< Job 7 >
1 Har Mennesket paa Jord ej Krigerkaar? Som en Daglejers er hans Dage.
“Ko, munhu haashandi zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita seomushandi here?
2 Som Trællen, der higer efter Skygge som Daglejeren, der venter paa Løn,
Somuranda anoshuva mimvuri yamadekwana, kana mushandi akamirira kwazvo mubayiro wake,
3 saa fik jeg Skuffelses Maaneder i Arv kvalfulde Nætter til Del.
saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.
4 Naar jeg lægger mig, siger jeg: »Hvornaar er det Dag, at jeg kan staa op?« og naar jeg staar op: »Hvornaar er det Kvæld?« Jeg mættes af Uro, til Dagen gryr.
Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshanduka-shanduka kusvikira mambakwedza.
5 Mit Legeme er klædt med Orme og Skorpe, min Hud skrumper ind og væsker.
Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemaronda, ganda rangu rakatsemuka uye raora.
6 Raskere end Skyttelen flyver mine Dage, de svinder bort uden Haab.
“Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.
7 Kom i Hu, at mit Liv er et Pust, ej mer faar mit Øje Lykke at skue!
Rangarirai henyu, imi Mwari, kuti upenyu hwangu hunongova mweya wokufema; meso angu haachazoonizve mufaro.
8 Vennens Øje skal ikke se mig, dit Øje søger mig — jeg er ikke mere.
Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.
9 Som Skyen svinder og trækker bort, bliver den, der synker i Døden, borte, (Sheol )
Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburukira kubwiro haadzokizve. (Sheol )
10 han vender ej atter hjem til sit Hus, hans Sted faar ham aldrig at se igen.
Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.
11 Saa vil jeg da ej lægge Baand paa min Mund, men tale i Aandens Kvide, sukke i bitter Sjælenød.
“Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,
12 Er jeg et Hav, eller er jeg en Drage, siden du sætter Vagt ved mig?
Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?
13 Naar jeg tænker, mit Leje skal lindre mig, Sengen lette mit Suk,
Pandinofunga kuti mubhedha wangu uchandivaraidza, uye kuti mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,
14 da ængster du mig med Drømme, skræmmer mig op ved Syner,
ipapo munondityisidzira nezviroto uye munondivhundutsa nezviratidzo,
15 saa min Sjæl vil hellere kvæles, hellere dø end lide.
zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.
16 Nu nok! Jeg lever ej evigt, slip mig, mit Liv er et Pust!
Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.
17 Hvad er et Menneske, at du regner ham og lægger Mærke til ham,
“Munhu chiiko zvamunomukoshesa kudai, zvamunomurangarira zvakadai,
18 hjemsøger ham hver Morgen, ransager ham hvert Øjeblik?
zvamunomunzvera mangwanani ose uye muchimuedza nguva dzose?
19 Naar vender du dog dit Øje fra mig, slipper mig, til jeg har sunket mit Spyt?
Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?
20 Har jeg syndet, hvad skader det dig, du, som er Menneskets Vogter? Hvi gjorde du mig til Skive, hvorfor blev jeg dig til Byrde?
Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
21 Hvorfor tilgiver du ikke min Synd og lader min Brøde uænset? Snart ligger jeg jo under Mulde, du søger mig — og jeg er ikke mere!
Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu uye musingandiregereri zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovapozve.”