< 2 Samuel 12 >

1 Jehova Nyasaye nooro Nathan ir Daudi. Kane ochopo ire nowachone niya, “Ne nitie ji ariyo moko e dala moro; achiel ne jamoko to machielo nodhier.
Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pane varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo.
2 Jamoko ne nigi rombe mangʼeny gi dhok,
Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji,
3 to ngʼat modhier to ne onge gimoro makmana nyarombo ma sibini achiel mane osengʼiewo. Norite maber mana kaka norito nyithinde owuon. Nyarombono nopogone chiembe mochamo, ne omodho e okombene kendo nonindo e bade. Ne ochalne mana ka nyathine ma nyako.
asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya pamwe chete naye, richinwira pamukombe waayinwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari.
4 “Koro jawuoth moro nobiro ir jamoko-cha, to jamokono ne ok okawo achiel kuom rombe kata dhoge mondo oyangʼ ni jawuodhno mane obiro ireno. Kata kamano, nyarombo ma sibini mar jadhierno ema noyangʼone wendo mane obiro ire.”
“Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.”
5 Mirima malich ne omako Daudi gi ngʼatno mowachone Nathan niya, “Akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima ni ngʼat mane otimo kama owinjore otho!
Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa!
6 Nyaka ochul kar rombono moloyo nyadingʼwen, nikech ne otimo gima chalo kama, ka chunye onge gi kech.”
Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai akasava netsitsi.”
7 Eka Nathan nodimbo wach ne Daudi niya, “In e ngʼatno! Ma e gima Jehova Nyasaye, ma Nyasach Israel wacho: ‘Ne awiri mondo ibed ruoth Israel, ne agoli e lwet Saulo.
Ipapo Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndimi munhu uyo! Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo weIsraeri, uye ndakakununura kubva paruoko rwaSauro.
8 Ne amiyi od ruodhi mondo obed mari, kendo naketo monde ruodhi e lweti. Ne amiyi dhout Israel gi dhood Juda. To ka magi ne ok oromi to pod ne anyalo miyi moko.
Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve.
9 Angʼo momiyo isechayo wach Jehova Nyasaye ka itimo gima rach machal kama e wangʼe? Ne inego Uria ja-Hiti gi ligangla mi ikawo chiege mondo obed mari iwuon. Ne inege gi ligangla jo-Amon.
Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni.
10 Kuom mano, negruok gi ligangla ok norum e odi, nikech ne ichaya mi ikawo chi Uria ja-Hiti mobedo mari iwuon.’
Naizvozvo, munondo hauchazobvi mumba mako, nokuti wakandizvidza uye ukatora mukadzi waUria muHiti kuti ave wako.’
11 “Ma e gima Jehova Nyasaye wacho: ‘Anakelni masira kowuok e odi iwuon. Mana kineno kama gi wangʼi iwuon abiro kawo mondi kendo miyogi achiel kuom joma chiegni kodi, kendo obiro terore kod mondegi odiechiengʼ alanga.
“Zvanzi naJehovha: ‘Kubva mumba mako chaimo ndichauyisa njodzi pamusoro pako. Ndichatora vakadzi vako iwe wakatarira ndigovapa kuno mumwe ari pedyo newe, uye acharara navo masikati machena.
12 Nitimo gino apanda, to an abiro timo ma odiechiengʼ alanga e nyim jo-Israel.’”
Iwe wakaita muchivande, asi ini ndichazviita masikati machena pamberi peIsraeri yose.’”
13 Eka Daudi nowachone Nathan niya, “Asekethone Jehova Nyasaye.” Nathan nodwoko niya, “Jehova Nyasaye oseweyoni richoni. Ok ibi tho.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Jehovha.” Natani akapindura akati, “Jehovha akuregerera chitadzo chako. Haungafi hako kwete.
14 To nikech gima isetimo, isemiyo jowasigu ojaro Jehova Nyasaye, omiyo wuodi monywolno biro tho.”
Asi nokuda kwokuti waita izvi, waita kuti vavengi vaJehovha vamuzvidze kwazvo, mwanakomana uyu wauchaberekerwa achafa.”
15 Bangʼ kane Nathan osedhi dala, Jehova Nyasaye nogoyo nyathi ma chi Uria nosenywolo ni Daudi gi tuo.
Mushure mokunge Natani adzokera kumba, Jehovha akarova mwana akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUria, akabva arwara.
16 Daudi nolamo Nyasaye mondo kik nyathi tho. Notweyo chiemo kendo nodhi e ode mi onindo piny e lowo otieno ka otieno.
Dhavhidhi akanyengeterera mwana kuna Mwari. Akatsanya uye akapinda mumba make akapedza usiku nousiku akarara pasi.
17 Jodongo mag ode nochungʼ bathe mondo gichunge owe nindo piny e lowo, to notamore, kendo ne ok onyal chamo chiemo moro amora.
Vakuru veimba yake vakamira paakanga ari, vachida kuti amuke pasi paakanga ari, asi iye akaramba, uye haana kuda kuti adye navo.
18 To chiengʼ mar abiriyo nyathi notho, jotij Daudi ne luor nyise ni nyathi osetho, nikech negiparo niya, “Kane nyathi pod ngima, ne wawuoyo gi Daudi to ne ok owinjowa. Koro to wadhi wacho ne nangʼo ka nyathi osetho? Onyalo timo gimoro marach.”
Pazuva rechinomwe mwana akafa. Varanda vaDhavhidhi vakatya kumuudza kuti mwana akanga afa, nokuti vakafunga kuti, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, takataura naDhavhidhi asi haana kuda kutiteerera. Zvino tichamuudza sei kuti mwana afa? Achazvikuvadza zvikada.”
19 Daudi noneno ka jotije kuodho wach kendgi mine ongʼeyo ni nyathi osetho. Nopenjo niya, “Nyathi osetho?” Negidwoke niya, “Ee, osetho.”
Dhavhidhi akaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana ndokubva aziva kuti mwana akanga afa. Akabvunza akati, “Mwana afa kanhi?” Vakapindura vakati, “Hongu afa.”
20 Daudi noa malo e lowo. Kane oseluokore, nowirore gi mo moloko lewni mane orwako, nodhi e od Jehova Nyasaye mi olemo. Bangʼe nodhi e ode owuon, mine okwayo chiemo momiye mochamo.
Ipapo Dhavhidhi akamuka pasi paakanga ari. Mushure mokunge ashamba, akazora mafuta, uye akapfeka zvimwe zvipfeko, akapinda mumba maJehovha akanamata. Ipapo akaenda kumba kwake, akakumbira zvokudya vakamupa, akadya.
21 Jotije nopenje niya, “Itimori kama nangʼo? Kane nyathi pod ngima, ne itweyo chiemo kendo ne iywak. To ka nyathi koro osetho, to ichungʼ kendo ichiemo!”
Varanda vake vakamubvunza vakati, “Ko, muri kuitirei zvinhu zvakadai? Mwana paakanga achiri mupenyu makatsanya uye mukachema, asi zvino mwana afa, momuka modya!”
22 Nodwokogi niya, “Kane nyathi pod ngima ne atweyo chiemo kendo aywak. Nikech ne aparo ni, ‘Ngʼama dingʼe? Dipo ka Jehova Nyasaye nyalo timona ngʼwono miwe nyathi obed mangima.’
Iye akapindura akati, “Apo mwana paakanga achiri mupenyu, ndakatsanya uye ndikachema. Ndaifunga kuti, ‘Ndiani anoziva? Zvimwe Jehovha angandinzwira nyasha akaita kuti mwana ararame.’
23 To nikech koro osetho, angʼo dimi atwe chiemo? Bende daduoge obed mangima? An ema abiro dhi ire to en ok onyal duogo ira.”
Asi zvino zvaafa, ndichatsanyireiko? Ko, ndingamudzosazve here? Ini ndichaenda kwaari, asi iye haangadzoki kwandiri.”
24 Daudi nohoyo Bathsheba chiege, nodhi ire mobedo kode e achiel. Nonywolo wuowi kendo negichake ni Solomon. Jehova Nyasaye ne ohere;
Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda;
25 kendo nikech Jehova Nyasaye nohere, nomiyo Nathan janabi wach ni mondo ochake ni Jedidia.
uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia.
26 Kata kamano Joab nodhi nyime kedo gi Raba e piny jo-Amon kendo nomako kar ruoth mochiel motegno.
Zvino Joabhu akandorwa naRabha wavaAmoni uye akatora nhare yamambo.
27 Joab nooro joote ir Daudi, kowacho niya, “Asekedo gi Raba ma amako kargi mar pi.
Ipapo Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti, “Ndarwisa Rabha ndikatora nzvimbo inobva mvura yeguta iri.
28 Koro bi gi jolweny duto mondo ilwor dala maduongʼ kendo ikawe. Ka ok kamano to abiro kawo dala maduongʼno kendo ibiro luonge gi nyinga.”
Naizvozvo unganidzai varwi vose mukombe guta mugorikunda. Zvikasadaro ini ndichatora guta, uye rinozotumidzwa zita rangu.”
29 Omiyo Daudi nochoko jolweny duto modhigo Raba mi omonje kendo okawe.
Naizvozvo Dhavhidhi akaunganidza hondo yose ndokubva aenda kuRabha, akandorirwisa akaritora.
30 Nogolo osimbo mar duongʼ ewi ruodhgi, ma pek dhahabu mane olosego ne romo kilo piero adek gangʼwen kendo noduse gi kite ma nengogi tek mi osidhne Daudi. Noyako gik mangʼeny e dala maduongʼno
Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chete uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri
31 kendo nokawo ji duto mane ni e dalano, moketogi e tij ngʼeto gi musimeno kod tiyo gi chumbe gi ledhi; bende ne oketogi jolos matafare. Notimo ma ni mier duto mag jo-Amon. Eka Daudi gi jolwenje duto nodok Jerusalem.
uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema.

< 2 Samuel 12 >