< Salme 98 >
1 En Salme. Syng HERREN en ny Sang, thi vidunderlige Ting har han gjort; Sejren vandt ham hans højre, hans hellige Arm.
Pisarema. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.
2 Sin Frelse har HERREN gjort kendt, aabenbaret sin Retfærd for Folkenes Øjne;
Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,
3 han kom sin Naade mod Jakob i Hu, sin Trofasthed mod Israels Hus. Den vide Jord har skuet vor Guds Frelse.
Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.
4 Raab af Fryd for HERREN, al Jorden, bryd ud i Jubel og Lovsang;
Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;
5 lovsyng HERREN til Citer, lad Lovsang tone til Citer,
imbirai Jehovha nembira, nembira nenzwi rokuimba,
6 raab af Fryd for Kongen, HERREN, til Trompeter og Hornets Klang!
nehwamanda nokurira kworunyanga rwegondobwe, danidzirai nomufaro pamberi paJehovha, iye Mambo.
7 Havet med dets Fylde skal bruse, Jorderig og de, som bor der,
Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri, nenyika, navose vanogaramo.
8 Strømmene klappe i Hænder, Bjergene juble til Hobe
Nzizi ngadziuchire maoko adzo, makomo ngaaimbe pamwe chete nomufaro;
9 for HERRENS Aasyn, thi han kommer, han kommer at dømme Jorden; han dømmer Jorden med Retfærd og Folkeslag med Ret!
ngaaimbe pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika zvakarurama navanhu nokururamisira.