< Chakruok 44 >

1 Josef nomiyo jarit ode chik niya, “Ket cham mathoth e gunde jogo ma ginyalo tingʼo, kendo itwe pesa e dho ogund ngʼato ka ngʼato.
Zvino Josefa akarayira mutariri weimba yake achiti, “Zadza masaga avarume ava nezvokudya zvakawanda zvavanokwanisa kutakura, uye uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wesaga.
2 Bangʼe to iso kikombena mar mula ei ogund wuowi matin kaachiel gi pesa mar rundo.” Kendo jarit od Josef notimo kaka Josef nowachone.
Ipapo ugoisa mukombe wangu, iwo wesirivha, mumuromo wesaga remuduku kuna vose, pamwe chete nemari yezviyo zvake.” Uye akaita sezvaakanga audzwa naJosefa.
3 Kinyne kogwen, jogo nokawo pundegi kendo negiwuok.
Kwakati kuchiedza, varume vaya vakaendeswa panzira yavo pamwe chete nembongoro dzavo.
4 Kane pok gidhi mabor gi dala Josef nowacho ne jatichne niya, ring ilaw joka piyo, kendo ka imakogi, wachnegi niya, “Angʼo ma omiyo uchulo rach kar ber?
Vakanga vasati vava kure neguta Josefa paakati kumutariri wake, “Tevera varume vaya izvozvi, uye paunovabata, uti kwavari, ‘Seiko matsiva chakanaka nechakaipa?
5 Donge ma e okombe ma ruodha metho godo kendo otiyogo kuom koro wach? Gima utimoni en gima rach.”
Ko, uyu hauzi mukombe unonwira tenzi wangu uye wavanoshandisa pakuvuka here? Chinhu chamaita ichi chakaipa.’”
6 E kinde manochopo irgi, nonuoyonegi wechegi.
Paakavabata, akadzokorora mashoko aya kwavari.
7 To negiwachone niya, “Angʼo ma omiyo ruodha wacho gigo? Jotichgi bor gi tim ma kamano!
Asi ivo vakati kwaari, “Seiko ishe wangu achitaura zvinhu zvakadai? Ngazvive kure navaranda venyu kuti vaite chinhu chakadaro!
8 Donge ne waduogonu kata mana pesa mane wayudo e ogundewa kane waa e piny Kanaan. Koro ere gima dimi wakwal fedha kata dhahabu e od ruodhi?
Takadzoka kwamuri kubva kunyika yeKenani kunyange nemari yatakawana mumiromo yamasaga edu. Saka taizobireiko sirivha kana goridhe mumba matenzi wenyu?
9 Ka diyude kuom jatichni moro amora, to obiro tho; kendo joma odongʼ biro bedo wasumb ruodha.”
Kana mumwe upi zvake wavaranda venyu akawanikwa anayo, ngaafe; uye isu tose tichava nhapwa dzashe wangu.”
10 Nowacho niya, “Mano ber, obed mana kaka uwachono. Ngʼato angʼata manoyud kode nobed misumbana, to joma odongʼ nobed thuolo.”
Iye akati, “Zvakanaka chaizvo, ngazvive sezvamataura. Ani naani anowanikwa anayo achava nhapwa yangu; vamwe mose hamungapiwi mhosva.”
11 Ngʼato ka ngʼato noyieyo ogunde piny e ngʼe pundegi kendo ogonyo.
Mumwe nomumwe wavo akakurumidza kuburutsa saga rake pasi uye akarizarura.
12 Eka ne jarit ochako menyo kochako gi wuowi maduongʼ kendo otieko gi wuowi matin kendo kikombe noyudi ei ogund Benjamin.
Ipapo mutariri akatanga kutsvaka, akatanga kumukuru akapedzisira kumuduku wavose. Uye mukombe wakawanikwa musaga raBhenjamini.
13 Kane gineno mano ne giyiecho lepgi, eka ne giyieyo pundegi kendo gidok dala Josef.
Ipapo, vakabvarura nguo dzavo. Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo uye vakadzokera kuguta.
14 Josef pod ne ni e ot kane Juda kod owetene odonjo, kendo negipodho auma e nyime.
Josefa akanga achiri mumba pakapinda Judha navanunʼuna vake, uye vakazviwisira pasi pamberi pake.
15 Josef nowachonegi niya, “Ma en angʼo ma usetimoni? Donge ungʼeyo ni ngʼato kaka an nyalo fwenyo gimoro gi yor koro?”
Josefa akati kwavari, “Chiiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvinhu nokuvuka here?”
16 Juda nodwoke niya, “Dwa wach angʼo ne ruodha? Dwa wach angʼo? Ere kaka wanyalo nyiso jatichwa? Nyasaye oseelo richo jatichni. Koro wan wasumbi ruodha; wan wawegi kod ngʼatno moseyud kikombeni kuome.”
Judha akapindura akati, “Chiiko chatingataura kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza seiko? Mwari afukura mhosva yavaranda venyu. Zvino tava nhapwa dzashe wedu, isu pachedu naiye awanikwa ano mukombe.”
17 To Josef nowacho niya, “Abor gi timo gima kamano! Mana ngʼatno mane oyudi gi kikombena ema biro bet misumbana. Ji modongʼ duto doguru ir wuonu gi kwe.”
Asi Josefa akati, “Ngazvive kure neni kuti ndiite chinhu chakadai! Munhu awanikwa ano mukombe wangu chete ndiye achava nhapwa yangu. Imi mose, dzokerai kuna baba venyu norugare.”
18 Eka Juda nodhi ire kendo owachone niya, “Yaye ruodha, yie mondo jatichni owuo kodi. Kik ikech gi jatichni kata obedo ni tekoni mar loch romre gi mar Farao owuon.
Ipapo Judha akaenda kwaari akati, “Ndapota, ishe wangu, regai muranda wenyu ataure shoko rimwe kuna she wangu. Regai kutsamwira muranda wenyu, kunyange hazvo makaenzana naFaro pachake.
19 Ruodha nopenjo jotichne ni, ‘Bende un gi wuonu kata owadu?’
Ishe wangu akabvunza varanda vake akati, ‘Muna baba kana mununʼuna here?’
20 Kendo ne wadwoke ni, ‘Wan kod wuonwa to oti, kendo nitie wuowi matin mane onywolo ka oti. Owadgi wuowino ne osetho kendo en e wuod min-gi kende modongʼ, kendo wuon-gi ohere.’
Uye isu takapindura tikati, ‘Tina baba vava vatana, uye pano mukomana muduku akaberekwa pautana hwavo. Mukoma wake akafa, uye ndiye oga asara mwanakomana wamai vake, uye baba vake vanomuda.’
21 “To ne iwacho ni jotichni ni, ‘Keleuru ka mondo anene an awuon.’
“Ipapo imi makati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kuno kwandiri kuti ndimuone, ini pachangu.’
22 Kendo ne wawachone ruodha ni, ‘Rawerano ok nyal weyo wuon-gi! Ka oweye to wuon-gi biro tho.’
Uye isu takati kuna she wangu, ‘Mukomana haangasiye baba vake; kana akavasiya, baba vake vangafa.’
23 To ne iwachone jotichni ni, ‘Ka ok ubiro gi owadu matin, to ok unuchak une wangʼa kendo.’
Asi imi makati kuvaranda venyu, ‘Kunze kwokunge mauya nomununʼuna wenyu gotwe, hamungazooni chiso changu.’
24 Kane wadok ir wuonwa ma jatichni, ne wanyise gima ruodha osewacho.
Patakadzokera kumuranda wenyu, baba vangu, takavaudza zvakanga zvarehwa naishe wangu.
25 “Eka wuonwa nowacho ni, ‘Doguru mondo udhi ungʼiew chiemo moko kendo.’
“Ipapo baba vedu vakati, ‘Dzokerai mundotengazve zvimwe zvokudya zvishoma.’
26 To ne wawachone ni, ‘Ok wanyal dhi. Wanyalo mana dhi ka owadwa matin dhi kodwa. Ok wanyal neno wangʼ ngʼatno makmana ka owadwa matin ni kodwa.’
Asi isu takati, ‘Hatigoni kuenda. Tichaenda bedzi kana mununʼuna wedu anesu. Hatigoni kuona chiso chomurume uyo kunze kwokunge mununʼuna wedu gotwe aenda nesu.’
27 “Jatichni ma wuonwa nowachonwa ni, ‘Ungʼeyo ni chiega nonywolona yawuowi ariyo.
“Muranda wenyu baba vangu vakati kwatiri, ‘Imi munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri.
28 Achiel ne olal, kendo ne awacho niya, “Adier osekidhe matindo tindo.” Kendo pok achak anene.
Mumwe wavo akabva kwandiri, uye ndikati, “Zvirokwazvo akabvamburwa-bvamburwa.” Uye handina kuzomuona kubvira ipapo.
29 Ka ukawo owadgi bende ma gimoro dhi ohinye, to di umi chunya chandruok ma atho ka an gi kuyo to aseti.’ (Sheol h7585)
Kana mukanditorera iyeyuwo uye kana zvakaipa zvikamuwira, muchaendesa musoro wangu wachena kuguva mukusuwa.’ (Sheol h7585)
30 “Koro ka wadok ir wuonwa ma misumbani ka wuowini mangimane omakore kode onge to obiro tho,
“Saka zvino, kana mukomana akasava nesu pandinodzokera kumuranda wenyu, baba vangu, uye kana baba vangu, avo vakasunganidza upenyu hwavo kuupenyu hwomukomana,
31 kendo dimi jotichni mi wuon-gi chuny lit ma otho ka en gi kuyo to oseti. (Sheol h7585)
vakaona kuti mukomana haapo, vachafa. Muranda wenyu achaendesa musoro wachena wababa vedu kuguva mukusuwa. (Sheol h7585)
32 Jatichni nosingore ne wuon-gi ni nodwok wuowino kangima. Ne awacho ni, ‘Ne akwongʼora ni ka ok aduogo wuowini iri kangima to anabed jaketho e nyimi ndalo duto mag ngimana!’
Muranda wenyu akapa rubatso rwokuchengetedzeka kwomukomana kuna baba vangu. Ndakati, ‘Kana ndikasadzoka naye kwamuri, ndini ndichava nemhosva pamberi penyu, baba vangu, upenyu hwangu hwose!’
33 “Koro asayi, we jatichni odongʼ ka kaka misumba ruoth kar wuowini kendo iwe wuowini odogi gowetene.
“Zvino, ndapota, regai henyu muranda wenyu asare kuno senhapwa yashe wangu pachinzvimbo chomukomana, uye murege mukomana adzokere namadzikoma ake.
34 Ere kaka dadog ir wuora ka wuowini ok ni koda? Ooyo! Kik iwe ane chandruok ma dimak wuora.”
Ndingadzokera sei kuna baba vangu kana mukomana ndisinaye? Kwete! Musandirega ndichiona njodzi ichiuya pamusoro pababa vangu.”

< Chakruok 44 >