< Salme 90 >
1 En Bøn af den Guds Mand Moses. Herre, du var vor Bolig Slægt efter Slægt.
Munyengetero waMozisi munhu waMwari. Jehovha, imi makava ugaro hwedu kuzvizvarwa zvose.
2 Førend Bjergene fødtes og Jord og Jorderig blev til, fra Evighed til Evighed er du, o Gud!
Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.
3 Mennesket gør du til Støv igen, du siger: »Vend tilbage, I Menneskebørn!«
Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”
4 Thi tusind Aar er i dine Øjne som Dagen i Gaar, der svandt, som en Nattevagt.
Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.
5 Du skyller dem bort, de bliver som en Søvn. Ved Morgen er de som Græsset, der gror;
Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,
6 ved Morgen gror det og blomstrer, ved Aften er det vissent og tørt.
kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.
7 Thi ved din Vrede svinder vi hen, og ved din Harme forfærdes vi.
Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.
8 Vor Skyld har du stillet dig for Øje, vor skjulte Brøst for dit Aasyns Lys.
Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.
9 Thi alle vore Dage glider hen i din Vrede, vore Aar svinder hen som et Suk.
Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.
10 Vore Livsdage er halvfjerdsindstyve Aar, og kommer det højt, da firsindstyve. Deres Herlighed er Møje og Slid, thi hastigt gaar det, vi flyver af Sted.
Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.
11 Hvem fatter din Vredes Vælde, din Harme i Frygt for dig!
Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.
12 At tælle vore Dage lære du os, saa vi kan faa Visdom i Hjertet!
Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
13 Vend tilbage, HERRE! Hvor længe! Hav Medynk med dine Tjenere;
Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.
14 mæt os aarle med din Miskundhed, saa vi kan fryde og glæde os alle vore Dage.
Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.
15 Glæd os det Dagetal, du ydmyged os, det Aaremaal, da vi led ondt!
Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo.
16 Lad dit Værk aabenbares for dine Tjenere og din Herlighed over deres Børn!
Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.
17 HERREN vor Guds Livsalighed være over os! Og frem vore Hænders Værk for os, ja frem vore Hænders Værk!
Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu.