< Ezekiel 31 >
1 I det ellevte Aar paa den første Dag i den tredje Maaned kom HERRENS Ord til mig saaledes:
Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 Menneskesøn, sig til Farao, Ægyptens Konge, og til hans larmende Hob: Ved hvem kan du lignes i Storhed?
“Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?
3 Se, du er en Libanonceder med smukke Grene og skyggefuld Krone, høj af Vækst, hvis Top rager op i Skyerne;
Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakanga wakareba kwazvo, manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.
4 Vand gav den Vækst, Verdensdybet Højde; sine Strømme lod det flyde rundt om dens Sted og sendte sine Vandløb til hele dens Mark.
Mvura zhinji yakaupa zvokudya, zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe; hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde, uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.
5 Derfor blev den større af Vækst end hvert Træ paa Marken; mange blev dens Kviste og Grenene lange af megen Væde.
Saka wakareba kwazvo kupfuura miti yose yesango, mativi awo akawanda uye matavi awo akareba, achitandavara nokuda kwemvura zhinji.
6 Alle Himlens Fugle bygged i dens Grene, under dens Kviste fødte hvert Markens Dyr, i dens Skygge boede al Verdens Folk.
Shiri dzose dzedenga dzakavakira matendere adzo pamatavi awo, mhuka dzose dzesango dzakaberekera pasi pamatavi awo; ndudzi dzose huru dzakagara pamumvuri wawo.
7 Den blev stor og dejlig med lange Grene, den stod jo med Roden ved rigeligt Vand.
Wakanga uchiyevedza parunako, namatavi awo akatandavara, nokuti midzi yawo yaidzika pasi kune mvura zhinji.
8 Guds Haves Cedre var ikke dens Lige, ingen Cypres havde Mage til Grene, ingen Platan havde Kviste som den; intet Træ i Guds Have maalte sig med den i Skønhed.
Misidhari yomubindu raMwari yakanga isingagoni kuukunda, uye miti yomupaini yakanga isingaenzani namatavi awo, uye miti yemipurani hayaienzaniswa namatavi awo, hakuna muti mubindu raMwari waienzana nawo pakunaka.
9 Jeg gjorde den skøn med dens mange Kviste, saa alle Edens Træer i Guds Have misundte den.
Ndakauita muti unoyevedza una matavi akawanda, muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni mubindu raMwari.
10 Derfor, saa siger den Herre HERREN: Fordi den blev høj af Vækst og løftede sin Krone op i Skyerne og Hjertet hovmodede sig over dens Højde,
“‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo,
11 derfor overgiver jeg den til en, som er vældig blandt Folkene; han skal gøre med den efter dens Gudløshed og tilintetgøre den.
ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi,
12 Fremmede, de grummeste blandt Folkene hugger den om og kaster den hen; paa Bjerge og i alle Dale falder dens Kviste; dens Grene ligger knækket i alle Landets Kløfter, og alle Jordens Folkeslag gaar bort fra dens Skygge og lader den ligge.
uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya.
13 Paa den faldne Stamme slaar alle Himmelens Fugle sig ned, og paa Grenene lejrer alle Markens Dyr sig,
Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo.
14 for at ingen Træer ved Vande skal hovmode sig over deres Vækst og løfte deres Krone op i Skyerne og gøre sig til af deres Højde, ingen Træer, som smager Vand; thi alle er hjemfaldne til Døden og maa til Underverdenen, midt iblandt Menneskens Børn, blandt dem, der steg ned i Graven.
Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.
15 Saa siger den Herre HERREN: Den Dag den farer ned i Dødsriget, lukker jeg Verdensdybet for den og holder dets Strømme tilbage, saa de mange Vande standses; jeg lader Libanon sørge over den, og alle Markens Træer vansmægter over den. (Sheol )
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. (Sheol )
16 Ved Drønet af dens Fald bringer jeg Folkene til at bæve, naar jeg styrter den ned i Dødsriget til dem, der steg ned i Graven; og nede i Underverdenen trøster alle Edens Træer sig, de ypperste og bedste paa Libanon, alle, som smager Vand. (Sheol )
Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. (Sheol )
17 Ogsaa de farer med den ned i Dødsriget til de sværdslagne, da de som dens Hjælpere har siddet i dens Skygge blandt Folkene. (Sheol )
Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo. (Sheol )
18 Hvem var din Lige i Herlighed og Størrelse blandt Edens Træer? Og dog styrtes du med Edens Træer ned i Underverdenen; midt iblandt uomskaarne skal du ligge hos de sværdslagne. Dette er Farao og al hans larmende Hob, lyder det fra den Herre HERREN.
“‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo. “‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’”