< Esajas 32 >
1 Se, en Konge skal herske med Retfærd, Fyrster styre med Ret,
Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.
2 hver af dem som Læ imod Storm og Ly imod Regnskyl, som Bække i Ørk, som en vældig Klippes Skygge i tørstende Land.
Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.
3 De seendes Øjne skal ej være blinde, de hørendes Ører skal lytte;
Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4 letsindiges Hjerte skal nemme Kundskab, stammendes Tunge tale flydende, rent.
Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
5 Daaren skal ikke mer kaldes ædel, højsindet ikke Skalken.
Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
6 Thi Daaren taler kun Daarskab, hans Hjerte udtænker Uret for at øve Niddingsværk og prædike Frafald fra HERREN, lade den sultne være tom og den tørstige mangle Vand.
Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
7 Skalkens Midler er onde, han oplægger lumske Raad for at ødelægge arme med Løgn, skønt Fattigmand godtgør sin Ret.
Nzira dzousina maturo dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
8 Men den ædle har ædelt for og staar fast i, hvad ædelt er.
Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
9 Op, hør min Røst, I sorgløse Kvinder, I trygge Døtre, lyt til min Tale!
Imi vakadzi musina hanya, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana munoti makachengetedzeka, inzwai zvandinoreva!
10 Om Aar og Dag skal I trygge skælve, thi med Vinhøst er det ude, der kommer ej Frugthøst.
Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
11 Bæv, I sorgløse, skælv, I trygge, klæd jer af og blot jer, bind Sæk om Lænd;
Dederai, imi vakadzi musina hanya; dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.
12 slaa jer for Brystet og klag over yndige Marker, frugtbare Vinstokke,
Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
13 mit Folks med Tidseltorn dækkede Jord, ja, hvert Glædens Hus, den jublende By!
uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
14 Thi Paladset er øde, Bylarmen standset, Ofel med Taarnet en Grushob for evigt, Vildæslers Fryd, en Græsgang for Hjorde —
Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
15 til Aand fra det høje udgydes over os. Da bliver Ørkenen til Frugthave, Frugthaven regnes for Skov.
kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga rava nyika yakaorera, nemunda wakaorera wava sesango.
16 Ret fæster Bo i Ørkenen, i Frugthaven dvæler Retfærd;
Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
17 Retfærds Frugt bliver Fred og Rettens Vinding Tryghed for evigt.
Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
18 Da bor mit Folk i Fredens Hjem, i trygge Boliger, sorgfri Pauluner.
Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19 Skoven styrter helt, Byen bøjes dybt.
Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, neguta rikaparadzwa zvachose,
20 Salige I, som saar ved alle Vande, lader Okse og Æsel frit løbe om!
ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!