< 1 Johannes 4 >

1 I elskede! tror ikke enhver Ånd, men prøver Ånderne, om de ere af Gud; thi mange falske Profeter ere udgåede i Verden.
Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika.
2 Derpå kende I Guds Ånd: enhver Ånd, der bekender Jesus som Kristus, kommen i Kød, er af Gud.
Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari.
3 Og enhver Ånd, der ikke bekender Jesus, er ikke af Gud; og dette er Antikrists Ånd, om hvilken I have hørt, at den kommer, og den er allerede nu i Verden.
Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika.
4 Mine Børn! I ere af Gud og have overvundet dem, fordi den, som er i eder, er større end den, som er i Verden.
Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika.
5 De ere af Verden; derfor tale de af Verden, og Verden hører dem.
Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa.
6 Vi ere af Gud. Den, som kender Gud, hører os; den, som ikke er af
Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka.
7 I elskede! lader os elske hverandre, thi Kærligheden er af Gud, og hver den, som elsker, er født at Gud og kender Gud.
Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari.
8 Den, som ikke elsker, kender ikke Gud, thi Gud er Kærlighed.
Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
9 Deri blev Guds Kærlighed åbenbaret iblandt os, at Gud har sendt sin Søn, den enbårne, til Verden, for at vi skulle leve ved ham.
Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
10 Deri består Kærligheden: ikke at vi have elsket Gud, men at han har elsket os og udsendt sin Søn til en Forsoning for vore Synder.
Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu.
11 I elskede! har Gud således elsket os, da ere også vi skyldige at elske hverandre.
Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana.
12 Ingen har nogen Sinde set Gud; dersom vi elske hverandre, bliver Gud i os, og hans Kærlighed er fuldkommet i os.
Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
13 Derpå kende vi, at vi blive i ham, og han i os, at han har givet os af sin Ånd.
Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake.
14 Og vi have skuet og vidne, at Faderen bar udsendt Sønnen til Frelser for Verden.
Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika.
15 Den, som bekender, at Jesus er Guds Søn, i ham bliver Gud, og han i Gud.
Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
16 Og vi have erkendt og troet den Kærlighed, som Gud har til os. Gud er Kærlighed, og den, som bliver i Kærligheden, bliver i Gud, og Gud i ham.
Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari.
17 Deri er Kærligheden fuldkommet hos os, at vi have Frimodighed på Dommens Dag, fordi, ligesom han er, således ere også vi i denne Verden.
Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino.
18 Frygt er ikke i Kærligheden, men den fuldkomne Kærlighed driver Frygten ud; thi Frygt bringer Straf; men den, som frygter, er ikke fuldkommet i Kærligheden.
Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo.
19 Vi elske, fordi han elskede os først.
Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida.
20 Dersom nogen siger: "Jeg elsker Gud," og hader sin Broder, han er en Løgner; thi den, der ikke elsker sin Broder, som han har set, hvorledes kan han elske Gud, som han ikke har set?
Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona?
21 Og dette Bud have vi fra ham, at den, som elsker Gud, skal også elske sin Broder.
Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake.

< 1 Johannes 4 >