< Salme 122 >
1 (Sang til Festrejserne. Af David.) Jeg frydede mig, da de sagde til mig: "Vi drager til HERRENs Hus!"
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi. Ndakafara pavakati kwandiri, “Handei kumba yaJehovha.”
2 Så står vore Fødder da i dine Porte, Jerusalem,
Tsoka dzedu dzimire mukati mamasuo ako, iwe Jerusarema.
3 Jerusalem bygget som Staden, hvor Folket samles;
Jerusarema rakavakwa seguta rakapakata kwazvo.
4 thi did op drager Stammerne, HERRENs Stammer en Vedtægt for Israel om at prise HERRENs Navn.
Ndiko kunokwira marudzi, iwo marudzi aJehovha, kundorumbidza zita raJehovha maererano nezvakatemerwa Israeri.
5 Thi der står Dommersæder, Sæder for Davids Hus.
Zvigaro zvokutonga zvimire ikoko, zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6 Bed om Jerusalems Fred! Ro finde de, der elsker dig!
Nyengetererai rugare rweJerusarema: “Vanokuda dai vagara zvakanaka.
7 Der råde Fred på din Mur, Tryghed i dine Borge!
Dai mukati mamasvingo ako maita rugare, nokuchengetedzeka mukati menhare dzako.”
8 For Brødres og Frænders Skyld vil jeg ønske dig Fred,
Nokuda kwehama neshamwari dzangu, ndichati, “Rugare ngaruve mukati mako.”
9 for Herren vor Guds hus's skyld vil jeg søge dit bedste.
Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu, ndichatsvaka kubudirira kwako.