo atho kanyo.’”
ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’”
27 Jotelo duto nobiro ir Jeremia mi gipenje, kendo nonyisogi gik moko duto mane ruoth ochike mondo awachi. Omiyo onge gima negichako ginyise, nimar onge ngʼama nowinjo twakgi gi ruoth.
Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo.
28 Kendo Jeremia nodongʼ e laru mar jarito nyaka odiechiengʼ ma Jerusalem nokaw. Ma e kaka Jerusalem ne okaw:
Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema.