< Job 16 >
1 Saa tog Job til Orde og svarede:
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 Nok har jeg hørt af sligt, besværlige Trøstere er I til Hobe!
“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!
3 Faar Mundsvejret aldrig Ende? Hvad ægged dig dog til at svare?
Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
4 Ogsaa jeg kunde tale som I, hvis I kun var i mit Sted, føje mine Ord imod jer og ryste paa Hovedet ad jer,
Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
5 styrke jer med min Mund, ej spare paa ynksomme Ord!
Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
6 Taler jeg, mildnes min Smerte ikke og om jeg tier, hvad Lindring faar jeg?
“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
7 Dog nu har han udtømt min Kraft, du har ødelagt hele min Kreds;
Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.
8 at du greb mig, gælder som Vidnesbyrd mod mig, min Magerhed vidner imod mig.
Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
9 Hans Vrede river og slider i mig, han skærer Tænder imod mig. Fjenderne hvæsser Blikket imod mig,
Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10 de opspiler Gabet imod mig, slaar mig med Haan paa Kind og flokkes til Hobe omkring mig;
Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11 Gud gav mig hen i Niddingers Vold, i gudløses Hænder kasted han mig.
Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
12 Jeg leved i Fred, saa knuste han mig, han greb mig i Nakken og sønderslog mig; han stilled mig op som Skive,
Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
13 hans Pile flyver omkring mig, han borer i Nyrerne uden Skaansel, udgyder min Galde paa Jorden;
vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
14 Revne paa Revne slaar han mig, stormer som Kriger imod mig.
Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi.
15 Over min Hud har jeg syet Sæk og boret mit Horn i Støvet;
“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva.
16 mit Ansigt er rødt af Graad, mine Øjenlaag hyllet i Mørke,
Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
17 skønt der ikke er Vold i min Haand, og skønt min Bøn er ren!
asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
18 Dølg ikke, Jord, mit Blod, mit Skrig komme ikke til Hvile!
“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19 Alt nu er mit Vidne i Himlen, min Talsmand er i det høje;
Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
20 gid min Ven lod sig finde! Mit Øje vender sig med Taarer til Gud,
Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21 at han skifter Ret mellem Manden og Gud, mellem Mennesket og hans Ven!
anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
22 Thi talte er de kommende Aar, jeg skal ud paa en Færd, jeg ej vender hjem fra.
“Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.