< 1 Samuel 25 >
1 Koro Samuel notho, kendo Israel duto nochokore moywage; mine giike e dalane Rama. Bangʼe Daudi nowuok molor piny e Thim Paran.
Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama. Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni.
2 Ne nitie ngʼat moro e piny Maon mane nigi mwandu Karmel, ne en jamoko ahinya. Ne en gi diek alufu achiel gi rombe alufu adek, mane ongʼado yiegi e Karmel.
Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri.
3 Ne iluonge ni Nabal to chiege ne iluongo ni Abigael. Ne en dhako mariek kendo ne ojaber, to chwore ne ja-dhood Kaleb, ne en ngʼama koch, jagwondo kendo ma timbene richo.
Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.
4 Kane Daudi ni e thim, nowinjo ni Nabal ngʼado yie rombe.
Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake.
5 Omiyo nooro yawuowi apar mowachonegi niya, “Dhiuru Karmel ir Nabal mondo umosnago.
Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu.
6 Wachneuru ni, ‘Idag amingʼa! Ngimani bende obed maonge tuoche in kaachiel gi odi! Kendo gigi duto obed gi ngima maber!
Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose!
7 “‘Koro asewinjo ni ingʼado yie rombi e kindeni. Kane jokwadhi ni kodwa, to ne ok watimonegi marach, kendo e kinde duto mane gin Karmel onge girgi manolal.
“‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika.
8 Penj jotiji iwuon kendo gibiro nyisi. Omiyo tim tim ngʼwono ne yawuota ma aorogo kaka wabiro e kinde mag mor. Yie imi wasumbinigi gi wuodi Daudi gimoro amora minyalo miyogi.’”
Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’”
9 Kane jo-Daudi ochopo neginyiso Nabal wach ote Daudi, eka negirito.
Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.
10 Nabal nodwoko jotich Daudi niya, “Daudi-ni to en ngʼa? Wuod Jesseni to en ngʼa? Jotich mangʼeny ndaloni ngʼanyo ne ruodhigi.
Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya.
11 Angʼo momiyo dakaw kuona gi piga to gi ringa ma aseyangʼo ne jongʼadna yie rombe mondo ami joma akia kuma oaye?”
Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”
12 Jo-Daudi nowichore mi odok. Kane gichopo, neginyiso Daudi weche duto.
Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose.
13 Daudi nowachone joge niya, “Kawuru liganglau!” Omiyo negikawo liganglagi Daudi bende nokawo mare. Ji madirom mia angʼwen nodhi gi Daudi, to mia ariyo nodongʼ karito gigegi.
Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.
14 Achiel kuom jotich nonyiso chi Nabal ma Abigael niya, “Daudi nooro joote koa e thim mondo obi omos jaduongʼwa, to nobayonegi wach.
Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka.
15 Kata kamano jogi noritowa maber ahinya. Ne ok gitimonwa marach, to bende e kinde mane wan oko e pap kodgi onge gimoro mane olal.
Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu.
16 Otieno gi odiechiengʼ ne gibedonwa ka ohinga molworowa kinde duto ka wakwayo rombewa butgi.
Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo.
17 Koro par ane wach kendo ne gima inyalo timo, nikech chandruok dhi biro ne ruodhwa gi joge duto. Nikech en ngʼat ma achach maonge ngʼama nyalo wuoyo kode.”
Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”
18 Abigael ne ok oketho seche. Nokawo makati mia ariyo, ndede ariyo mar divai, rombe abich moyangʼ gi chamb aloda madirom kilo piero adek gabiriyo, olemb raisin mongʼin maromo mia achiel, gi olemb ngʼowu molos mopamore moromo mia ariyo, eka noketogi e punde.
Abhigairi haana kupedza nguva. Akatora mazana maviri ezvingwa, matende amatehwe ewaini maviri, makwai akavhiyiwa mashanu, zviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, mazana mashanu amakeke amazambiringa akaoma uye mazana maviri amakeke amaonde akasvinwa, akazvitakudza mbongoro.
19 Eka nowachone jotije niya, “Dhiuru nyime an abiro bangʼu.” To ne ok onyiso chwore ma Nabal.
Ipapo akataura kuvaranda vake akati, “Chitungamirai; ini ndichakuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
20 Kane oyudo odhi koidho pundane e hoho manie got, to nyime kanyo noneno Daudi gi joge kalor e got biro kochome kendo noromo kodgi.
Akati achiuya akatasva mbongoro yake pamupata wegomo, vanaDhavhidhi navanhu vake vakaburuka vakananga kwaari, iye akasangana navo.
21 Daudi noyudo osewacho niya, “Kara ne en gima nono ka athagora gi rito mwandu ngʼatni e thim, maonge kata mana gire mane olal. To osechula mana rach kar ber mane atimone.
Dhavhidhi akanga achangobva kuti, “Zvirokwazvo ndakatamburirei kuchengetedza zvinhu zvose zvomunhu uyu murenje zvokuti hapana chinhu chake chakarasika. Andiripira nezvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka.
22 Mad Nyasaye kum Daudi malit ka dipo ni kiny piny orune ngʼato angʼata madichwo e dala maweyo kapod ngima!”
Mwari ngaarove Dhavhidhi, amurove kwazvo, kana mangwana mangwanani ndikasiya murume mumwe chete pavanhu vose vaanavo!”
23 Kane Abigael oneno Daudi nolor piyo koa e pundane mane oidho mine mokulore e nyim Daudi nyaka e lowo.
Abhigairi akati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake akakotama nechiso chake pamberi paDhavhidhi.
24 Nopodho piny e tiend Daudi mi owacho kama: “Ruodha we rach obed e wiya awuon. Kiyie to we jatichni owuo kodi; winj gima jatichni dwa wacho.
Akawira pamakumbo ake akati, “Ishe wangu, mhosva iyi ngaive kwandiri ndoga. Ndapota hangu regai murandakadzi wenyu ataure kwamuri; inzwai zvinoreva murandakadzi wenyu.
25 Mad ruodha mondo kik odew ngʼat ma achach ma Nabal. Ochalo mana gi nyinge, nyinge tiende ni ngʼat mofuwo, kendo otimo tim fuwo kuonde duto. An to ne ok aneno joma ne ruodha ooro.
Ishe wangu ngaarege kurangarira munhu uya akaipa, iye Nabhari. Akangoita sezita rake, zita rake rinoreva kuti Benzi, uye upenzi hunogara naye. Asi kana ndirini, murandakadzi wenyu, handina kuona vanhu vakanga vatumwa natenzi wangu.
26 “Emomiyo koro ruodha, Jehova Nyasaye oseriti mondo kik ichwer remo kendo mondo kik ichul kuor gi lweti to akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima kendo gi in iwuon ni mad wasiki kod ji duto machano timoni marach ochal gi Nabal.
“Zvino sezvo Jehovha akudzivisai, tenzi wangu, pakuteura ropa uye napakuzvitsivira namaoko enyu, zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uye noupenyu hwenyu, vavengi venyu navose vanoda kuitira tenzi wangu zvakaipa ngavafanane naNabhari.
27 Yie mondo michni, ma jatichni osekelo ni ruodha, mondo omi joma luwi.
Uye chipo ichi chauyiswa kuna tenzi nomurandakadzi wenyu ngachipiwe kuvanhu vanokuteverai.
28 “Yie iwene jatichni kethone, nimar Jehova Nyasaye nyaka nomi dhood ruodha loch mosiko, nikech okedo lwenje mag Jehova Nyasaye. Kik iyie ketho moro oyud kuomi kapod ingima.
Ndapota hangu regererai murandakadzi wenyu pakukanganisa kwake, nokuti Jehovha achaitira tenzi wangu imba youmambo yakasimba, nokuti iye anorwa hondo dzaJehovha. Kuita kwakaipa ngakurege kuwanikwa mamuri muupenyu hwenyu hwose.
29 Kata obedo ni ngʼato lawi mondo otiek ngimani, to ngima mar ruodha notwe motegno gi kanyakla mar joma ngima gi Jehova Nyasaye ma Nyasachi. To ngima wasiki to nowit mabor mana ka gima odir gorujre.
Kunyange hazvo mumwe munhu akakudzinganisai kuti akuurayei, upenyu hwatenzi wangu hucharamba hwakasungirirwa pachisote chavapenyu naJehovha Mwari wenyu. Asi upenyu hwavavengi venyu achahupotsera kure sohunobva muhomwe yechimviriri.
30 Kane Jehova Nyasaye osetimo ni ruodha gik mabeyo duto manosingone mi okete jatend jo-Israel,
Mushure mokunge Jehovha aitira tenzi wangu zvinhu zvose zvakanaka zvaakavimbisa pamusoro pake uye amugadza kuti ave mutungamiri weIsraeri,
31 to chuny ruodha ok nochandre nine ochwero remo mane ok onego chwer kata chulo kuor ne en wuon. To ka Jehova Nyasaye osemiyo ruodha loch to mondo ipar jatichni.”
tenzi wangu haangazovi nomutoro unorema pahana yake wokuteura ropa risina mhosva kana wokuzvitsivira pachake. Uye kana Jehovha akakundisa tenzi wangu, murangarire henyu murandakadzi wenyu.”
32 Daudi nowachone Abigael niya, “Pak obed ni Jehova Nyasaye, Nyasach Israel, moseori kawuononi mondo irom koda.
Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri, akutuma nhasi kuti uzosangana neni.
33 Mad gwedhi kuom ngʼado buchi maber kendo kuom gengʼa mondo kik achwer remo kawuononi mar chulo kuor gi lwetena awuon.
Uropafadzwe iwe nokuda kwokungwara kwako kwakanaka uye nokundiita kuti ndisateura ropa nhasi uye kuti ndisazvitsivira namaoko angu.
34 Ka ok kamano, to akwongʼora gi nying Jehova Nyasaye mangima ma Nyasach Israel, mosegengʼa mondo kik ahinyi, ka dine ok ibiro piyo mondo iromna, to dine ok odongʼ dichwo moro amora ka Nabal.”
Zvirokwazvo naJehovha Mwari waIsraeri mupenyu, iye andidzivisa kuti ndirege kukuuraya, zvimwe dai usina kukurumidza kusangana neni, hakuna murume pakati pavanhu vaNabhari anga achasiyiwa ari mupenyu mangwana chaiwo kuchiedza.”
35 Eka Daudi noyie mokawo gik mane osekelone mi owacho niya, “Dhi dala gi kwe. Asewinjo wecheni kendo aseyie gi kwayoni.”
Ipapo Dhavhidhi akagamuchira kubva muruoko rwake zvaakanga amuvigira akati, “Enda kumba norugare. Ndanzwa mashoko ako uye nechikumbiro chako.”
36 Ka Abigael nodhi ir Nabal ne en e ot kotimo Sawo maduongʼ ka mar ruoth. Ne omor ahinya bende ne omer. To ok nowachone gimoro nyaka piny noru.
Abhigairi akati adzokera kuna Nabhari, akanga ari mumba achiita mutambo wakafanana nowamambo. Mwoyo wake wakanga wakafara kwazvo uye akadhakwa. Saka haana chaakamuudza kusvikira mangwana.
37 To ka nochopo okinyi ka Nabal kongʼo noserumo e wangʼe, chiege nowachone gik moko duto, mi chunye notho mochalo ka kidi.
Ipapo mangwanani, Nabhari paakanga asina kudhakwa, mukadzi wake akamuudza zvinhu zvose izvi, mwoyo wake ukaneta uye ukaita sedombo.
38 Bangʼ ndalo apar, eka Jehova Nyasaye nogoyo Nabal mi notho.
Shure kwamazuva anenge gumi, Jehovha akarova Nabhari akafa.
39 Kane Daudi owinjo ni Nabal osetho, nowacho niya, “Pak obed ne Jehova Nyasaye, mosechulo kuor kuom ajara mane Nabal ojarago. Osegengʼo jatichne mondo kik otim marach mi oseketo timbene maricho e wiye owuon.” Eka Daudi nooro wach ne Abigael, kopenje mondo obed chiege.
Dhavhidhi akati anzwa kuti Nabhari akanga afa, akati, “Jehovha ngaakudzwe, iye akanditsivira mhosva yangu pamusoro paNabhari uyo akandizvidza. Akadzivisa muranda wake kuti arege kuita zvakaipa uye auyisa kuipa kwaNabhari pamusoro pake.” Ipapo Dhavhidhi akatuma shoko kuna Abhigairi, achimukumbira kuti ave mukadzi wake.
40 Jotichne ne odhi Karmel mowachone Abigael niya, “Daudi oseorowa iri mondo wateri ire idhi ibed chiege.”
Varanda vake vakaenda kuKarimeri vakati kuna Abhigairi, “Dhavhidhi atituma kwamuri kuti tikutorei kuti muve mukadzi wake.”
41 Nokulore piny ka okulo wiye piny auma mochopo e lowo mine owacho, “Jatichni madhako nika, oikore mar tiyonu kendo luoko tiend jotich ruodha.”
Akakotamisa chiso chake pasi akati, “Houno murandakadzi wenyu, akazvigadzirira kukushumirai nokushambidza tsoka dzavaranda vatenzi wangu.”
42 Abigael noidho punda piyo piyo ka jotije abich hike kendo rite, negidhi gi joote Daudi mobedo chiege.
Abhigairi akakurumidza kutasva mbongoro akaenda navarandakadzi vake vashanu, vakaenda nenhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi waDhavhidhi.
43 Daudi noyudo osekendo Ahinoam ma nyar Jezreel, to giduto ne gin mond Daudi.
Dhavhidhi akanga awanazve Ahinoami muJezireeri, uye vose vakava vakadzi vake.
44 To Saulo nosekawo nyare ma Mikal, mane chi Daudi mi omiyo Paltiel wuod Laish mane ja-Galim.
Asi Sauro akanga apa mwanasikana wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi, kuna Paritieri mwanakomana waRaishi, akanga achibva kuGarimi.