< Hebræerne 10 >

1 Thi da Loven kun har en Skygge af de kommende Goder og ikke Tingenes Skikkelse selv, kan den aldrig ved de samme aarlige Ofre, som de bestandig frembære, fuldkomme dem, som træde frem dermed.
Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera.
2 Vilde man ikke ellers have ophørt at frembære dem, fordi de ofrende ikke mere havde nogen Bevidsthed om Synder, naar de een Gang vare rensede?
Dai zvakange zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete.
3 Men ved Ofrene sker Aar for Aar Ihukommelse af Synder.
Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe;
4 Thi det er umuligt, at Blod af Tyre og Bukke kan borttage Synder.
nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 Derfor siger han, idet han indtræder i Verden: „Slagtoffer og Madoffer havde du ikke Lyst til; men et Legeme beredte du mig;
Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;
6 Brændofre og Syndofre havde du ikke Behag i.
zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira;
7 Da sagde jeg: Se, jeg er kommen (i Bogrullen er der skrevet om mig) for at gøre, Gud! din Villie.”
ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari.
8 Medens han først siger: „Slagtofre og Madofre og Brændofre og Syndofre havde du ikke Lyst til og ej heller Behag i” (og disse frembæres dog efter Loven),
Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo),
9 saa har han derefter sagt: „Se, jeg er kommen for at gøre din Villie.” Han ophæver det første for at fastsætte det andet.
ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri.
10 Og ved denne Villie ere vi helligede ved Ofringen af Jesu Kristi Legeme een Gang for alle.
Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe.
11 Og hver Præst staar daglig og tjener og ofrer mange Gange de samme Ofre, som dog aldrig kunne borttage Synder.
Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;
12 Men denne har efter at have ofret eet Offer for Synderne sat sig for bestandig ved Guds højre Haand,
asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari,
13 idet han forøvrigt venter paa, at hans Fjender skulle lægges som en Skammel for hans Fødder.
kubva ikozvino anotarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.
14 Thi med et eneste Offer har han for bestandig fuldkommet dem, som helliges.
Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
15 Men ogsaa den Helligaand giver os Vidnesbyrd; thi efter at have sagt:
NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti:
16 „Dette er den Pagt, som jeg vil oprette med dem efter de Dage,” siger Herren: „Jeg vil give mine Love i deres Hjerter, og jeg vil indskrive dem i deres Sind,
Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mufungwa dzavo.
17 og deres Synder og deres Overtrædelser vil jeg ikke mere ihukomme.”
Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve.
18 Men hvor der er Forladelse for disse, er der ikke mere Offer for Synd.
Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.
19 Efterdi vi da, Brødre! have Frimodighed til den Indgang i Helligdommen ved Jesu Blod,
Naizvozvo, hama, tine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,
20 som han indviede os som en ny og levende Vej igennem Forhænget, det er hans Kød,
nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;
21 og efterdi vi have en stor Præst over Guds Hus:
uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,
22 Saa lader os træde frem med et sandt Hjerte, i Troens fulde Forvisning, med Hjerterne ved Bestænkelsen rensede fra en ond Samvittighed, og Legemet tvættet med rent Vand;
ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena.
23 lader os fastholde Haabets Bekendelse urokket; thi trofast er han, som gav Forjættelsen;
Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka;
24 og lader os give Agt paa hverandre, saa vi opflamme hverandre til Kærlighed og gode Gerninger
uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka,
25 og ikke forlade vor egen Forsamling, som nogle have for Skik, men formane hverandre, og det saa meget mere, som I se, at Dagen nærmer sig.
tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.
26 Thi synde vi med Villie, efter at have modtaget Sandhedens Erkendelse, er der intet Offer mere tilbage for Synder,
Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi,
27 men en frygtelig Forventelse af Dom og en brændende Nidkærhed, som skal fortære de genstridige.
asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi.
28 Naar en har brudt med Mose Lov, dør han uden Barmhjertighed paa to eller tre Vidners Udsagn;
Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;
29 hvor meget værre Straf mene I da, at den skal agtes værd, som træder Guds Søn under Fod og agter Pagtens Blod, hvormed han blev helliget, for urent og forhaaner Naadens Aand?
munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha?
30 Thi vi kende den, som har sagt: „Mig hører Hævnen til, jeg vil betale, siger Herren;” og fremdeles: „Herren skal dømme sit Folk.”
Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake.
31 Det er frygteligt at falde i den levende Guds Hænder.
Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
32 Men kommer de forrige Dage i Hu, i hvilke I, efter at I vare blevne oplyste, udholdt megen Kamp i Lidelser,
Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;
33 idet I dels selv ved Forhaanelser og Trængsler bleve et Skuespil, dels gjorde fælles Sag med dem, som fristede saadanne Kaar.
pamwe, pamakaitwa chiokero zvese nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro.
34 Thi baade havde I Medlidenhed med de fangne, og I fandt eder med Glæde i, at man røvede, hvad I ejede, vidende, at I selv have en bedre og blivende Ejendom.
Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga.
35 Kaster altsaa ikke eders Frimodighed bort, hvilken jo har stor Belønning;
Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu, kune mubairo mukuru.
36 thi I have Udholdenhed nødig, for at I, naar I have gjort Guds Villie, kunne opnaa Forjættelsen.
Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso.
37 Thi „der er endnu kun en saare liden Stund, saa kommer han, der skal komme, og han vil ikke tøve.
Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki.
38 Men min retfærdige skal leve af Tro; og dersom han unddrager sig, har min Sjæl ikke Behag i ham.”
Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye.
39 Men vi ere ikke af dem, som unddrage sig, til Fortabelse, men af dem, som tro, til Sjælens Frelse.
Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.

< Hebræerne 10 >