< Joel 2 >

1 Stød i horn på Zion, blæs alarm på mit hellige Bjerg! Alle i landet skal bæve, thi HERRENs Dag, den kommer;
Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,
2 ja, nær er Mulms og Mørkes Dag, Skyers og Tåges Dag. Et stort, et vældigt Folk er bredt som Gry over Bjerge. Dets Lige har aldrig været, skal aldrig komme herefter til fjerneste Slægters År.
zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.
3 Foran det æder Ild, og bag det flammer Lue; foran det er Landet som Eden og bag det en øde Ørk; fra det slipper ingen bort.
Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
4 At se til er de som Heste, som Hingste farer de frem;
Pakuonekwa kwadzo dzakaita samabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.
5 det lyder som raslende Vogne, når de hopper på Bjergenes Tinder, som knitrende Lue, der æder Strå, som en vældig Hær, der er rustet til Strid.
Nokutinhira sokwengoro dzinokwakuka pamusoro pamakomo dzichidya mashanga semoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.
6 Folkeslag skælver for dem, alle Ansigter blusser.
Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.
7 Som Helte haster de frem, som Stridsmænd stormer de Mure; enhver går lige ud, de bøjer ej af fra vejen.
Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.
8 De trænger ikke hverandre, hver følger sin egen Sti. Trods Våbenmagt styrter de frem uden at lade sig standse, de kaster sig over Byen,
Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.
9 stormer Mulen i Løb; i Husene trænger de ind, gennem Vinduer kommer de som Tyve.
Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.
10 Foran dem skælver Jorden, Himlen bæver; Sol og Måne sortner, Stjernerne mister deres Glans.
Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.
11 Foran sin Stridsmagt løfter HERREN sin Røst, thi såre stor er hans Hær, ja, hans Ords Fuldbyrder er vældig; thi stor er HERRENs Dag og såre frygtelig; hvem holder den ud?
Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?
12 Selv nu, så lyder det fra HERREN, vend om til mig af ganske Hjerte, med Faste og Gråd og Klage!
Jehovha anoti, “Kunyange zvino, tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya, muchichema uye muchiungudza.”
13 Sønderriv Hjerterne, ej eders Klæder, vend om til HERREN eders Gud! Thi nådig og barmhjertig er han, langmodig og rig på Miskundhed, han angrer det onde.
Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.
14 Måske slår han om og angrer og levner Velsignelse efter sig, Afgrødeoffer og Drikoffer til HERREN eders Gud.
Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.
15 Stød i Horn på Zion, helliger Faste, udråb festlig Samling,
Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.
16 kald Folket sammen, helliger et Stævne, lad de gamle samles, kald Børnene sammen, også dem, som dier Bryst; lad Brudgom gå ud af sit Kammer, Brud af sit Telt!
Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, vachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba yake nomwenga muimba yake.
17 Imellem Forhal og Alter skal Præsterne, HERRENs Tjenere, græde og sige: "HERRE, spar dog dit Folk! Overgiv ej din Arv til Skændsel, til Hedningers Spot! Hvi skal man sige blandt Folkene: Hvor er deres Gud?"
Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’”
18 Og HERREN blev nidkær for sit Land og fik Medynk med sit Folk.
Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.
19 Og HERREN svarede sit Folk: Se, jeg sender eder korn, Most og Olie, så I kan mættes deraf; og jeg vil ikke længer gøre eder til Skændsel iblandt Hedningerne.
Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.
20 Fjenden fra Nord driver jeg langt bort fra eder og støder ham ud i et tørt og øde Land, hans Fortrop ud i Havet i Øst og hans Bagtrop i Havet i Vest, og han skal udsprede Stank og ilde Lugt; thi han udførte store Ting.
“Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuhwa kwadzo kuchakwira; kunhuhwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
21 Frygt ikke, Jord, fryd dig, vær glad! Thi HERREN har udført store Ting.
Usatya iwe nyika; fara zvako upembere. Zvirokwazvo Jehovha aita zvinhu zvikuru.
22 Frygt ikke, I Markens Dyr! Thi Ørkenens Græsmarker grønnes, og Træerne bærer Frugt; Figentræ og Vinstok giver alt, hvad de kan.
Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.
23 Og I, Zions Sønner, fryd eder, vær glade i HERREN eders Gud! Thi han giver eder Føde til Frelse, idet han sender eder Regn, Tidligregn og Sildigregn, som før.
Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
24 Tærskepladserne skal fyldes med Korn, Persekummerne løbe over med Most og Olie.
Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva namafuta.
25 Og jeg godtgør eder de År, da Græshoppen, Springeren, Æderen og Gnaveren hærgede, min store Hær, som jeg sendte imod eder.
“Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta nedzegwatakwata, dzimwe mhashu nefararira remhashu; hondo yangu huru yandinotuma pakati penyu.
26 I skal spise og mættes og love HERREN eders Guds Navn, fordi han handler underfuldt med eder; og mit Folk skal i Evighed ikke blive til Skamme.
Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
27 Og I skal kende, at jeg er i Israels Midte, og at jeg, og ingen anden er HERREN eders Gud; og mit Folk skal i Evighed ikke blive til Skamme.
Ipapo muchazoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uyewo kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.
28 Og det skal ske derefter, at jeg vil udgyde min ånd over alt kød, eders Sønner og eders Døtre skal profetere, eders gamle skal drømme Drømme og eders unge skue Syner;
“Uye mushure maizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.
29 også over Trælle og Trælkvinder vil jeg udgyde min Ånd i de Dage.
Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.
30 Og jeg lader ske Tegn på Himmelen og på Jorden, Blod, Ild og Røgstøtter.
Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
31 Solen skal vendes til Mørke og Månen til Blod, før HERRENs store og frygtelige Dag kommer.
Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.
32 Men enhver, som påkalder HERRENs Navn, skal frelses; thi på Zions Bjerg og i Jerusalem skal der være Frelse, som HERREN har sagt; og til de undslupne skal hver den høre, som HERREN kalder.
Uye ani naani anodana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso, sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.

< Joel 2 >