< Salme 133 >
1 (Sang til Festrejserne. Af David.) Se, hvor godt og lifligt er det, når brødre bor tilsammen:
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Zvakanaka uye zvinofadza sei kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!
2 som kostelig Olie, der flyder fra Hovedet ned over Skægget, Arons Skæg, der bølger ned over Kjortelens Halslinning,
Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro, anoerera kundebvu, anoerera kundebvu dzaAroni, anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.
3 som Hermons Dug, der falder på Zions Bjerge. Thi der skikker HERREN Velsignelse ned, Liv til evig Tid.
Zvinoita sokuti dova reHerimoni riri kuwira pamusoro peGomo reZioni. Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha, ihwo upenyu husingaperi-peri.