< 1 Samuel 10 >

1 Eka Samuel nokawo tungʼ mar mo mi oolo ewi Saulo eka nonyodhe mowacho niya, “Donge Jehova Nyasaye osewiri mondo ibed jatelo ne joge moyiero.
Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake?
2 Kawuononi ka iseweya ibiro romo gi ji ariyo machiegni gi liend Rael e gwengʼ Zelza e tongʼ jo-Benjamin. Gibiro wachoni ni, ‘Punde mane iwuok idhi dwaro oseyudi. Kendo wuonu oseweyo parogi koro chunye chandore ni wachne kopenjo niya, “Abiro timo angʼo ne wach wuodani?”’
Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?”’
3 “Eka ibiro wuok kanyo midhi nyaka yath maduongʼ man Tabor. Ji adek mawuotho kadhi Bethel ir Nyasaye norom kodi kanyo. Achiel kuomgi biro biro kotingʼo nyidiek adek, to machielo biro tingʼo makati adek, to machielo to otingʼo ndede mar divai.
“Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini.
4 Gibiro mosi kendo miyi makati ariyo, mibiro kawo kuomgi.
Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari.
5 “Bangʼ mano ibiro dhi Gibea miluongo ni Got mar Nyasaye kama nitie kambi mar jo-Filistia. Ka ichopo machiegni gi dala to ibiro romo gi oganda jonabi kalor koa kar lemo kotelnegi gi joma goyo orutu, gi tamborin, asili gi nyatiti, kendo jonabi biro biro ka gikoro wach.
“Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita.
6 Roho mar Jehova Nyasaye nobi kuomi gi teko, inikor kaachiel kodgi kendo noloki mibed ngʼato mopogore.
Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu.
7 Ka ranyisi otimore to mondo itim atima gima lweti oyudo ni onego tim; nikech Nyasaye ni kodi.
Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe.
8 “Tel nyima idhi Gilgal. Chutho abiro lor ka abiro iri mondo atim misango miwangʼo pep kod misengini mag lalruok, to nyaka ine ni irita kuom ndalo abiriyo mondo abi anyisi gima onego itim.”
“Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.”
9 Kane Saulo oseweyo Samuel, Nyasaye ne oloko chuny Saulo, kendo ranyisi duto nochopo kare chiengʼno.
Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro.
10 Kane gichopo Gibea, oganda mar jonabi noromone, Roho mar Nyasaye nobiro mopongʼe gi teko eka nochako koro wach kodgi.
Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo.
11 Eka joma ne ongʼeye kane onene ka okoro gi jonabi, negipenjore kendgi niya, “Ma to en angʼo matimore ne wuod Kish? Saulo bende en achiel kuom jonabi?”
Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”
12 To ngʼat moro modak e gwengʼno nomedo dwoko kopenjo niya, “Wuon-gi to en ngʼa?” Omiyo wachni nolokore ngero niya, “Saulo-ni bende en achiel kuom jonabi?”
Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?”
13 Kane Saulo osetieko koro noidho mobet e kar lemo.
Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira.
14 Eka owad gi wuon Saulo nopenjogi niya, “Ne pod un kanye?” Ne odwoko niya, “Ne wadwaro punde, to kane waneno ni gitamowa yudo eka wadhi ir Samuel.”
Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?” Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.”
15 Owad gi wuon Saulo nowachone niya, “Nyisa gima Samuel nowachonu.”
Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.”
16 Saulo nodwoke niya, “Ne owachonwa malongʼo ni punde ne oseyudo.” To ne ok onyise gima Samuel ne owacho kuom wach bedo ruoth.
Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri.
17 Samuel noluongo oganda jo-Israel duto Mizpa e nyim Jehova Nyasaye,
Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa
18 mowachonegi niya, “Ma e gima Jehova Nyasaye ma Nyasach Israel wacho: ‘Ne agolo Israel koa Misri, kendo ne aresou e teko mar loch Misri kod pinjeruodhi duto mane thirou.’
akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’
19 To koro useweyo Nyasachu, ma resou e masicheu gi chandruoku. Ma usewacho ni, ‘Ooyo miwa ruodhwa.’ Omiyo sani suduru e nyim Jehova Nyasaye kuchanoru e ogandau kod e dhoutu.”
Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.”
20 Kane Samuel okelo ogendini duto mag Israel machiegni, to oganda mar Benjamin ema ne oyier.
Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa.
21 Eka nokelo oganda mar Benjamin nyime, kaluwore gi dhoot ka dhoot, mine oyier dhood Matri. Mogik ne oyier Saulo wuod Kish. To kane gidware, to ne ok oyude.
Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa.
22 Eka negimedo penjo wach kuom Jehova Nyasaye niya, “Ngʼatni bende osebiro ka koso?” Kendo Jehova Nyasaye nodwoko niya, “Ee, osepondo e kind misike.”
Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?” Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.”
23 Negiringo ma giome, kane ochungʼ e dier oganda to ne obor ma ji moko ne gik mana e goke.
Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro.
24 Samuel nowachone ji duto niya, “Bende uneno ngʼat ma Jehova Nyasaye oseyiero? Onge ngʼama chalo kode kuom ji duto.” Eka ji nokok niya, “Ruoth mondo odag amingʼa!”
Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.” Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”
25 Samuel nolero ne ji chike mag bedo ruoth. Nondikogi e kitabu mokano e nyim Jehova Nyasaye. Eka Samuel ne ogonyo ji mondo ngʼato ka ngʼato odog e dalane.
Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake.
26 Saulo bende nodhi dalagi man Gibea, ka en gi joma thuondi mane osemul chunygi gi Nyasaye.
Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari.
27 To jomoko ma acheje nowacho niya, “Ere kaka ngʼatni nyalo resowa?” Negi chaye mine ok gikelone mich. To Saulo nolingʼ mos.
Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.

< 1 Samuel 10 >