< Hebræerne 2 >
1 Derfor bør vi des mere agte på det, vi have hørt, for at vi ikke skulle rives bort.
Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.
2 Thi når det Ord, som taltes ved Engle, blev urokket, og hver Overtrædelse og Ulydighed f1k velforskyldt Løn,
Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa rakange rakasimba, uye kudarika kwese nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,
3 hvorledes skulle da vi undfly, når vi ikke bryde os om så stor en Frelse, som jo efter først at være bleven forkyndt ved Herren, er bleven stadfæstet for os af dem, som havde hørt ham,
isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,
4 idet Gud vidnede med både ved Tegn og Undere og mange Hånde kraftige Gerninger og ved Meddelelse af den Helligånd efter sin Villie.
Mwari achivapupurirawo zvese nezviratidzo nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.
5 Thi det var ikke Engle, han underlagde den kommende Verden; om hvilken vi tale.
Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.
6 Men en har vidnet et Sted og sagt: "Hvad er et Menneske, at du kommer ham i Hu? eller en Menneskesøn, at du ser til ham?
Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?
7 Du gjorde ham en kort Tid ringere end Engle; med Herlighed og Ære kronede du ham;
Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.
8 alle Ting lagde du under hans Fødder". - Idet han nemlig underlagde ham alle Ting, undtog han intet fra at være ham underlagt. Nu se vi imidlertid endnu ikke alle Ting underlagte ham;
Zvinhu zvese makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvese pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvese zvakaiswa pasi pake.
9 men ham, som en kort Tid var bleven gjort ringere end Engle, Jesus, se vi på Grund af Dødens Lidelse kronet med Herlighed og Ære, for at han ved Guds Nåde må have smagt Døden for alle.
Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona nekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wese.
10 Thi det sømmede sig ham, for hvis Skyld alle Ting ere, og ved hvem alle Ting ere, når han førte mange Sønner til Herlighed, da at fuldkomme deres Frelses Ophavsmand igennem Lidelser.
Nokuti zvakange zvakamufanira, iye zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvese zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.
11 Thi både den, som helliger, og de, som helliges, ere alle af een; hvorfor han ikke skammer sig ved at kalde dem Brødre,
Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vese vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,
12 når han siger: "Jeg vil forkynde dit Navn for mine Brødre, midt i en Menighed vil jeg lovsynge dig."
achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.
13 Og fremdeles: "Jeg vil forlade mig på ham." Og fremdeles: "Se, her er jeg og de Børn, som Gud har givet mig."
Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.
14 Efterdi da Børnene ere delagtige i Blod og Kød, blev også han i lige Måde delagtig deri, for at han ved Døden skulde gøre den magtesløs, som har Dødens Vælde, det er Djævelen,
Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,
15 og befri alle dem, som på Grund af Dødsfrygt vare under Trældom al deres Livs Tid.
agosunungura avo vese kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwese.
16 Thi det er jo dog ikke Engle, han tager sig af, men Abrahams Sæd tager han sig af.
Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.
17 Derfor måtte han blive sine Brødre lig i alle. Ting, for at han kunde blive en barmhjertig og trofast Ypperstepræst over for Gud til at sone Folkets Synder.
Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvese kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.
18 Thi idet han har lidt, kan han som den, der selv er fristet, komme dem til Hjælp, som fristes.
Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.