< 1 Samuel 26 >
1 Jo-Zif nodhi Gibea ir Saulo ma giwachone niya, “Donge Daudi opondo ewi got Hakila momanyore gi Jeshimon?”
VaZifi vakaenda kuna Sauro paGibhea vakati, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pachikomo cheHakira, chakatarisana neJeshimoni here?”
2 Eka Saulo nodhi mwalo e piny motimo ongoro e Zif, nodhi gi joge alufu adek, jo-Israel moyier, mondo odwar Daudi kuno.
Saka Sauro akaburuka akaenda kuRenje reZifi, ana varume zviuru zvitatu vakanga vasarudzwa pakati pavaIsraeri, kuti vandotsvaka Dhavhidhi ikoko.
3 Saulo noloso kambine but yo man e got Hakila momanyore gi Jeshimon, Daudi to ni kama otwo ma otimo ongoro. Kane oneno ni Saulo noseluwe kuno,
Sauro akaita musasa wake parutivi pomugwagwa uri pachikomo cheHakira chakatarisana neJeshimoni, asi Dhavhidhi akanga achigara murenje. Akati achiona kuti Sauro akanga amutevera imomo,
4 ne ooro jombetre mane ongʼeyo ratiro ni Saulo nosechopo.
akatuma vasori akanzwa kuti Sauro akanga asvika, zvirokwazvo.
5 Eka Daudi nowuok modhi kuma Saulo nojotie. Noneno kama Saulo gi Abner wuod Ner ma jatend jolwenje, noyudo osenindoe. Saulo ne nindo ei kambi, ka jolweny olwore.
Ipapo Dhavhidhi akasimuka akaenda kunzvimbo kwakanga kwadzikwa musasa naSauro. Akaona pakanga pakavata Sauro naAbhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo. Sauro akanga akavata mukati momusasa, uye varwi vakavaka misasa yavo vakamupoteredza.
6 Daudi nopenjo Ahimelek ja-Hiti gi Abishai wuod Zeruya, mowadgi Joab niya, “Ngʼama biro dhi koda mwalo e kambi ir Saulo?” Abishai nowacho niya, “Abiro dhi kodi.”
Ipapo Dhavhidhi akabvunza Ahimereki muHeti naAbhishai mwanakomana waZeruya, mununʼuna waJoabhu akati, “Ndianiko achapinda neni mumusasa kuna Sauro?” Abhishai akati, “Ndichaenda nemi.”
7 Daudi gi Abishai nodhi ir jolweny gotieno, Saulo nonindo kanyo e kambi kochwoyo tonge piny yo ka wiye. Abner gi jolweny nonindo kolwore.
Saka Dhavhidhi naAbhishai vakaenda kuvarwi usiku, uye vakawana Sauro avete mukati momusasa, pfumo rake rakabayirwa pasi pedyo nomusoro wake. Abhineri navarwi vakanga vavete vakamupoteredza.
8 Abishai nowachone Daudi niya, “Kawuono Nyasaye oseketo jasiki e lweti. Koro yiena mondo achwowe dichiel gi tonga; ok abi chwowe diriyo.”
Abhishai akati kuna Dhavhidhi, “Nhasi Mwari aisa muvengi wenyu mumaoko enyu. Zvino regai ndimubayire pasi kamwe chete nepfumo rangu; handimbomubayi kaviri.”
9 To Daudi nowachone Abishai niya, “Kik inege! En ngʼa manyalo keto lwete kuom ngʼat Jehova Nyasaye mowir ma ok oket ne bura?”
Asi Dhavhidhi akati kuna Abhishai, “Usamuparadza! Ndianiko angagona kutambanudza ruoko rwake pamuzodziwa waJehovha akashaya mhosva?
10 Nowacho niya, “Akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima, ni Jehova Nyasaye owuon ema nonege; kata ndalone chiengʼ moro nochopi mi otho kata nodhi e lweny mi notho kuno.
Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Jehovha pachake ndiye achamuuraya; zvimwe nguva yake ichasvika uye achafa, kana kuti achaenda kuhondo agofa.
11 To Jehova Nyasaye ok diyiena ni mondo ater lweta kuom ngʼat Jehova Nyasaye mowir. Koro kaw tongʼ gi puga mar pi machiegni gi wiye kaeto wadhi.”
Asi Jehovha ngaandidzivise kuti ndirege kutambanudzira ruoko rwangu kumuzodziwa waJehovha. Zvino chitora pfumo nechirongo chemvura zviri pedyo nomusoro wake tiende.”
12 Omiyo Daudi nokawo tongʼ kod puga mar pi mane nitie machiegni gi wi Saulo kendo negidhi. Onge ngʼama nonenogi kata mane ongʼeyo wachno, bende onge ngʼama ne ochiewo. Giduto ne ginindo, nikech Jehova Nyasaye nomiyogi nindo matut.
Saka Dhavhidhi akatora pfumo nechirongo chemvura pedyo nomusoro waSauro, ivo ndokubvapo. Hakuna akaona kana kuziva nezvazvo, uye hakuna kana akamuka. Vose vakanga vavete, nokuti Jehovha akanga avapa hope huru.
13 Eka Daudi nongʼado modhi loka machielo mochungʼ ewi got kuma bor; ne odhi mochwalore kodgi; ne nitie thuolo malach e kindgi.
Ipapo Dhavhidhi akayambuka akaenda kuno rumwe rutivi akandomira pamusoro pechikomo, chinhambwe chiri kure; pakanga pane nzvimbo yakafara pakati pavo.
14 Nopenjo jolweny kod Abner wuod Ner niya, “Bende unyalo dwoka, Abner?” Abner nodwoke niya, “In ngʼa maluongo ruoth?”
Akadanidzira kuvarwi nokuna Abhineri mwanakomana waNeri akati, “Abhineri haundidaviri here?” Abhineri akapindura akati, “Ndiwe aniko unodanidzira kuna mambo?”
15 Daudi nopenjo Abner niya, “Donge in ngʼama dichwo? To ere ngʼama chal kodi e Israel? Angʼo momiyo ne ok irito ruodhi ma en ruoth? Ngʼato nobiro mondo oneg ruodhi ma ruoth.
Dhavhidhi akati, “Uri murume, handizvo here? Uye ndianiko akaita sewe muIsraeri? Ko, wakaregererei kurinda ishe wako iye mambo? Mumwe akasvika kuzoparadza ishe wako iye mambo.
16 Gima isetimo ok ber. Akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima ni in kod jogi uwinjoru gi tho, nikech ne ok urito ruodhu ma ngʼat Jehova Nyasaye mowir. Ranguru anena, ere tongʼ mar ruoth gi puga mar pi mane nitiere machiegni gi wiye?”
Zvawaita hazvina kunaka. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe navanhu vako munofanira kufa, nokuti hamuna kurinda tenzi wenyu, iye muzodziwa waJehovha. Chitarira pauri. Ko, pfumo ramambo nechirongo chavo zvakanga zviri pedyo nomusoro wavo zviripi?”
17 Saulo nochamo dwond Daudi mowacho niya, “Mano en dwondi Daudi wuoda?” Daudi nodwoke niya, “Ee mano dwonda ruodha ma ruoth.”
Sauro akaziva inzwi raDhavhidhi akati, “Ko, inzwi rako here Dhavhidhi mwanakomana wangu?” Dhavhidhi akapindura akati, “Hongu ndiro, ishe wangu mambo.”
18 Kendo nomedo wacho niya, “Angʼo momiyo ruodha lawo jatichne? Angʼo masetimo, rach mane madimi abed jaketho?
Akatizve, “Seiko ishe wangu achidzinganisa muranda wake? Ndakaiteiko, uye mhosva yandakapara ndeipiko?
19 Koro ruoth ma ruodha oyie owinj weche ma jatije wacho. Ka diponi Jehova Nyasaye ema thuya kodi, to madoyie okaw misango. To ka dipo ni ji ema timo mano to mondo okwongʼ-gi e nyim Jehova Nyasaye! Koro giseriemba mondo kik ayud girkeni ma Jehova Nyasaye omiya kagiwacho ni, ‘Dhi iti ne nyiseche mamoko.’
Zvino ishe wangu mambo ngaateerere mashoko omuranda wake. Kana Jehovha akakukurudzirai kuti muzorwa neni, zvino ngaagamuchire chipiriso. Kana, zvakadaro hazvo, vari vanhu vakazviita, ngavatukwe pamberi paJehovha! Vakandidzinga zvino pamugove wangu panhaka yaJehovha vakati, ‘Enda undoshumira vamwe vamwari.’
20 Koro yie mondo remba kik oo piny kuma bor gi kama Jehova Nyasaye nitie. Ruodh Israel osewuok mondo odwar kikun mana kaka ngʼato dwaro winyo e gode.”
Zvino ropa rangu ngarirege kuteukira pasi kure naJehovha. Mambo waIsraeri akabuda kuti azotsvaka nhata, somunhu anovhima chikwari mumakomo.”
21 Eka Saulo nowacho niya, “Asetimo marach, omiyo duogi, Daudi wuoda. Nikech ne ineno ni ngimana ber kendo owinjore bedie kawuono. Ok nachak atem mondo ahinyi kendo. Adieri asetimo tim ngʼat mofuwo kendo aseketho marach.”
Ipapo Sauro akati, “Ndakatadza. Dzoka, Dhavhidhi mwanakomana wangu. Nokuti waona kukosha kwoupenyu hwangu nhasi, handichaedzi kukuuraya zvakare. Zvirokwazvo ndakaita sebenzi uye ndakatadza zvikuru.”
22 Daudi nodwoko niya, “Tongʼ mar ruoth eri ni ka. Or achiel kuom yawuowi obi oome.
Dhavhidhi akati, “Heri pfumo ramambo. Regai mumwe wamajaya enyu auye kuno azoritora.
23 To Jehova Nyasaye chiwo pok ne ngʼato ka ngʼato moromore gi ratiche gi timne makare. Kawuono Jehova Nyasaye nochiwi e lweta to ne ok anyal keto lweta kuom ngʼat Jehova Nyasaye mowir.
Jehovha anoripira munhu mumwe nomumwe nokuda kwokururama kwake uye nokutendeka kwake. Jehovha akuisai mumaoko angu nhasi, asi handina kuda kutambanudzira ruoko rwangu pamuzodziwa waJehovha.
24 Mana kaka ngimani nelongʼona kawuono, mad ngimana bende bed malongʼo ni Jehova Nyasaye mondo oresa e chandruok duto.”
Zvirokwazvo sezvandakoshesa upenyu hwenyu nhasi, saizvozvo Jehovha ngaakoshese upenyu hwangu agondiponesa pamatambudziko ose.”
25 Eka Saulo nowachone Daudi niya, “Mad gwedhi wuoda Daudi; ibiro timo gik madongo adieri inilochi.” Bangʼ mano Daudi nodhi yore, to Saulo nodok dala.
Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Iwe uropafadzwe, mwanakomana wangu Dhavhidhi; iwe uchaita zvinhu zvikuru uye zvirokwazvo uchakunda.” Saka Dhavhidhi akaenda hake, uye Sauro akadzokera kumusha.