< Chakruok 31 >

1 Jakobo nowinjo ni yawuot Laban ne wacho niya, “Jakobo osekawo gik ma wuonwa nigo duto kendo oseyudo mwandugi duto koa kuom wuonwa.”
Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.”
2 Kendo Jakobo noneno ni pach Laban ok nikode kaka chon.
Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga.
3 Eka Jehova Nyasaye nowacho ne Jakobo niya, “Dogi e pinyu ir oweteni kendo abiro bet kodi.”
Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.”
4 Kuom mano Jakobo nooro wach ne Rael kod Lea mondo gibi e lek kumane okwayoe.
Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake.
5 Nowachonegi niya, “Aneno ni paro ma wuonu nigo koda ok en paro mane en-go mokwongo, kata kamano Nyasach wuora osebedo koda.
Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni.
6 Ungʼeyo kaka asetiyo ne wuonu gi tekra duto.
Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose,
7 To wuonu osewuonda ka oloko chudona nyadipar. To kata kamano, Nyasaye ok oseweyo otimona marach.
asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze.
8 Wuonu nowacho ni, ‘Mago ma kitgi angʼech nobed pokni;’ eka jamni duto nonywolo mago ma kitgi angʼech kende, to bende kane owacho ni, ‘Mago ma kitgi rabok nobed pokni,’ eka jamni duto nonywolo mana mago ma kitgi rabok.
Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse.
9 Kuom mano Nyasaye osekawo kweth mag jamni mag wuonu kendo osemiyagi.
Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri.
10 “E kinde mane jamni mathuondi dwaro luwo jamni mamon, naleko ni nywogi duto mane oluwo jamni mamon ne gin mago man-gi kido marabok gi mago man-gi kido marangʼech kod mago man-gi kido mopogore opogore.
“Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa.
11 Malaika mar Nyasaye noluonga e lek ni, ‘Jakobo.’ Eka nadwoke ni, ‘An ka.’
Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’
12 Eka malaika nomedo wachona ni, ‘Tingʼ wangʼi kendo ineye kaka nywogi duto maluwo diek gin rabok, angʼech kod ma dikiyo, nimar aseneno gik moko duto ma Laban osebedo katimoni.
Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri.
13 An e Nyasaye mane ofwenyoreni Bethel kamane iwiroe siro gi mo kendo kama ne isingori kikwongʼori ne an. Koro wuogi ia e pinyni kendo idog thuru.’”
Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’”
14 Eka Rael kod Lea nodwoke niya, “Bende pod wadongʼ gi pok moro amora e mwandu wuonwa?
Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here?
15 Donge tinde okwanowa mana kaka jomoko nono? Ok en mana ni osechiwowa kende, to osechano nyaka mwandu duto mane okendwa.
Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose.
16 Adier mwandu duto ma Nyasaye osegolo kuom wuonwa gin mawa kod nyithindwa. Omiyo tim gimoro amora ma Nyasaye osenyisi.”
Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.”
17 Eka Jakobo nokawo nyithinde kod monde mi oketo ewi ngamia,
Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera,
18 kendo nosembo jambe duto e nyime kaachiel gi gik moko duto mane osechoko e piny Padan Aram, mondo odhi ir Isaka wuon-gi e piny Kanaan.
uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani.
19 Kane Laban osedhi ngʼado yie rombe, Rael nokwalo nyiseche mag wuon-gi.
Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake.
20 To kata kamano, Jakobo nowuondo Laban ja-Aram ka ok onyise ni odok thurgi.
Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda.
21 Kuom mano noringo gi mago mane en-go duto, kendo nongʼado Aora koluwo yo mochomo piny gode mag Gilead.
Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi.
22 E odiechiengʼ mar adek Laban nowinjo ni Jakobo osepondo modhi.
Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza.
23 Nokawo wedene molawo Jakobo; kuom ndalo abiriyo; kendo nojuke e piny gode mag Gilead.
Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi.
24 Eka Nyasaye nofwenyore ne Laban ja-Aram gotieno e lek mi owachone niya, “Ne ni ok iwachone Jakobo gimoro amora, maber kata marach.”
Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.”
25 Ka Laban nojuko Jakobo noyudo ka oseguro hembe e piny gode mag Gilead kendo mi en bende gi wedene noguro hembe kanyo.
Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo.
26 Eka Laban nopenjo Jakobo niya, “En angʼo ma isetimoni? Isewuonda kendo iseringa gi nyiga mana ka joma omak e lweny.
Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo.
27 Ere gima nomiyo iringo lingʼ-lingʼ ka akia? Angʼo ma nomoni nyisa, mondo omi asewi gi mor kiwerni kendo igoni thum?
Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matambureni norudimbwa?
28 Bende ne ok iweyo agoyoni oriti gi nyiga gi nyikwaya. Kuom mano isetimo gima ofuwo.
Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi.
29 Ngʼe ni an-gi teko mar hinyi, to Nyasach wuonu ne onyisa otieno manyoro ni, ‘Ne ni ok iwachone Jakobo gimoro amora, maber kata marach.’
Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’
30 Angʼeyo ni nyoro iwuok nikech siso ma in-go mar dok ir joodu. To angʼo momiyo nyoro ikwalo nyisechena?”
Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?”
31 Jakobo nodwoko Laban niya, “Ne aluor nikech nyo aparo ni dipo ka imaya nyigi githuon.
Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba.
32 To ngʼato angʼata ma iyudo gi nyisechegi ok nokwo. E nyim jowagi, rang in iwuon giri moro amora madabedgo kendo ka iyudo to kaw.” To Jakobo ne ok ongʼeyo ni Rael nosekwalo nyisechego.
Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho.
33 Eka Laban nodonjo ei hemb Jakobo kendo ei hemb Lea kendo ei hemb jotichgi ariyo ma nyiri to ne ok oyudo gimoro. Bangʼ kane osea ei hemb Lea nodonjo ei hemb Rael.
Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri.
34 Noyudo ka Rael osekawo nyisechego mopando e bwo kom ngamia mobetie. Laban nodwaro gik moko duto mane ni ei hema to ne ok oyudo gimoro.
Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu.
35 Rael nowacho ni wuon-gi niya, “Yaye ruodha, kik mirima maki koda ni atamora chungʼ e nyimi nikech an e kindena mag neno malo.” Kuom mano Laban nomanyo nyisechenego to ne ok oyudo.
Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake.
36 Jakobo mirima nomako mi odhawo gi Laban. Nopenje niya, “En richo mane masetimo momiyo ilawa matek kama?
Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai?
37 Koro ero isemanyo giga duto, angʼo ma iyudo ma mari? Kete e lela e nyim oweteni kod owetena kendo we gingʼad bura e kindwa.
Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri.
38 “Asebedo kodi koro higni piero ariyo, to rombi kata dieki pok obwogo bende achamo imi kata achiel.
“Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondobwe amakwai enyu.
39 Ne ok akeloni chiayo ma ondiek ochamo; to ne achulo chiayo mangima an awuon. Bende ne iketo ni achuli kuom gimoro amora mane okwal gotieno kata godiechiengʼ.
Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku.
40 Kamano e kaka ne abet; chiengʼ nochama godiechiengʼ kendo koyo nochama gotieno, kendo nindo noringo oa e wangʼa.
Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu.
41 Ne en kama kuom higni piero ariyo kane an e odi. Ne atiyoni kuom higni apar gangʼwen ne nyigi ariyo, kendo higni auchiel ne jambi, kendo ne imaya pokna nyadipar.
Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava nemakore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mubayiro wangu kagumi.
42 Ka dine ni Nyasach wuora, Nyasach Ibrahim, kod luor mane Isaka nigo, ne ok ni koda, adier dine iriemba gi lweta nono. To Nyasaye oseneno chandruokna gi tich matek mar lweta, kendo nyo okweri otieno manyoro ni kik itimna gimoro marach.”
Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.”
43 Laban nodwoko Jakobo niya, “Mon-go gin nyiga, nyithindogo gin nyithinda, kendo kwethgo gin kwethga. Gik moko duto minenogo gin maga. To koro en angʼo marach madatimne nyigagi, kata ne nyithindo ma ginywolo?
Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka?
44 Bi, mondo watim singruok, in kod an, kendo we obed kaka ranyisi e kindwa kodi.”
Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.”
45 Omiyo Jakobo nokawo kidi mochunge ka siro.
Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru.
46 Nowacho ne wedene niya, “Chokuru kite moko.” Kuom mano negikawo kite kendo negichokogi pith mine gichiemo but pidhno.
Akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi.
47 Laban nochako nying kanyo ni Jegar-Sahadutha; kendo Jakobo nochake ni Galeed.
Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi.
48 Laban nowacho niya, “Pidhni en janeno e kinda kodi kawuono!” Mano emomiyo iluonge ni Galeed.
Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi.
49 Bende kanyo nochak ni Mizpa (tiende ni kar ngʼicho), nikech Laban nowacho niya, “Mad Jehova Nyasaye bed jarit e kinda kodi ka wan mabor.
Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure.
50 Ka isando nyiga kata ikendo nyiri mamoko bangʼ nyigagi, kata obedoni onge janeno kae, to ngʼe malongʼo ni Nyasaye e janeno e kindwa.”
Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.”
51 Laban nomedo wacho ne Jakobo niya, “Ne pidhni kendo ne sironi maseketo e kinda kodi.
Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni.
52 Pidhni kata sironi gin joneno ni ok nakadh pidhni mondo amonji kendo in bende ok nikadh pidhni kata sironi mondo imonja.
Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza.
53 Mad Nyasach Ibrahim, kod Nahor, gi Nyasach kwereni obed jangʼad bura e kindwa.” Omiyo Jakobo notimo kwongʼruok e nying Nyasach Isaka wuon-gi.
Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka.
54 Notimo misango e godno kendo noluongo wedene e nyasino. Bangʼ kane gisechiemo, ne ginindo kanyo.
Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya vakavatapo usiku ihwohwo.
55 Kiny ne gokinyi mangʼich, Laban nogone nyige gi nyikwaye oriti kendo nogwedhogi. Eka nowuok modok dala.
Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.

< Chakruok 31 >