< 1 Samuel 3 >
1 Wuowino miluongo ni Samuel ne tiyo e nyim Jehova Nyasaye e bwo Eli. E kindeno wach Jehova Nyasaye ne nok kendo ne onge fweny mangʼeny.
Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.
2 Eli makoro wengene ne osechako imore kendo ne ok onyal neno maber, noyudo nindo e kare mapile.
Rimwe zuva usiku, Eri akanga akavata panzvimbo yake yamazuva ose, uye meso ake akanga oonera madzerere, asisagoni kuona zvakanaka.
3 To taya mar Nyasaye ne pok otho, Samuel bende ne nindo ei hekalu mar Jehova Nyasaye, kama Sandug Muma mar Nyasaye ne nitie.
Mwenje waMwari wakanga usati wadzimwa, uye Samueri akanga akarara pasi mutemberi yaJehovha, maiva neareka yaMwari.
4 Eka Jehova Nyasaye noluongo Samuel. Samuel nodwoko niya, “Era ee.”
Ipapo Jehovha akadana Samueri. Samueri akadavira achiti, “Ndiri pano.”
5 Eka noringo odhi ir Eli mowacho niya, “Era ee; nikech ne iluonga.” To Eli nowachone niya, “Ne ok aluongi dog inindi.” Omiyo nodok monindo.
Akamhanya kuna Eri akasvikoti, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana; dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara.
6 Kendo Jehova Nyasaye nochako oluongo niya, “Samuel!” Eka Samuel nochungʼ modhi ir Eli mowachone niya, “Era ee, nikech ne iluonga.” Eli nowachone niya, “Wuoda, an ne ok aluongi dog inindi.”
Jehovha akadana zvakare achiti, “Samueri!” Uye Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Eri akati, “Mwanakomana wangu, handina kukudana; dzokera unorara.”
7 E kindeno Samuel ne pod ok ongʼeyo Jehova Nyasaye nikech wach Jehova Nyasaye ne pok ofwenyorene.
Zvino Samueri akanga asati aziva Jehovha. Shoko raJehovha rakanga risati razarurirwa kwaari.
8 Jehova Nyasaye ne ochako oluongo Samuel mar adek kendo Samuel noa malo modhi ir Eli mowachone niya, “Era ee nikech iluonga.” Eka Eli nofwenyo ni kara Jehova Nyasaye ema, luongo wuowino.
Jehovha akadana Samueri kechitatu, Samueri akasimuka akaenda kuna Eri akati, “Ndiri pano, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaona kuti Jehovha akanga achidana mukomana uyu.
9 Omiyo Eli nowacho ni Samuel niya, “Dhiyo inindi, to ka oluongi to iwach ni, ‘Wuo Jehova Nyasaye, nikech jatichni winjo.’” Samuel ne odok monindo kare.
Saka Eri akaudza Samueri kuti, “Enda unorara pasi, kana akakudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu akateerera.’” Saka Samueri akaenda akandorara pasi, panzvimbo yake.
10 Jehova Nyasaye nobiro mochungʼ kanyo moluongo kaka nosebedo kotimo, “Samuel! Samuel!” Samuel nowachone niya, “Wuo nikech jatichni winjo.”
Jehovha akauya akamirapo, akadana sapanguva dzimwe dzose achiti, “Samueri! Samueri!” Ipapo Samueri akati, “Taurai, nokuti muranda wenyu akateerera.”
11 Eka Jehova Nyasaye nowachone Samuel niya, “Ne adhi timo gimoro e Israel mabiro miyo ji duto mowinjo itgi nosakni.
Zvino Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndava kuda kuita chimwe chinhu muIsraeri chichaita kuti nzeve dzavose vanochinzwa dziunge.
12 E kindeno abiro chopo weche mane awacho kuom Eli ka akwede kod mane awacho kuom ode aa chakruok nyaka giko.
Panguva iyoyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake kubva kumavambo kusvika kumagumo.
13 Nimar ne anyise ni abiro ngʼado bura ne joode nyaka chiengʼ nikech richono mane ongʼeyo, yawuote ne timo timbe maricho, to ne ok okwerogi.
Nokuti ndakamuudza kuti ndichatonga mhuri yake nokusingaperi nokuda kwechivi chaaiziva pamusoro pacho, vanakomana vake vakazvigadzirira kutukwa asi iye haana kuvadzora.
14 Emomiyo nasingora ne dhood Eli ni, ‘Richogi ok nyal pwodh gi misango kata chiwo.’”
Naizvozvo ndakatsidza kuimba yaEri ndichiti, ‘Mhosva yeimba yaEri haingayananisirwi nechibayiro kana nechipo.’”
15 Samuel nonindo nyaka okinyi eka noyawo dhoudi mag od Jehova Nyasaye. Noluor wacho ne Eli fweny,
Samueri akarara kusvika mangwanani uye akazozarura misuo yeimba yaJehovha. Akatya kuudza Eri chiratidzo chake,
16 to Eli noluonge mowachone niya, “Samuel wuoda.” Samuel nodwoke niya, “Era ee.”
asi Eri akamudana akati, “Samueri, mwanakomana wangu.” Samueri akapindura akati, “Ndiri pano.”
17 Eli nopenje niya, “En angʼo mane owachoni? Kik ipanda wach. Mad Nyasaye chwadi matek ka dipo ni ipandona gimoro amora ma onyisi.”
Eri akabvunza akati, “Wakaudzweiko naJehovha? Usandivanzira hako. Mwari ngaakurange zvakanyanya kana ukandivanzira kana chinhu chimwe zvacho chaakakuudza.”
18 Omiyo Samuel nonyise weche duto ma ok opandone gimoro. Eka Eli nowachone niya, “En e Jehova Nyasaye, we otim gima oneno ni longʼone.”
Saka Samueri akamuudza zvose, akasamuvanzira chinhu. Ipapo Eri akati, “NdiJehovha, regai aite zvaanoona zvakanaka.”
19 Jehova Nyasaye ne ni kod Samuel kaka nomedo dongo kendo weche duto mane owacho onge mane kadho ma ok otimore kamano.
Samueri akakura uye Jehovha aiva naye; uye Jehovha haana kurega kunyange shoko rake rimwe chete richiwira pasi.
20 Jo-Israel duto koa Dan nyaka Bersheba, nofwenyo ni Samuel oseromo bedo janabi mar Jehova Nyasaye.
Uye Israeri yose kubva kuDhani kusvika kuBheerishebha vakaziva kuti Samueri akanga asimbiswa somuprofita waJehovha.
21 Jehova Nyasaye nomedo fwenyore e Shilo kendo kanyo ne ofwenyore owuon ne Samuel kuom wachne.
Jehovha akaramba achionekwa paShiro, uye ipapo akazviratidza kuna Samueri kubudikidza neshoko rake.