< Salme 69 >

1 (Til Sangmesteren. Til Liljerne. Af David.) Frels mig Gud, thi Vandene når mig til Sjælen,
Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi. Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.
2 jeg er sunket i bundløst Dynd, hvor der intet Fodfæste er, kommet i Vandenes Dyb, og Strømmen går over mig;
Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu.
3 træt har jeg skreget mig, Struben brænder, mit Øje er mat af at bie på min Gud;
Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta nokumirira Mwari wangu.
4 flere end mit Hoveds Hår er de, der hader mig uden Grund, mange er de, som vil mig til Livs, uden Skel er mig fjendske; hvad jeg ikke har ranet, skal jeg dog erstatte!
Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.
5 Gud, du kender min Dårskab, min Skyld er ej skjult for dig.
Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.
6 Lad mig ej bringe Skam over dem, som bier på dig, o Herre, Hærskarers HERRE, lad mig ej bringe Skændsel over dem der søger dig, Israels Gud!
Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.
7 Thi for din Skyld bærer jeg Spot, mit Åsyn dækkes af Skændsel;
Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.
8 fremmed er jeg for mine Brødre en Udlænding for min Moders Sønner.
Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;
9 Thi Nidkærhed for dit Hus har fortæret mig, Spotten mod dig er faldet på mig:
nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
10 jeg spæged min Sjæl med Faste, og det blev mig til Spot;
Pandinochema uye ndichitsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;
11 i Sæk har jeg klædt mig, jeg blev dem et Mundheld.
pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.
12 De, der sidder i Porten, taler om mig, ved Drikkelagene synger de om mig.
Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.
13 Men jeg beder, HERRE, til dig i Nådens Tid, o Gud, i din store Miskundhed svare du mig!
Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.
14 Frels mig med din trofaste Hjælp fra Dyndet, at jeg ikke skal synke; red mig fra dem, der hader mig, fra Vandenes Dyb,
Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.
15 lad Strømmen ikke gå over mig; lad Dybet ikke sluge mig eller Brønden lukke sig over mig.
Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.
16 Svar mig, HERRE, thi god er din Nåde, vend dig til mig efter din store Barmhjertighed;
Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.
17 dit Åsyn skjule du ej for din Tjener, thi jeg er i Våde, skynd dig og svar mig;
Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.
18 kom til min Sjæl og løs den, fri mig for mine Fjenders Skyld!
Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
19 Du ved, hvorledes jeg smædes og bærer Skam og Skændsel; du har Rede på alle mine Fjender.
Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.
20 Spot har ulægeligt knust mit Hjerte; jeg bied forgæves på Medynk, på Trøstere uden at finde;
Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.
21 de gav mig Malurt at spise og slukked min Tørst med Eddike.
Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.
22 Lad Bordet foran dem blive en Snare, deres Takofre blive en Fælde;
Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.
23 lad Øjnene slukkes, så Synet svigter, lad Lænderne altid vakle!
Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.
24 Din Vrede udøse du over dem din glødende Harme nå dem;
Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.
25 deres Teltlejr blive et Øde, og ingen bo i deres Telte!
Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.
26 Thi de forfølger den, du slog, og øger Smerten for dem, du såred.
Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.
27 Tilregn dem hver eneste Brøde lad dem ikke få Del i din Retfærd;
Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.
28 lad dem slettes af Livets Bog, ej optegnes blandt de retfærdige!
Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.
29 Men mig, som er arm og lidende, bjærge din Frelse, o Gud!
Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.
30 Jeg vil prise Guds Navn med Sang og ophøje ham med Tak;
Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.
31 det er mer for HERREN end Okser end Tyre med Horn og Klove!
Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.
32 Når de ydmyge ser det, glæder de sig; I, som søger Gud, eders Hjerte oplives!
Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!
33 Thi HERREN låner de fattige Øre, han agter ej fangne Venner ringe.
Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa.
34 Himmel og Jord skal prise ham, Havet og alt, hvad der rører sig der;
Denga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa nezvose zvinofamba, imomo,
35 thi Gud vil frelse Zion og opbygge Judas Byer; der skal de bo og tage det i Eje;
nokuti Mwari achaponesa Zioni agovakazve maguta aJudha. Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora;
36 hans Tjeneres Afkom skal arve det, de, der elsker hans Navn, skal bo deri.
Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka, uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.

< Salme 69 >