< 4 Mosebog 13 >

1 HERREN talede fremdeles til Moses og sagde:
Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Send nogle Mænd af Sted for at undersøge Kana'ans Land, som jeg vil give Israeliterne; een Mand af hver Fædrenestamme skal I sende, og kun Mænd, der er Øverster iblandt dem!"
“Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”
3 Da udsendte Moses dem fra Parans Ørken på HERRENs Bud, Mænd, der allevar Overhovederfor Israeliterne.
Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.
4 Deres Navne var følgende: Af Rubens Stamme Sjammua, Zakkurs Søn,
Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
5 af Simeons Stamme Sjafat, Horis Søn,
kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;
6 af Judas Stamme Kaleb, Jefunnes Søn,
kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;
7 af Issakars Stamme Jigal, Josefs Søn,
kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
8 af Efraims Stamme Hosea, Nuns Søn,
kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;
9 af Benjamins Stamme Palti, Rafus Søn,
kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu;
10 af Zebulons Stamme Gaddiel, Sodis Søn,
kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;
11 af Josefs Slamme, det er Manasses Stamme, Gaddi, Susis Søn,
kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi;
12 af Dans Stamme Ammiel, Gmallis Søn,
kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari;
13 af Asers Stamme Setur, Mikaels Søn,
kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;
14 af Naftalis Stamme Nabi, Vofsis Søn,
kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;
15 af Gads Stamme Geuel, Mtakis Søn.
kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki.
16 Det var Navnene på de Mænd, Moses udsendte for at undersøge Landet. Men Moses gav Hosea, Nuns Søn, Navnet Josua.
Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshea mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua).
17 Og Moses sendte dem af Sted for at undersøge Kana'ans Land. Og han sagde til dem: "Drag herfra op i Sydlandet og drag op i Bjergene
Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwidzai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo.
18 og se, hvordan Landet er, og om Folket, som bor der, er stærkt eller svagt, fåtalligt eller talrigt,
Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji.
19 om Landet, de bor i, er godt eller dårligt, og om Byerne, de bor i, er Teltlejre eller Fæstninger,
Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa?
20 og om Landet er fedt eller magert, om der findes Træer deri eller ej. Vær ved godt Mod og tag noget af Landets Frugt med tilbage!" Det var netop ved den Tid, de første Druer var modne.
Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).
21 Så drog de af Sted og undersøgte Landet lige fra Zins Ørken til Rehob, Egnen hen imod Hamat.
Naizvozvo vakakwidza vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati.
22 Så begav de sig op i Sydlandet og kom til Hebron; der boede Ahiman, Sjesjaj og Talmaj, Anaks Efterkommere. Men Hebron var grundlagt syv År før Zoan i Ægypten.
Vakakwidza vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti).
23 Da de nåede Esjkoldalen, afskar de en Ranke med en Drueklase, som der måtte to Mand til at bære på en Bærestang, og plukkede nogle Granatæbler og Figener.
Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde.
24 Man kaldte dette Sted Esjkoldalen med Hentydning til den Drueklase, Israeliterne der skar af.
Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri.
25 Efter fyrretyve Dages Forløb vendte de tilbage efter at have undersøgt Landet;
Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika.
26 og de kom til Moses og Aron og hele Israeliternes Menighed i Parans Ørken i Kadesj og aflagde Beretning for dem og hele Menigheden og viste dem Landets Frugt.
Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika.
27 De fortalte ham: "Vi kom til landet, du sendte os til; det er virkelig et Land, der flyder med Mælk og Honning, og her er Flugt derfra;
Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo.
28 men stærkt er Folket, som bor i Landet, og Byerne er befæstede og meget store; ja, vi så også Efterkommere af Anak der.
Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko.
29 Amalek bor i Sydlandet, Hetiterte, Jebusiteme og Amoriterne i Bjerglandet og Kana'anæerne ved Havet og langs Jordan."
VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye nomunzvimbo inotevedza Jorodhani.”
30 Da søgte Kaleb at bringe Folket til Tavshed over for Moses og sagde: "Lad os kun drage op og underlægge os det, thi vi kan sikkert tage det!"
Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwidza tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”
31 Men de Mænd, der havde været med ham deroppe, sagde: "Vi kan ikke drage op imod dette Folk, thi det er stærkere end vi!"
Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.”
32 Og de talte nedsættende til Israeliterne om Landet, som de havde undersøgt, og sagde: "Landet, som vi har rejst igennem og undersøgt, er et Land, der fortærer sine Indbyggere, og alle de Folk, vi så der, var kæmpestore.
Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.
33 Vi så der Kæmperne Anaks Sønner, der er af Kæmpeslægten og vi forekom både os selv og dem som Græshopper!"
Takaona vaNefirimi (izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi) ikoko. Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”

< 4 Mosebog 13 >