< Galaterne 3 >

1 O, I uforstandige Galatere! hvem har fortryllet eder, I, hvem Jesus Kristus blev malet for Øje som korsfæstet?
Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
2 Kun dette vil jeg vide af eder: Var det ved Lovens Gerninger, I modtoge Aanden, eller ved i Tro at høre?
Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
3 Ere I saa uforstandige? ville I, som begyndte i Aand, nu ende i Kød?
Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here?
4 Have I da prøvet saa meget forgæves? hvis det da virkelig er forgæves!
Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo!
5 Mon da han, som meddeler eder Aanden og virker kraftige Gerninger iblandt eder, gør dette ved Lovens Gerninger eller ved, at I høre i Tro?
Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
6 ligesom jo „Abraham troede Gud, og det blev regnet ham til Retfærdighed‟.
Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama.
7 Erkender altsaa, at de, som ere af Tro, disse ere Abrahams Børn.
Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama.
8 Men da Skriften forudsaa, at det er af Tro, at Gud retfærdiggør Hedningerne, forkyndte den forud Abraham det Evangelium: „I dig skulle alle Folkeslagene velsignes‟,
Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa.
9 saa at de, som ere af Tro, velsignes sammen med den troende Abraham.
Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda.
10 Thi saa mange, som holde sig til Lovens Gerninger, ere under Forbandelse; thi der er skrevet: „Forbandet hver den, som ikke bliver i alle de Ting, som ere skrevne i Lovens Bog, saa han gør dem.‟
Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite.
11 Men at ingen bliver retfærdiggjort for Gud ved Lov, er aabenbart, thi „den retfærdige skal leve af Tro.‟
Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo.
12 Men Loven beror ikke paa Tro; men: „Den, som gør disse Ting, skal leve ved dem.‟
Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri.
13 Kristus har løskøbt os fra Lovens Forbandelse, idet han blev en Forbandelse for os (thi der er skrevet: „Forbandet er hver den, som hænger paa et Træ‟),
Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti;
14 for at Abrahams Velsignelse maatte komme til Hedningerne i Kristus Jesus, for at vi kunde faa Aandens Forjættelse ved Troen.
kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya.
15 Brødre! jeg taler paa Menneskevis: Ingen ophæver dog et Menneskes stadfæstede Arvepagt eller føjer noget dertil.
Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi.
16 Men Abraham og hans Sæd bleve Forjættelserne tilsagte; der siges ikke: „Og Sædene‟, som om mange, men som om een: „Og din Sæd‟, hvilken er Kristus.
Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu.
17 Jeg mener dermed dette: En Pagt, som forud er stadfæstet af Gud, kan Loven, som blev til fire Hundrede og tredive Aar senere, ikke gøre ugyldig, saa at den skulde gøre Forjættelsen til intet.
Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo.
18 Thi faas Arven ved Lov, da faas den ikke mere ved Forjættelse; men til Abraham har Gud skænket den ved Forjættelse.
Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso.
19 Hvad skulde da Loven? Den blev føjet til for Overtrædelsernes Skyld (indtil den Sæd kom, hvem Forjættelsen gjaldt), besørget ved Engle, ved en Mellemmands Haand.
Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
20 Men en Mellemmand er ikke kun for een Part; Gud derimod er een.
Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
21 Er da Loven imod Guds Forjættelser? Det være langtfra! Ja, hvis der var givet en Lov, som kunde levendegøre, da var Retfærdigheden virkelig af Lov.
Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo.
22 Men Skriften har indesluttet alt under Synd, for at Forjættelsen skulde af Tro paa Jesus Kristus gives dem, som tro.
Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
23 Men førend Troen kom, holdtes vi indelukkede under Lovens Bevogtning til den Tro, som skulde aabenbares,
Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure.
24 saa at Loven er bleven os en Tugtemester til Kristus, for at vi skulde blive retfærdiggjorte af Tro.
Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo.
25 Men efter at Troen er kommen, ere vi ikke mere under Tugtemester.
Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
26 Thi alle ere I Guds Børn ved Troen paa Kristus Jesus.
Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu.
27 Thi I, saa mange som bleve døbte til Kristus, have iført eder Kristus.
Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu.
28 Her er ikke Jøde eller Græker; her er ikke Træl eller fri; her er ikke Mand og Kvinde; thi alle ere I een i Kristus Jesus.
Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu.
29 Men naar I høre Kristus til, da ere I jo Abrahams Sæd, Arvinger ifølge Forjættelse.
Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.

< Galaterne 3 >