< Jakob 4 >
1 Hvoraf kommer det, at der er Krige og Stridigheder iblandt eder? mon ikke deraf, af eders Lyster, som stride i eders Lemmer?
Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?
2 I begære og have ikke; I myrde og misunde og kunne ikke faa: I føre Strid og Krig. Og I have ikke, fordi I ikke bede;
Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.
3 I bede og faa ikke, fordi I bede ilde, for at øde det i eders Lyster.
Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.
4 I utro! vide I ikke, at Venskab med Verden er Fjendskab imod Gud? Derfor, den, som vil være Verdens Ven, bliver Guds Fjende.
Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.
5 Eller mene I, at Skriftens Ord ere tomme Ord? Med Nidkærhed længes han efter den Aand, han har givet Bolig i os, men han skænker desto større Naade.
Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?
6 Derfor siger Skriften: „Gud staar de hoffærdige imod, men de ydmyge giver han Naade.”
Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.
7 Underordner eder derfor under Gud; men staar Djævelen imod, saa skal han fly fra eder;
Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.
8 holder eder nær til Gud, saa skal han holde sig nær til eder! Renser Hænderne, I Syndere! og lutrer Hjerterne, I tvesindede!
Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.
9 Jamrer og sørger og græder; eders Latter vende sig til Sorg og Glæden til Bedrøvelse!
Tambudzikai uye chemai uye rirai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.
10 Ydmyger eder for Herren, saa skal han ophøje eder.
Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.
11 Taler ikke ilde om hverandre, Brødre! Den, som taler ilde om sin Broder eller dømmer sin Broder, taler ilde om Loven og dømmer Loven; men dømmer du Loven, da er du ikke Lovens Gører, men dens Dommer.
Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.
12 Een er Lovgiveren og Dommeren, han, som kan frelse og fordærve; men hvem er du, som dømmer din Næste?
Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?
13 Og nu I, som sige: I Dag eller i Morgen ville vi gaa til den eller den By og blive der et Aar og købslaa og vinde,
Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;
14 I, som ikke vide, hvad der skal ske i Morgen; thi hvordan er eders Liv? I ere jo en Damp, som er til Syne en liden Tid, men derefter forsvinder;
imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.
15 i Stedet for at I skulde sige: Dersom Herren vil, og vi leve, da ville vi gøre dette eller hint.
Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.
16 Men nu rose I eder i eders Overmod; al saadan Ros er ond.
Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwese kwakadai kwakaipa.
17 Derfor, den som ved at handle ret og ikke gør det, for ham er det Synd.
Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.