< Salme 87 >
1 Af Koras Sønner. En Salme. En Sang. Sin Stad, grundfæstet paa hellige Bjerge, har HERREN kær,
Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;
2 Zions Porte fremfor alle Jakobs Boliger.
Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.
3 Der siges herlige Ting om dig, du Guds Stad. (Sela)
Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera
4 Jeg nævner Rahab og Babel blandt dem, der kender HERREN, Filisterland, Tyrus og Kusj: en fødtes her, en anden der.
“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’”
5 Men Zion kalder man Moder, der fødtes enhver, den Højeste holder det selv ved Magt.
Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”
6 HERREN tæller efter i Folkeslagenes Liste, en fødtes her, en anden der. (Sela)
Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera
7 Syngende og dansende siger de: »Alle mine Kilder er i dig!«
Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”