< Chakruok 35 >

1 Eka Nyasaye nowacho ne Jakobo niya, “Aa malo idhi Bethel kendo idag kuno mi iger kendo mar misango ne Nyasaye, mane ofwenyoreni kane iringo ia kuom Esau owadu.”
Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.”
2 Kuom mano Jakobo nowacho ne joode duto kod ji mane ni kode niya, “Wituru nyiseche mag pinje mamoko ma un-go kendo upwodhru mi urwak lewni maler.
Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu.
3 Eka ubi mondo wadhiuru Bethel, kuma abiro dhi geroe kendo mar misango ne Nyasaye, mane odwoka e kinde mane an e chandruok malich kendo ma osebedo koda kamoro amora ma asedhiyoe.”
Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka aritari yaMwari, iye akandipindura pazuva rokutambudzika kwangu uye iye akanga aneni kwose kwandakaenda.”
4 Kuom mano negimiyo Jakobo nyiseche mag pinje mamoko mane gin-go kod stadi mane ni e itgi kendo Jakobo noyikogi e tiend yiend ober man Shekem.
Saka vakapa Jakobho vamwari vavatorwa vose vavaiva navo nemhete dzaiva munzeve dzavo, uye Jakobho akazvifushira pasi pomuouki weShekemu.
5 Eka negichako wuoth kendo luoro mar Jehova Nyasaye nomako mier duto mane okiewo kodgi maonge ngʼama nolawo bangʼ-gi.
Ipapo vakasimuka, kutya Mwari kukawira pamusoro pamaguta ose akavapoteredza zvokuti hakuna munhu akavatevera.
6 Jakobo kod ji duto mane ni kode nochopo Luz (ma tiende ni Bethel) e piny Kanaan.
Jakobho navanhu vose vaaiva navo vakasvika kuRuzi (ndirowo Bheteri) munyika yeKenani.
7 Kanyo Jakobo nogero kendo mar misango kendo noluongo kanyo ni El Bethel, nikech kanyo ema ne Nyasaye ofwenyorene kane oringo owadgi.
Akavaka aritari ipapo, akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Eri Bheteri, nokuti Mwari akazviratidza kwaari ipapo paakanga achitiza mukoma wake.
8 Debora, ma japit Rebeka notho kendo noyike e tiend yiend ober machiegni gi Bethel. Kuom mano nochak kanyo ni Allon Bakuth.
Zvino Dhibhora, mureri waRabheka, akafa akavigwa pasi pomuouki mujinga meBheteri. Saka pakatumidzwa zita rokuti Aroni Bhakuti.
9 Bangʼ ka Jakobo nosea Padan Aram, Nyasaye nochako ofwenyorene kendo nogwedhe.
Shure kwokudzokera kwaJakobho kuPadhani Aramu, Mwari akazviratidza zvakare uye akamuropafadza.
10 Nyasaye nowachone niya, “Kata obedo ni nyingi en Jakobo to ok nochak oluongi kamano to koro ibiro luongi ni Israel.” Omiyo nochake ni Israel.
Mwari akati kwaari, “Zita rako ndiJakobho, asi hauchanzi Jakobho, zita rako richanzi Israeri.” Saka akamutumidza zita rokuti Israeri.
11 Kendo Nyasaye nowachone niya, “An Nyasaye Maratego, nywolri kendo imedri. Ogendini kod dhout ogendini noa kuomi kendo ruodhi nowuog kuomi.
Uye Mwari akati kwaari, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; berekanai muwande. Rudzi neboka rendudzi zvichabva kwauri, uye madzimambo achabuda kubva mauri.
12 Piny mane amiyo Ibrahim kod Isaka bende abiro miyi kaachiel gi nyikwayi.”
Nyika yandakapa Abhurahama naIsaka ndinoipawo kwauri, uye ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako zvinokutevera.”
13 Eka Nyasaye nodhi e polo moweye kama ne giwuoyoe kodeno.
Ipapo Mwari akakwira kudenga akabva panzvimbo yaakanga ataura naye.
14 Jakobo nochungo siro mar kidi kanyono mane Nyasaye owuoyoe kode, kendo noolo ewi sirono misango miolo piny bende noolo misango mar mo ewi siro.
Jakobho akamisa mbiru yebwe panzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye, uye akadururira chipiriso chinonwiwa pariri; akadirawo mafuta pariri.
15 Jakobo nochako kanyo mane Nyasaye owuoyoe kodeno ni Bethel.
Jakobho akatumidza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri.
16 Eka negiwuok gia Bethel. Kane gisedhi mochwalore gi Efrath, muoch nochako kayo Rael kendo nochandore ahinya.
Ipapo vakapfuurira mberi kubva kuBheteri. Vachiri chinhambwe neEfurati, Rakeri akatanga kurwadziwa uye akatambudzika zvikuru.
17 E kinde mane muoch kayeno, jacholo nowachone niya, “Kik iluor nikech inywolo wuowi machielo.”
Uye paakanga achitambudzika zvikuru pakupona mwana, mbuya vaimuchengeta vakati kwaari, “Usatya, nokuti uno mumwe mwanakomana.”
18 Kane chunye chiegni chot nochako wuodeno ni Ben-Oni. To wuon mare to nochake ni Benjamin.
Paakabudisa mweya wake, nokuti akanga ofa, akatumidza mwanakomana wake zita rokuti Bheni-Oni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini.
19 Kuom mano Rael notho kendo nokunye e yo madhi Efrath (ma tiende ni Bethlehem).
Saka Rakeri akafa akavigwa munzira yaienda kuEfurati (ndiro Bheterehema).
20 Jakobo noketo siro ewi liend Rael kendo nyaka chil kawuono sirono obet kar liend Rael.
Pamusoro peguva rake Jakobho akaisa mbiru, uye kusvikira zuva ranhasi mbiru iyi inoratidza guva raRakeri.
21 Israel nochako odhi nyime giwuoth kendo noguro hembe tok oinga mar Migdal Eder.
Israeri akapfuurira mberi zvakare akandodzika tende rake seri kweMigidhari Edheri.
22 Kane oyudo Israel dak kuno, Reuben nodhi moterore gi Bilha jatich ma nyako mar wuon-gi mi Israel nowinjo wachno. Jakobo ne nigi yawuowi apar gariyo:
Israeri achiri kugara munyika iyo, Rubheni akapinda akandovata nomurongo wababa vake Bhiriha, uye Israeri akanzwa nezvazvo. Jakobho akanga ana vanakomana gumi navaviri:
23 Yawuot Lea ne gin: Reuben wuod Jakobo makayo, Simeon, Lawi, Juda, Isakar kod Zebulun.
Vanakomana vaRea vaiti: Rubheni dangwe raJakobho, Simeoni, Revhi, Judha, Isakari naZebhuruni.
24 Yawuot Rael ne gin: Josef kod Benjamin.
Vanakomana vaRakeri vaiva: Josefa naBhenjamini.
25 Yawuot Bilha, jatich Rael madhako ne gin: Dan kod Naftali.
Vanakomana vaBhiriha murandakadzi waRakeri vaiva: Dhani naNafutari.
26 Yawuot Zilpa jatich Lea madhako ne gin: Gad kod Asher. Magi ema ne yawuot Jakobo mane onywolone Padan Aram.
Vanakomana vaZiripa murandakadzi waRea vaiva: Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho, vaakabereka muPadhani Aramu.
27 Jakobo noduogo dala ir wuon-gi Isaka Mamre machiegni gi Kiriath Arba (ma tiende ni Hebron), kumane Ibrahim kod Isaka odakie.
Jakobho akasvika kumusha kuna baba vake Isaka paMamure, pedyo neKiriati Abha (ndiro Hebhuroni), uko kwakambogara Abhurahama naIsaka.
28 Isaka nodak higni mia achiel gi piero aboro.
Isaka akararama kwamakore zana namakumi masere.
29 Eka Isaka notho kendo noluwo kwerene ka oti kendo hike ngʼeny. Kendo yawuot Esau kod Jakobo noyike.
Ipapo akabudisa mweya wake akafa akasanganiswa navanhu vake, akwegura kwazvo. Uye vanakomana vake Esau naJakobho vakamuviga.

< Chakruok 35 >